Bhuku Rechipiri reMadzimambo 17:1-41

  • Hoshea, mambo weIsraeri (1-4)

  • VaIsraeri vanokundwa (5, 6)

  • VaIsraeri vanotapwa nekuti vakasiya Mwari (7-23)

  • Vekune dzimwe nyika vanounzwa mumaguta eSamariya (24-26)

  • Kunamata kwevaSamariya kwakavhengana (27-41)

17  Mugore rechi12 raMambo Ahazi weJudha, Hoshea+ mwanakomana waEraa akava mambo weIsraeri muSamariya; akatonga kwemakore 9.  Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, asi haana kuzosvika pane zvakaitwa nemadzimambo eIsraeri akamutangira.  Mambo Sharimaneseri weAsiriya akauya kuzomurwisa,+ uye Hoshea akava muranda wake, akatanga kubhadhara mutero kwaari.+  Asi mambo weAsiriya akaziva kuti Hoshea aironga kumupandukira, nekuti akanga atuma nhume kuna Mambo So weIjipiti+ uye akanga asina kuendesa mutero kuna mambo weAsiriya sezvaaiita makore akanga apfuura. Saka mambo weAsiriya akaramba akamuvharira mujeri akasungwa.  Mambo weAsiriya akapinda munyika yacho yese nechisimba, uye akaenda kuSamariya, akaikomba kwemakore matatu.  Mugore rechi9 raHoshea, mambo weAsiriya akatora Samariya.+ Akabva atapa vaIsraeri+ akavaendesa kuAsiriya, akavagarisa muHeira nemuHabhori kurwizi rwaGozani+ uye mumaguta evaMedhiya.+  Izvi zvakaitika nekuti vaIsraeri vakanga vatadzira Jehovha Mwari wavo, uyo akavabudisa munyika yeIjipiti mavaiva pasi paFarao mambo weIjipiti.+ Vakanamata* vamwe vanamwari,+  vakatevedzera tsika dzemarudzi akanga adzingwa naJehovha pamberi pevaIsraeri, uye vakatevedzera tsika dzakanga dzatangwa nemadzimambo eIsraeri.  VaIsraeri vairamba vachiita zvinhu zvisina kururama kuna Jehovha Mwari wavo. Vakaramba vachivaka nzvimbo dzakakwirira mumaguta avo ese,+ kubva kunharire kusvika kuguta rakakomberedzwa nemasvingo.* 10  Vakaramba vachizvimisira shongwe dzinoyera nemapango anoyera*+ pazvikomo zvese zvakakwirira nepasi pemiti yese yakasvibirira;+ 11  uye vaikwidza utsi hwezvibayiro panzvimbo dzese dzakakwirira sezvaiitwa nemarudzi akanga adzingwa naJehovha pamberi pavo.+ Vakaramba vachiita zvinhu zvakaipa kuti vagumbure Jehovha. 12  Vakaramba vachishumira zvidhori zvaisemesa,*+ zvavakanga vanzi naJehovha: “Musazvishumire!”+ 13  Jehovha akaramba achinyevera Israeri naJudha achishandisa vaprofita vake vese nevaoni vese,+ achiti: “Tendeukai panzira dzenyu dzakaipa!+ Chengetai mirayiro yangu nemirau yangu, muchitevedzera zvese zviri mumutemo wandakarayira madzitateguru enyu uye wandakakutumirai ndichishandisa varanda vangu vaprofita.” 14  Asi havana kuteerera, uye vakaramba vachiomesa misoro* yavo semadzitateguru avo, ayo asina kutenda muna Jehovha Mwari wawo.+ 15  Vakaramba vasingachengeti mirau yake nesungano yake+ yaakanga aita nemadzitateguru avo nezviyeuchidzo zvake zvaakanga avapa achivanyevera,+ uye vakaramba vachitevera zvidhori zvisingabatsiri,+ ivo vakavawo vanhu vasingabatsiri,+ vachitevedzera marudzi akanga akavapoteredza, avakanga varayirwa naJehovha kuti vasatevedzera.+ 16  Vakaramba vachisiya mirayiro yese yaJehovha Mwari wavo, uye vakagadzira mifananidzo yesimbi* yemhuru mbiri+ nebango rinoyera,*+ uye vakapfugamira uto rese rekudenga,+ vakashumira Bhaari.+ 17  Vakapfuudzawo vanakomana vavo nevanasikana vavo nemumoto,+ vachishopera,+ vachitenda mashura, uye vakaramba vachizvipira kuita* zvakaipa pamberi paJehovha, kuti vamugumbure. 18  Saka Jehovha akatsamwira vaIsraeri chaizvo, zvekuti akavabvisa pamberi pake.+ Haana kana waakasiya kunze kwedzinza raJudha chete. 19  VaJudha havanawo kuchengeta mirayiro yaJehovha Mwari wavo;+ vakafambawo mutsika dzaitevedzerwa nevaIsraeri.+ 20  Jehovha akaramba vana vese vaIsraeri akavanyadzisa uye akavaisa mumaoko evapambi, kusvikira avarasira kure naye. 21  Akabvisa vaIsraeri kuimba yaDhavhidhi, uye ivo vakagadza Jerobhoamu mwanakomana waNebhati kuti ave mambo.