Bhuku Rechipiri reMadzimambo 20:1-21

  • Kurwara kwaHezekiya uye kupora kwake (1-11)

  • Nhume dzakabva kuBhabhironi (12-19)

  • Kufa kwaHezekiya (20, 21)

20  Mumazuva iwayo Hezekiya akarwara zvekuda kufa.+ Muprofita Isaya mwanakomana waAmozi akauya akati kwaari, “Zvanzi naJehovha: ‘Ronga nyaya dzemhuri yako, nekuti uchafa; hausi kuzopora.’”+  Akabva atarisa kumadziro, akatanga kunyengetera kuna Jehovha, achiti:  “Ndinokutetererai, haiwa Jehovha, ndapota yeukai kuti ndakafamba pamberi penyu ndakatendeka, nemwoyo wakaperera kwamuri, uye kuti ndakaita zvakanaka pamberi penyu.”+ Hezekiya akabva atanga kuchema chaizvo.  Isaya akanga asati asvika pachivanze chepakati shoko raJehovha parakasvika kwaari, richiti:+  “Dzokera unoti kuna Hezekiya, mutungamiriri wevanhu vangu, ‘Zvanzi naJehovha Mwari watateguru vako Dhavhidhi: “Ndanzwa munyengetero wako. Ndaona misodzi yako.+ Ndichakuporesa.+ Pazuva rechitatu uchaenda kuimba yaJehovha.+  Ndichawedzera makore 15 paupenyu hwako,* uye ndichakununura iwe neguta rino paruoko rwamambo weAsiriya,+ uye ndicharwira guta rino ndichiitira zita rangu uye ndichiitira muranda wangu Dhavhidhi.”’”+  Isaya akabva ati: “Unzai keke remaonde akaomeswa.” Saka vakauya naro vakariisa pamota, achibva apora zvishoma nezvishoma.+  Hezekiya akanga abvunza Isaya kuti: “Ndechipi chiratidzo+ chekuti Jehovha achandiporesa uye kuti ndichaenda kuimba yaJehovha pazuva rechitatu?”  Isaya akati: “Ichi ndicho chiratidzo chinobva kuna Jehovha chekuti Jehovha achaita zvaataura: Unoda kuti mumvuri uri pamasitepisi* uende mberi nemasitepisi gumi here kana kuti udzoke shure nemasitepisi gumi?”+ 10  Hezekiya akati: “Zviri nyore kuti mumvuri uende mberi nemasitepisi gumi, asi kwete kuti udzoke shure nemasitepisi gumi.” 11  Saka muprofita Isaya akashevedzera kuna Jehovha, uyo akabva aita kuti mumvuri waiva pamasitepisi aAhazi udzoke shure nemasitepisi gumi pashure pekunge wambodzika nemasitepisi acho.+ 12  Panguva iyoyo mambo weBhabhironi, Bherodhaki-bharadhani mwanakomana waBharadani, akatumira tsamba nechipo kuna Hezekiya, nekuti akanga anzwa kuti Hezekiya akanga achirwara.+ 13  Hezekiya akavagamuchira* akavaratidza imba yake yese yepfuma,+ kureva sirivha, goridhe, mafuta ebharisamu nemamwe mafuta aikosha, zvombo zvake, nezvese zvaiva maichengeterwa pfuma yake. Hapana chavasina kuratidzwa naHezekiya muimba yake* uye munzvimbo yake yese yaaitonga. 14  Pashure paizvozvo muprofita Isaya akapinda maiva naMambo Hezekiya akabvunza kuti: “Varume ava vati chii uye vabva kupi?” Hezekiya akabva ati: “Vabva kunyika iri kure, kuBhabhironi.”+ 15  Akabva ati: “Vaonei mumba* mako?” Hezekiya akapindura kuti: “Vaona zvese zviri mumba* mangu. Hapana chandisina kuvaratidza munochengeterwa pfuma yangu.” 16  Isaya akabva ati kuna Hezekiya: “Inzwa shoko raJehovha,+ 17  ‘Mazuva achasvika pachaendeswa kuBhabhironi zvinhu zvese zviri mumba mako nezvakaunganidzwa nemadzitateguru ako kusvikira nhasi.+ Hapana chichasara,’ anodaro Jehovha. 18  ‘Uye vamwe vanakomana vako vauchabereka, vachatorwa+ uye vachava vakuru vemumuzinda wamambo weBhabhironi.’”+ 19  Hezekiya akabva ati kuna Isaya: “Shoko raJehovha ramataura rakanaka.”+ Akatiwo: “Ishoko rakanaka kana pachizova nerunyararo nekugadzikana* panguva yandinenge ndiri mupenyu.”*+ 20  Kana iri nhoroondo yese yaHezekiya, simba rake rese nekugadzira kwaakaita dziva+ nemugero, akapinza mvura muguta,+ hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eJudha? 21  Hezekiya akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake;+ uye mwanakomana wake Manase+ akava mambo panzvimbo yake.+

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “pamazuva ako.”
Masitepisi aya anogona kunge aishandiswa kuona pava nenguva uchitarisa panenge pava nemumvuri.
Kana kuti “mumuzinda wake.”
Kana kuti “akavateerera.”
Kana kuti “mumuzinda.”
Kana kuti “mumuzinda.”
ChiHeb., “pamazuva angu.”
Kana kuti “nechokwadi.”