Bhuku Rechipiri reMadzimambo 2:1-25

  • Eriya anotakurwa mudutu (1-18)

    • Erisha anotora nguo yebasa yaEriya (13, 14)

  • Erisha anonatsa mvura yeJeriko (19-22)

  • Mabheya anouraya vana vadiki kuBheteri (23-25)

2  Jehovha paakanga ava kuda kukwidza Eriya+ kudenga* nedutu,+ Eriya naErisha+ vakabva kuGirigari.+  Eriya akati kuna Erisha: “Ndapota, sara pano, nekuti Jehovha andituma kuBheteri.” Asi Erisha akati: “NaJehovha mupenyu uye neupenyu hwenyu,* handisi kuzokusiyai.” Saka vakaenda kuBheteri.+  Vanakomana vevaprofita* vaiva muBheteri vakabva vauya kuna Erisha, vakati kwaari: “Munozviziva here kuti nhasi Jehovha achabvisa tenzi wenyu kuti arege kuva mukuru wenyu?”+ Iye akati: “Ndinozviziva. Nyararai.”  Zvino Eriya akati kwaari: “Erisha, ndapota sara pano, nekuti Jehovha andituma kuJeriko.”+ Asi iye akati: “NaJehovha mupenyu uye neupenyu hwenyu,* handisi kuzokusiyai.” Saka vakasvika kuJeriko.  Vanakomana vevaprofita avo vaiva muJeriko vakabva vaenda kuna Erisha, vakati kwaari: “Munozviziva here kuti nhasi Jehovha achabvisa tenzi wenyu kuti arege kuva mukuru wenyu?” Iye akati: “Ndinozviziva. Nyararai.”  Zvino Eriya akati kwaari: “Erisha, ndapota sara pano, nekuti Jehovha andituma kuJodhani.” Asi iye akati: “NaJehovha mupenyu uye neupenyu hwenyu,* handisi kuzokusiyai.” Saka vakaenda vese vari vaviri.  Zvino vanakomana 50 vevaprofita vakaendawo, vakamira vachiona vari nechekure, vaviri vacho pavakanga vakamira pedyo naJodhani.  Eriya akabva atora nguo yake yebasa,+ akaipeta, akarova mvura, ikaparadzana imwe ichienda kuruboshwe imwe ichienda kurudyi, zvekuti vese vari vaviri vakayambuka nepakaoma.+  Vachangoyambuka, Eriya akati kuna Erisha: “Kumbira chaunoda kuti ndikuitire ndisati ndabviswa kwauri.” Saka Erisha akati: “Ndinokumbirawo kupiwa chikamu chakapetwa kaviri+ chemweya wenyu.”*+ 10  Akapindura kuti: “Wakumbira chinhu chakaoma. Kana ukandiona pandichabviswa kwauri, zvawakumbira zvichaitika; asi kana ukasandiona, hazvizoitiki.” 11  Sezvavakanga vachifamba vachitaura zvavo, ngoro yemoto nemabhiza emoto+ zvakangoerekana zvaparadzanisa vaviri vacho, uye Eriya akakwira kudenga* ari mudutu.+ 12  Erisha paakanga akatarisa, aishevedzera achiti: “Baba vangu, baba vangu! Ngoro yaIsraeri nevatasvi vake vemabhiza!”+ Paakanga asisamuoni, akabata nguo dzake akadzibvarura nepakati.+ 13  Pashure paizvozvo akanhonga nguo+ yaEriya yebasa yakanga yadonha ichibva paari, akadzokera akanomira pamahombekombe aJodhani. 14  Akabva atora nguo yaEriya yakanga yadonha ichibva paari, akarova mvura akati: “Jehovha Mwari waEriya ari kupi?” Erisha paakarova mvura yacho, yakabva yakamukana imwe ichienda kuruboshwe imwe ichienda kurudyi, zvekuti akayambuka.+ 15  Vanakomana vevaprofita avo vaiva kuJeriko pavakamuona achiri kure, vakati: “Mweya waEriya wagara pana Erisha.”+ Saka vakaenda kunomuchingura, vakapfugama vakakotamisa misoro pamberi pake. 16  Vakati kwaari: “Varanda venyu vane varume 50 vakasimba. Tapota, regai vaende kunotsvaga tenzi wenyu. Zvimwe mweya waJehovha wamusimudza, ukamukanda* pane rimwe gomo kana kuti mune mumwe mupata.”+ Asi iye akati: “Musavatuma.” 17  Zvisinei, vakaramba vachimumanikidza kusvikira ava kunyara, saka akati: “Vatumei.” Vakatuma varume vacho 50, avo vakaramba vachimutsvaga kwemazuva matatu, asi havana kumuwana. 18  Vakabva vadzokera kwaari vakamuwana achigara muJeriko.+ Akabva ati kwavari: “Handina here kukuudzai kuti musaenda?” 19  Nekufamba kwenguva, varume veguta racho vakati kuna Erisha: “Sezvamuri kuona tenzi wangu, guta riri panzvimbo yakanaka,+ asi mvura ndiyo yakaipa, uye nyika haisi kubereka.”* 20  Iye akabva ati: “Ndipei ndiro diki itsva, muise munyu imomo.” Saka vakauya nayo kwaari. 21  Akabva abuda, akaenda pachitubu chemvura yacho, akakanda munyu imomo,+ akati: “Zvanzi naJehovha, ‘Ndanatsa mvura iyi. Haichaurayi kana kuita kuti nyika isabereka.’”* 22  Nanhasi mvura yacho ichakanatswa, maererano neshoko rakataurwa naErisha. 23  Akabva ikoko akakwidza kuBheteri. Paakanga ari munzira achienda, vakomana vadiki vakabuda muguta vakatanga kumunyomba,+ uye vakaramba vachiti kwaari: “Iwe nyamhanza, kwira! Iwe nyamhanza, kwira!” 24  Akazotendeuka, akavatarisa, akavatuka muzita raJehovha. Mhuka hadzi mbiri dzinonzi mabheya+ dzakabva dzabuda musango, dzikabvambura-bvambura vana 42 pavana vacho.+ 25  Akabva ipapo akaramba achienda kuGomo reKameri,+ uye achibva ikoko akadzokera kuSamariya.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “mudenga.”
Kana kuti “nemweya wenyu mupenyu.”
Zvinoita sekuti pari kunzi “vanakomana vevaprofita” pari kureva boka revaprofita kana kuti vaprofita vane zvimwe zvinhu zvavaidzidziswa pabasa ravo.
Kana kuti “nemweya wenyu mupenyu.”
Kana kuti “nemweya wenyu mupenyu.”
Kana kuti “zvikamu zviviri zvemweya wenyu.”
Kana kuti “mudenga.”
Kana kuti “mhepo yaJehovha yamusimudza ikamukanda.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “uye nyika iri kuita kuti pamuviri pabve.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “pamuviri pabve.”