Bhuku Rechipiri reMadzimambo 16:1-20

  • Ahazi, mambo weJudha (1-6)

  • Ahazi anotenga vaAsiriya (7-9)

  • Ahazi anogadzira atari yakafanana neyevahedheni (10-18)

  • Kufa kwaAhazi (19, 20)

16  Mugore rechi17 raPeka mwanakomana waRemariya, Ahazi+ mwanakomana waMambo Jotamu weJudha akava mambo.  Ahazi aiva nemakore 20 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 16 muJerusarema. Haana kuita zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake zvakanga zvaitwa natateguru vake Dhavhidhi.+  Asi akafamba nenzira yemadzimambo eIsraeri,+ uye akatopfuudzawo mwanakomana wake nemumoto,+ achitevedzera zvinhu zvinosemesa zvaiitwa nemarudzi+ akanga adzingwa naJehovha pamberi pevaIsraeri.  Akarambawo achibayira zvibayiro nekukwidza utsi hwezvibayiro panzvimbo dzakakwirira,+ nepazvikomo, nepasi pemiti yese yakasvibirira.+  Panguva iyoyo ndipo pakauya Mambo Rezini weSiriya naPeka mwanakomana waRemariya mambo weIsraeri kuzorwisa Jerusarema.+ Vakakomba Ahazi kuti vamurwise, asi havana kukwanisa kutora guta racho.  Panguva iyoyo Mambo Rezini weSiriya akadzorera Erati+ kuEdhomu, achibva abudisa vaJudha* muErati. VaEdhomu vakabva vapinda muErati, uye nanhasi vachiri kugara imomo.  Saka Ahazi akatuma nhume kuna Mambo Tigrati-pireseri+ weAsiriya achiti: “Ndiri muranda wenyu uye mwanakomana wenyu. Uyai mundiponese paruoko rwamambo weSiriya neparuoko rwamambo weIsraeri, avo vari kundirwisa.”  Saka Ahazi akatora sirivha negoridhe zvaiva muimba yaJehovha nemaichengeterwa pfuma yeimba yamambo* akatumira mambo weAsiriya chipo.+  Mambo weAsiriya akanzwa chikumbiro chake uye akaenda kuDhamasiko akaitora, akatapa vanhu vayo akavaendesa kuKiri,+ uye akauraya Rezini.+ 10  Mambo Ahazi akabva aenda kunosangana naMambo Tigrati-pireseri weAsiriya kuDhamasiko. Mambo Ahazi paakaona atari yaiva muDhamasiko, akatumira mupristi Urija mufananidzo weatari yacho, wairatidza magadzirirwo ayakanga yakaitwa.+ 11  Mupristi Urija+ akavaka atari+ yacho achitevedzera mirayiridzo yese yakanga yatumirwa naMambo Ahazi kubva kuDhamasiko. Mupristi Urija akapedza kuivaka Mambo Ahazi asati adzoka kubva kuDhamasiko. 12  Mambo paakadzoka kubva kuDhamasiko achibva aona atari yacho, akaenda pairi akapa mipiro pairi.+ 13  Akaramba achiita kuti zvibayiro zvake zvinopiswa nemipiro yake yezviyo zvipfungaire paatari yacho; akadururawo pairi mipiro yake yezvinwiwa uye akasasa ropa rezvibayiro zvake zverugare pairi. 14  Akabva abvisa atari yemhangura+ yaiva pamberi paJehovha kubva panzvimbo yayo pamberi peimba; akaibvisa pakati peatari yake neimba yaJehovha, akaiisa kuchamhembe kweatari yake. 15  Mambo Ahazi akarayira mupristi Urija+ achiti: “Ita kuti chibayiro chinopiswa chemangwanani chipfungaire paatari huru,+ nemupiro wezviyo wemanheru,+ nechibayiro chinopiswa chamambo nemupiro wake wezviyo, pamwe chete nezvibayiro zvinopiswa zvevanhu vese, nemipiro yavo yezviyo, nemipiro yezvinwiwa. Unofanirawo kusasa pairi ropa rese rezvibayiro zvinopiswa, neropa rese rezvimwe zvibayiro. Asi kana iri atari yemhangura, rega ndione kuti ndichaita sei nayo.” 16  Mupristi Urija akaita zvese zvakanga zvarayirwa naMambo Ahazi.+ 17  Mambo Ahazi akacheka-chekawo marata emumativi ezvingoro,+ akabvisa mabheseni pazviri,+ uye akabvisa Dziva pamikono yemombe yemhangura+ parainge rakagadzikirwa, akariisa pasi pakanga pakawaridzwa matombo.+ 18  Akabvisa nzvimbo yakanga iine denga yaishandiswa paSabata yakanga yavakwa muimba yacho uye akavhara paipinda namambo muimba yaJehovha achibva avhura pamwe; akaita izvi nemhaka yamambo weAsiriya. 19  Kana iri nhoroondo yese yaAhazi, zvinhu zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eJudha?+ 20  Ahazi akazoradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, akavigwa pamwe chete nemadzitateguru ake muGuta raDhavhidhi; uye mwanakomana wake Hezekiya*+ akava mambo panzvimbo yake.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “varume veJudha.”
Kana kuti “yemuzinda wamambo.”
Kureva kuti “Jehovha Anosimbisa.”