Bhuku Rechipiri reMadzimambo 23:1-37

  • Josiya anogadzirisa zvinhu (1-20)

  • Paseka inochengetwa (21-23)

  • Zvimwe zvinogadziriswa naJosiya (24-27)

  • Kufa kwaJosiya (28-30)

  • Jehoahazi, mambo weJudha (31-33)

  • Jehoyakimu, mambo weJudha (34-37)

23  Saka mambo akatumira shoko, uye vakaunganidza vakuru vese veJudha neveJerusarema.+  Pashure paizvozvo mambo akakwidza kuimba yaJehovha aine varume vese veJudha, nevagari vese vemuJerusarema, nevapristi, nevaprofita, vanhu vese zvavo kubvira kumudiki kusvikira kumukuru. Akaverenga mashoko ese ebhuku+ resungano+ rakanga rawanikwa muimba yaJehovha+ vanhu vachinzwa.  Mambo akamira pedyo nembiru, akaita sungano* pamberi paJehovha,+ yekuti aizotevera Jehovha uye aizochengeta mirayiro yake, zviyeuchidzo zvake, nemirau yake nemwoyo wake wese nemweya* wake wese, kuburikidza nekuchengeta mashoko esungano iyi akanga akanyorwa mubhuku iri. Uye vanhu vese vakabvuma kuva musungano yacho.+  Mambo akabva arayira mupristi mukuru Hirikiya,+ nevapristi vaiva vatevedzeri vake, nevachengeti vemasuo kuti vabudise mutemberi yaJehovha midziyo yese yakanga yagadzirirwa Bhaari, neyebango rinoyera,*+ neyeuto rese rekudenga. Akabva aipisira kunze kweJerusarema pamateru eKidroni, akatora madota acho akaenda nawo kuBheteri.+  Saka akashayisa basa vapristi vevanamwari vekune dzimwe nyika, avo vakanga vagadzwa nemadzimambo eJudha kuti vakwidze utsi hwezvibayiro panzvimbo dzakakwirira dzaiva mumaguta eJudha nenzvimbo dzakapoteredza Jerusarema, nevayawo vaikwidza utsi hwezvibayiro kuna Bhaari, nekuzuva, nemwedzi nemapoka enyeredzi, neuto rese rekudenga.+  Akabudisawo bango rinoyera*+ muimba yaJehovha akaenda naro kumucheto kweJerusarema kuBani reKidroni, uye akaripisira+ muBani reKidroni, akarikuya akamwaya guruva racho pamakuva evanhuwo zvavo.+  Akaputsawo dzimba dzepfambi dzechirume dzepatemberi+ dzaiva muimba yaJehovha, idzo dzaishandiswa nevakadzi kurukira temberi dzetende dzebango rinoyera.*  Akabva abudisa vapristi vese mumaguta eJudha, uye akaita kuti nzvimbo dzakakwirira dzaishandiswa nevapristi pakukwidza utsi hwezvibayiro dzisare dzisina kukodzera kunamatira, kubva kuGebha+ kusvika kuBheeri-shebha.+ Akaputsawo nzvimbo dzakakwirira dzepamagedhi dzaiva pagedhi raJoshua, mukuru weguta, dzaiva kuruboshwe kana munhu achipinda nepagedhi reguta.  Vapristi venzvimbo dzakakwirira vakanga vasingashumiri paatari yaJehovha yaiva muJerusarema,+ asi vaidya chingwa chisina mbiriso pamwe chete nehama dzavo. 10  Akaitawo kuti Tofeti+ isakodzera kunamatira, iyo iri muBani reVanakomana vaHinomu,*+ kuti parege kuva nemunhu anopfuudza mwanakomana wake kana mwanasikana wake nemumoto achipira kuna Moreki.+ 11  Akaitawo kuti mabhiza akanga apirwa* kuzuva nemadzimambo eJudha arege kupinda muimba yaJehovha achipfuura nemuimba* yemumwe mukuru wemumuzinda ainzi Natani-mereki iyo yaiva panzvimbo yaiva nedenga; uye akapisa ngoro dzezuva.+ 12  Mambo akaputsawo atari dzakanga dzavakwa nemadzimambo eJudha pamusoro peimba yepadenga+ yaAhazi, neatari dzakanga dzavakwa naManase muzvivanze zviviri zveimba yaJehovha.+ Akadzikuya-kuya akamwaya guruva radzo muBani reKidroni. 13  Mambo akaita kuti nzvimbo dzakakwirira dzaiva pakatarisana neJerusarema, dzaiva kumaodzanyemba* kweGomo Rekuparadza,* dzisakodzera kunamatira, idzo Soromoni mambo weIsraeri akanga avakira Ashtoreti, mwarikadzi anosemesa wevaSidhoni; naKemoshi, mwari anosemesa weMoabhi; naMirikomu,+ mwari anosemesa wevaAmoni.+ 14  Akaputsa-putsa shongwe dzinoyera, akatemawo mapango anoyera,*+ achibva azadza nzvimbo yazvaiva nemapfupa evanhu. 15  Akaputsawo atari yaiva muBheteri, nzvimbo yakakwirira yakanga yagadzirwa naJerobhoamu mwanakomana waNebhati, iyo yakaita kuti vaIsraeri vatadze.+ Pashure pekuputsa atari iyoyo pamwe chete nenzvimbo yakakwirira, akapisa nzvimbo yacho yakakwirira, akaikuya kuita guruva, akapisa bango rinoyera.*+ 16  Josiya paakatendeuka achibva aona makuva aiva mugomo, akaita kuti mapfupa aiva mumakuva acho anotorwa achibva aapisira paatari, zvikaita kuti atari yacho isakodzera kunamatira, maererano neshoko raJehovha rakanga raziviswa nemunhu waMwari wechokwadi, uyo akagara ataura kuti zvinhu izvi zvichaitika.