+ Asi Jerobhoamu akaita kuti vaIsraeri vatsauke pakutevera Jehovha, uye akaita kuti vaite chivi chakakura. 22  VaIsraeri vakaramba vachifamba muzvivi zvese zvakaitwa naJerobhoamu.+ Havana kuzvirega 23  kusvikira Jehovha abvisa vaIsraeri pamberi pake, sezvaakanga ataura achishandisa varanda vake vese vaprofita.+ Saka vaIsraeri vakatapwa vakabviswa munyika yavo, vakaendeswa kuAsiriya+ uko kwavachiri nanhasi. 24  Mambo weAsiriya akabva aunza vanhu kubva kuBhabhironi, Kuta, Avha, Hamati, neSefavhaimu,+ akavagarisa mumaguta eSamariya maimbova nevaIsraeri; vakatora Samariya vakagara mumaguta ayo. 25  Pavakatanga kugara imomo havana kutya* Jehovha. Saka Jehovha akatuma shumba pakati pavo,+ dzikauraya vamwe vavo. 26  Mambo weAsiriya akaudzwa kuti: “Marudzi amakatapa mukaagarisa mumaguta eSamariya haazivi manamatirwo aMwari* wenyika yacho. Saka iye ari kuramba achituma shumba pakati pavo dzichivauraya, nekuti pakati pavo hapana anoziva manamatirwo aMwari wenyika yacho.” 27  Mambo weAsiriya akabva arayira kuti: “Itai kuti mumwe wevapristi vamakatapa ikoko adzokere kunogara ikoko kuti avadzidzise manamatirwo aMwari wenyika yacho.” 28  Saka mumwe wevapristi vavakanga vatapa kuSamariya akadzoka kuzogara muBheteri,+ uye akatanga kuvadzidzisa kuti vangatya* sei Jehovha.+ 29  Zvisinei, rudzi rumwe nerumwe rwakagadzira mwari warwo,* uye marudzi acho akaisa vanamwari vacho mudzimba dzekunamatira dzaiva munzvimbo dzakakwirira dzakanga dzagadzirwa nevaSamariya; marudzi acho ese akaita izvozvo mumaguta awo aaigara. 30  Saka varume vekuBhabhironi vakagadzira Sukoti-bhenoti, varume vekuKuti vakagadzira Negari, varume vekuHamati+ vakagadzira Ashima, 31  uye vaAvhi vakagadzira Nibhazi naTataki. VaSefavhaimu vaipisa vanakomana vavo mumoto vachiitira Adramereki naAnamereki, vanamwari veSefavhaimu.+ 32  Kunyange zvazvo vaitya Jehovha, vakagadza vapristi venzvimbo dzakakwirira vavaisarudza pavanhu vese vese, kuti vavatungamirire padzimba dzekunamatira dzaiva panzvimbo dzakakwirira.+ 33  Saka vakatya Jehovha, asi vakanamata vanamwari vavo, sezvaingoitwa nemarudzi* avakanga vatorwa kubva kwaari.+ 34  Nanhasi vachiri kutevedzera manamatiro avo ekare. Pakati pavo hapana anonamata* Jehovha, uye hapana anotevedzera mirau yake, zvaakatonga, kana Mutemo, uye murayiro wakapiwa naJehovha kuvanakomana vaJakobho, uya waakachinja zita akamuti Israeri.+ 35  Jehovha paakaita sungano navo+ akavarayira kuti: “Hamufaniri kutya vamwe vanamwari, uye hamufaniri kuvapfugamira kana kuvashumira kana kubayira kwavari.+ 36  Asi Jehovha, uyo akakubudisai munyika yeIjipiti nesimba guru neruoko rwakatambanudzwa,+ ndiye wamunofanira kutya,+ uye ndiye wamunofanira kupfugamira, uye ndiye wamunofanira kubayira kwaari. 37  Munofanira kugara muchinyatsochengeta mirau, nezvakatongwa, neMutemo, nemurayiro zvaakakunyorerai,+ uye hamufaniri kutya vamwe vanamwari. 38  Hamufaniri kukanganwawo sungano yandakaita nemi,+ uye hamufaniri kutya vamwe vanamwari. 39  Asi Jehovha Mwari wenyu ndiye wamunofanira kutya, nekuti ndiye achakununurai kubva mumaoko evavengi venyu vese.” 40  Asi havana kuteerera, uye vakatevedzera manamatiro avo ekare.+ 41  Saka marudzi aya akatya Jehovha,+ asi aishumirawo zvifananidzo zvawo zvakavezwa. Nanhasi vanakomana vavo nevazukuru vavo vachiri kuita zvaiitwa nemadzitateguru avo.

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “Vakatya.”
Kureva, munzvimbo dzese, dzingava dzaigarwa nevanhu vashoma kana vakawanda.
Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.
ChiHeb., “mitsipa.”
Kana kuti “yesimbi yakanyungudutswa.”
ChiHeb., “vachizvitengesa kuti vaite.”
Kana kuti “kunamata.”
Kana kuti “chitendero chaMwari.”
Kana kuti “vanganamata.”
Kana kuti “vanamwari varwo.”
Kana kuti “sezvaiitwa muzvitendero zvemarudzi.”
ChiHeb., “anotya.”