Bhuku Rechipiri reMadzimambo 24:1-20

  • Kupanduka kwaJehoyakimu uye kufa kwake (1-7)

  • Jehoyakini, mambo weJudha (8, 9)

  • Vanhu vekutanga kuendeswa kuBhabhironi (10-17)

  • Zedhekiya, mambo weJudha; kupanduka kwake (18-20)

24  Mumazuva aJehoyakimu, Mambo Nebhukadhinezari+ weBhabhironi akauya kuzomurwisa, uye Jehoyakimu akava pasi pake kwemakore matatu. Asi akachinja akamupandukira.  Jehovha akabva atanga kumutumira mapoka evanhu vaipamba evaKadheya,+ evaSiriya, evaMoabhi, neevaAmoni. Akaramba achiatuma kuJudha kuti aiparadze, maererano neshoko raJehovha+ raakanga ataura achishandisa varanda vake vaprofita.  Chokwadi izvi zvakaitika kuJudha nekuti zvakanga zvarayirwa naJehovha, kuti avabvise pamberi pake+ nemhaka yezvivi zvese zvakanga zvaitwa naManase,+  uyewo nemhaka yeropa risina mhosva raakanga adeura,+ nekuti akanga azadza Jerusarema neropa risina mhosva, uye Jehovha akanga asingadi kuvaregerera.+  Kana iri nhoroondo yese yaJehoyakimu, zvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eJudha?+  Jehoyakimu akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake;+ uye mwanakomana wake Jehoyakini akava mambo panzvimbo yake.  Mambo weIjipiti haana kuzombobudazve munyika yake, nekuti mambo weBhabhironi akanga atora nharaunda dzese dzaimbova pasi pamambo weIjipiti,+ kubva kuRwizi* rweIjipiti+ kusvika kuRwizi rwaYufratesi.+  Jehoyakini+ aiva nemakore 18 paakava mambo, uye akatonga kwemwedzi mitatu muJerusarema.+ Amai vake vainzi Nehushta mwanasikana waErinatani wekuJerusarema.  Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, achitevedzera zvese zvakanga zvaitwa nababa vake. 10  Panguva iyoyo varanda vaMambo Nebhukadhinezari weBhabhironi vakauya kuzorwisa Jerusarema, uye guta racho rakakombwa.+ 11  Mambo Nebhukadhinezari weBhabhironi akauya kuguta racho parakanga rakakombwa nevaranda vake. 12  Mambo Jehoyakini weJudha akabuda akaenda kuna mambo weBhabhironi,+ aina amai vake, varanda vake, machinda ake, nevakuru vemumuzinda wake;+ uye mambo weBhabhironi akamutapa mugore rechi8 rekutonga kwake.+ 13  Akabva atora pfuma yese yeimba yaJehovha neyeimba yamambo.*+ Akagura-gura midziyo yese yegoridhe yakanga yagadzirwa naSoromoni mambo weIsraeri mutemberi yaJehovha.+ Izvi zvakaitika sekutaurwa kwazvakanga zvaitwa naJehovha. 14  Akatapa Jerusarema rese, machinda ese,+ varwi vese vaiva nesimba, mhizha dzese, nevapfuri vese vesimbi,*+ vese pamwe chete vari 10 000, achibva aenda navo. Hapana akasiyiwa kunze kwevarombo vekupedzisira vemunyika yacho.+ 15  Saka akatapa Jehoyakini+ akamuendesa kuBhabhironi;+ akatorawo amai vamambo, madzimai amambo, vakuru vemumuzinda wake, nevarume vaikudzwa vemunyika yacho, akaenda navo kuBhabhironi vachibva kuJerusarema. 16  Mambo weBhabhironi akaendesawo kuBhabhironi varwi vese, 7 000, nevarume 1 000 vaiva mhizha nevapfuri vesimbi,* vese vaiva varume vane simba uye vakadzidziswa hondo. 17  Mambo weBhabhironi akagadza Mataniya, babamudiki vaJehoyakini+ kuti vave mambo panzvimbo yake, akachinja zita ravo kuti rinzi Zedhekiya.+ 18  Zedhekiya aiva nemakore 21 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 11 muJerusarema. Amai vake vainzi Hamutari+ mwanasikana waJeremiya wekuRibna. 19  Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, achitevedzera zvese zvakanga zvaitwa naJehoyakimu.+ 20  Zvinhu izvi zvakaitika muJerusarema nemuJudha nekuti Jehovha akanga atsamwa, akasvika pakuvabvisa pamberi pake.+ Uye Zedhekiya akapandukira mambo weBhabhironi.+

Mashoko Emuzasi

Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Bani.”
Kana kuti “neyemuzinda wamambo.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “nevavaki vemasvingo.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “nevavaki vemasvingo.”