+ 17  Akabva ati: “Pane dombo repaguva randiri kuona uko iro. Iguva raani?” Varume veguta racho vakati kwaari: “Iguva remunhu waMwari wechokwadi akabva kuJudha,+ uyo akazivisa zvinhu izvi zvamaitira atari yeBheteri.” 18  Saka akati: “Muregei akadaro. Ngaparege kuva nemunhu anobvisa mapfupa ake.” Saka vakasiya mapfupa ake akadaro pamwe chete nemapfupa emuprofita akanga abva kuSamariya.+ 19  Josiya akabvisawo dzimba dzese dzekunamatira dzaiva panzvimbo dzakakwirira mumaguta eSamariya+ dzakanga dzavakwa nemadzimambo eIsraeri achigumbura Mwari, uye akadziita zvaakanga aita dzekuBheteri.+ 20  Saka akabayira vapristi vese venzvimbo dzakakwirira vaiva ikoko paatari dzacho, akapisira mapfupa evanhu padziri.+ Pashure paizvozvo akadzokera kuJerusarema. 21  Mambo akabva arayira vanhu vese, achiti: “Itirai Jehovha Mwari wenyu Paseka+ sezvakanyorwa mubhuku iri resungano.”+ 22  Hakuna kumboitwa Paseka yakaita saiyoyi kubvira mumazuva aitongwa Israeri nevatongi, kana mumazuva ese emadzimambo eIsraeri nemadzimambo eJudha.+ 23  Asi mugore rechi18 raMambo Josiya, Jehovha akaitirwa Paseka iyi muJerusarema. 24  Josiya akabvisawo masvikiro, vafemberi,+ neterafimu,*+ nezvidhori zvaisemesa,* nezvinhu zvese zvinonyangadza zvakanga zviri munyika yeJudha nemuJerusarema, kuti aite zvakataurwa neMutemo+ zvakanga zvakanyorwa mubhuku rakawanikwa muimba yaJehovha nemupristi Hirikiya.+ 25  Hapana mambo akamutangira akanga akafanana naye, akadzoka kuna Jehovha nemwoyo wake wese nemweya*+ wake wese nesimba rake rese, maererano neMutemo wese waMozisi; uyewo hapana mumwe akamutevera akanga akafanana naye. 26  Kunyange zvakadaro, Jehovha haana kudzora kutsamwa kwake kukuru, kwaakanga aitira Judha nemhaka yezvinhu zvese zvinogumbura zvakaitwa naManase achimugumbura.+ 27  Jehovha akati: “Ndichabvisawo Judha pamberi pangu,+ sekubvisa kwandakaita Israeri;+ uye ndicharamba guta rino randakasarudza, iro Jerusarema, neimba yandakati nezvayo, ‘Zita rangu richaramba riri ipapo.’”+ 28  Kana iri nhoroondo yese yaJosiya, zvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eJudha? 29  Mumazuva ake, Farao Neko mambo weIjipiti akaenda kunosangana namambo weAsiriya kuRwizi rwaYufratesi, uye Mambo Josiya akaenda kunorwisana naye; asi Neko paakamuona, akamuuraya paMegidho.+ 30  Varanda vake vakabva vatakura mutumbi wake mungoro kubva kuMegidho, vakamuunza kuJerusarema, vakamuviga muguva rake. Vanhu vemunyika yacho vakabva vatora Jehoahazi mwanakomana waJosiya, vakamuzodza, vakamugadza kuti ave mambo panzvimbo yababa vake.+ 31  Jehoahazi+ aiva nemakore 23 paakava mambo, uye akatonga kwemwedzi mitatu muJerusarema. Amai vake vainzi Hamutari+ mwanasikana waJeremiya wekuRibna. 32  Akatanga kuita zvakaipa pamberi paJehovha, achiita zvese zvakanga zvaitwa nemadzitateguru ake.+ 33  Farao Neko+ akamuisa mujeri kuRibra+ munyika yeHamati, kuti arege kutonga muJerusarema, achibva abhadharisa nyika yacho matarenda* 100 esirivha netarenda rimwe chete regoridhe.+ 34  Farao Neko akagadzawo Eriyakimu mwanakomana waJosiya kuti ave mambo panzvimbo yababa vake Josiya, akachinja zita rake kuti rinzi Jehoyakimu; asi akatora Jehoahazi akaenda naye kuIjipiti,+ kwaakazofira.+ 35  Jehoyakimu akapa Farao sirivha negoridhe, asi akabhadharisa nyika mutero kuti awane mari yacho yaidiwa naFarao. Akatemera munhu mumwe nemumwe wemunyika yacho sirivha negoridhe zvaaifanira kubvisa, kuti iye ape Farao Neko. 36  Jehoyakimu+ aiva nemakore 25 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 11 muJerusarema.+ Amai vake vainzi Zebhidha mwanasikana waPedhaya wekuRuma. 37  Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha,+ maererano nezvese zvakanga zvaitwa nemadzitateguru ake.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “akamutsidzira sungano.”
Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Gehena.”
ChiHeb., “apiwa.”
Kana kuti “nemuimba yekudyira.”
ChiHeb., “kurudyi.” Kureva, kumaodzanyemba kana munhu akatarisa kumabvazuva.
Kureva, Gomo reMiorivhi, kunyanya nechekwarinoperera kudivi rekumaodzanyemba uko kunonziwo Gomo reMhosva.
Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.
Kana kuti “navanamwari vemumba; nezvidhori.”
Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.