Bhuku Rechipiri reMadzimambo 2:1-25
2 Jehovha paakanga ava kuda kukwidza Eriya+ kudenga* nedutu,+ Eriya naErisha+ vakabva kuGirigari.+
2 Eriya akati kuna Erisha: “Ndapota, sara pano, nekuti Jehovha andituma kuBheteri.” Asi Erisha akati: “NaJehovha mupenyu uye neupenyu hwenyu,* handisi kuzokusiyai.” Saka vakaenda kuBheteri.+
3 Vanakomana vevaprofita* vaiva muBheteri vakabva vauya kuna Erisha, vakati kwaari: “Munozviziva here kuti nhasi Jehovha achabvisa tenzi wenyu kuti arege kuva mukuru wenyu?”+ Iye akati: “Ndinozviziva. Nyararai.”
4 Zvino Eriya akati kwaari: “Erisha, ndapota sara pano, nekuti Jehovha andituma kuJeriko.”+ Asi iye akati: “NaJehovha mupenyu uye neupenyu hwenyu,* handisi kuzokusiyai.” Saka vakasvika kuJeriko.
5 Vanakomana vevaprofita avo vaiva muJeriko vakabva vaenda kuna Erisha, vakati kwaari: “Munozviziva here kuti nhasi Jehovha achabvisa tenzi wenyu kuti arege kuva mukuru wenyu?” Iye akati: “Ndinozviziva. Nyararai.”
6 Zvino Eriya akati kwaari: “Erisha, ndapota sara pano, nekuti Jehovha andituma kuJodhani.” Asi iye akati: “NaJehovha mupenyu uye neupenyu hwenyu,* handisi kuzokusiyai.” Saka vakaenda vese vari vaviri.
7 Zvino vanakomana 50 vevaprofita vakaendawo, vakamira vachiona vari nechekure, vaviri vacho pavakanga vakamira pedyo naJodhani.
8 Eriya akabva atora nguo yake yebasa,+ akaipeta, akarova mvura, ikaparadzana imwe ichienda kuruboshwe imwe ichienda kurudyi, zvekuti vese vari vaviri vakayambuka nepakaoma.+
9 Vachangoyambuka, Eriya akati kuna Erisha: “Kumbira chaunoda kuti ndikuitire ndisati ndabviswa kwauri.” Saka Erisha akati: “Ndinokumbirawo kupiwa chikamu chakapetwa kaviri+ chemweya wenyu.”*+
10 Akapindura kuti: “Wakumbira chinhu chakaoma. Kana ukandiona pandichabviswa kwauri, zvawakumbira zvichaitika; asi kana ukasandiona, hazvizoitiki.”
11 Sezvavakanga vachifamba vachitaura zvavo, ngoro yemoto nemabhiza emoto+ zvakangoerekana zvaparadzanisa vaviri vacho, uye Eriya akakwira kudenga* ari mudutu.+
12 Erisha paakanga akatarisa, aishevedzera achiti: “Baba vangu, baba vangu! Ngoro yaIsraeri nevatasvi vake vemabhiza!”+ Paakanga asisamuoni, akabata nguo dzake akadzibvarura nepakati.+
13 Pashure paizvozvo akanhonga nguo+ yaEriya yebasa yakanga yadonha ichibva paari, akadzokera akanomira pamahombekombe aJodhani.
14 Akabva atora nguo yaEriya yakanga yadonha ichibva paari, akarova mvura akati: “Jehovha Mwari waEriya ari kupi?” Erisha paakarova mvura yacho, yakabva yakamukana imwe ichienda kuruboshwe imwe ichienda kurudyi, zvekuti akayambuka.+
15 Vanakomana vevaprofita avo vaiva kuJeriko pavakamuona achiri kure, vakati: “Mweya waEriya wagara pana Erisha.”+ Saka vakaenda kunomuchingura, vakapfugama vakakotamisa misoro pamberi pake.
16 Vakati kwaari: “Varanda venyu vane varume 50 vakasimba. Tapota, regai vaende kunotsvaga tenzi wenyu. Zvimwe mweya waJehovha wamusimudza, ukamukanda* pane rimwe gomo kana kuti mune mumwe mupata.”+ Asi iye akati: “Musavatuma.”
17 Zvisinei, vakaramba vachimumanikidza kusvikira ava kunyara, saka akati: “Vatumei.” Vakatuma varume vacho 50, avo vakaramba vachimutsvaga kwemazuva matatu, asi havana kumuwana.
18 Vakabva vadzokera kwaari vakamuwana achigara muJeriko.+ Akabva ati kwavari: “Handina here kukuudzai kuti musaenda?”
19 Nekufamba kwenguva, varume veguta racho vakati kuna Erisha: “Sezvamuri kuona tenzi wangu, guta riri panzvimbo yakanaka,+ asi mvura ndiyo yakaipa, uye nyika haisi kubereka.”*
20 Iye akabva ati: “Ndipei ndiro diki itsva, muise munyu imomo.” Saka vakauya nayo kwaari.
21 Akabva abuda, akaenda pachitubu chemvura yacho, akakanda munyu imomo,+ akati: “Zvanzi naJehovha, ‘Ndanatsa mvura iyi. Haichaurayi kana kuita kuti nyika isabereka.’”*
22 Nanhasi mvura yacho ichakanatswa, maererano neshoko rakataurwa naErisha.
23 Akabva ikoko akakwidza kuBheteri. Paakanga ari munzira achienda, vakomana vadiki vakabuda muguta vakatanga kumunyomba,+ uye vakaramba vachiti kwaari: “Iwe nyamhanza, kwira! Iwe nyamhanza, kwira!”
24 Akazotendeuka, akavatarisa, akavatuka muzita raJehovha. Mhuka hadzi mbiri dzinonzi mabheya+ dzakabva dzabuda musango, dzikabvambura-bvambura vana 42 pavana vacho.+
25 Akabva ipapo akaramba achienda kuGomo reKameri,+ uye achibva ikoko akadzokera kuSamariya.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “mudenga.”
^ Kana kuti “nemweya wenyu mupenyu.”
^ Zvinoita sekuti pari kunzi “vanakomana vevaprofita” pari kureva boka revaprofita kana kuti vaprofita vane zvimwe zvinhu zvavaidzidziswa pabasa ravo.
^ Kana kuti “nemweya wenyu mupenyu.”
^ Kana kuti “nemweya wenyu mupenyu.”
^ Kana kuti “zvikamu zviviri zvemweya wenyu.”
^ Kana kuti “mudenga.”
^ Kana kuti “mhepo yaJehovha yamusimudza ikamukanda.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “uye nyika iri kuita kuti pamuviri pabve.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “pamuviri pabve.”