Bhuku Rechipiri reMadzimambo 4:1-44

  • Erisha anoita kuti mafuta echirikadzi awande (1-7)

  • Mukadzi wekuShunemi anogamuchira vaeni zvakanaka (8-16)

  • Mukadzi anopiwa mwanakomana; mwana wacho anofa (17-31)

  • Erisha anomutsa mwana anga afa (32-37)

  • Erisha anoita kuti zvekudya zvidyike (38-41)

  • Erisha anoita kuti zvingwa zviwande (42-44)

4  Mumwe wemadzimai evanakomana vevaprofita+ akachema kuna Erisha, achiti: “Muranda wenyu, iye murume wangu akafa, uye imi munonyatsoziva kuti muranda wenyu aitya Jehovha.+ Iye zvino pauya mukweretesi kuzotora vana vangu vaviri kuti vave varanda vake.”  Erisha akabva ati kwaari: “Unoda kuti ndikuitirei? Ndiudze, chii chauinacho mumba?” Iye akapindura kuti: “Muranda wenyu haana kana chaainacho mumba kunze kwechirongo* chemafuta.”+  Iye akabva ati: “Enda kunze unokumbira midziyo isina chinhu kuvavakidzani vako vese. Usakumbira mishoma.  Ubve wapinda mumba wovhara suo iwe nevanakomana vako muri mukati. Zadza midziyo yacho yese, uise inenge yazara padivi.”  Saka mukadzi wacho akabva aenda. Paakapinda mumba nevanakomana vake, akavhara suo, uye ivo vakamupa midziyo yacho, akaramba achidira.+  Midziyo yacho payakazara, akati kune mumwe mwanakomana wake: “Huya nemumwe mudziyo.”+ Asi akati kwaari: “Hapasisina mimwe midziyo.” Mafuta acho akabva agumawo.+  Saka akapinda akaudza munhu waMwari wechokwadi, uyo akabva ati: “Enda unotengesa mafuta acho, ubhadhare zvikwereti zvako, uye iwe nevanakomana vako munogona kurarama nemari inosara.”  Rimwe zuva Erisha akaenda kuShunemi,+ kwaiva nemumwe mukadzi akanga akakurumbira, uye mukadzi wacho akamukurudzira kuti adye zvekudya ipapo.+ Pese paaipfuura nepo, aimira kuti adye.  Saka akati kumurume wake: “Ndinoziva kuti murume anogara achipfuura nepano munhu mutsvene waMwari. 10  Ndapota, ngatimuvakirei imba diki pamusoro pedenga,+ tomuisira mubhedha, tafura, chigaro, nechigadziko cherambi. Pese paanouya kuno, anogona kugara imomo.”+ 11  Rimwe zuva akasvika ikoko, akaenda muimba yepamusoro pedenga kuti arare. 12  Akabva ati kumushandi wake Gehazi:+ “Shevedza mukadzi uya muShunemi.”+ Saka akamushevedza, uye mukadzi wacho akamira pamberi pake. 13  Akabva ati kuna Gehazi: “Ndapota, muudze kuti, ‘Wakapinda basa chairo kuti utiitire zvese izvi.+ Unoda kuitirwei?+ Ndiende kunotaura namambo+ kana nemukuru weuto ndichikumiririra here?’” Asi mukadzi wacho akapindura kuti: “Ndiri kugara pakati pehama dzangu.” 14  Saka akati: “Zvino oitirwei?” Gehazi akati: “Haana mwanakomana,+ uye murume wake akwegura.” 15  Iye akabva ati: “Mushevedze.” Saka akamushevedza, uye mukadzi wacho akamira pasuo. 16  Akabva ati: “Panguva ino gore rinouya, uchange wakabata mwanakomana mumaoko ako.”+ Asi mukadzi wacho akati: “Aiwa tenzi wangu, muri munhu waMwari wechokwadi! Musanyepera muranda wenyu.” 17  Zvisinei, mukadzi wacho akava nepamuviri, akabereka mwanakomana panguva iyoyo gore rakatevera racho, sezvaakanga audzwa naErisha. 18  Mwana wacho akakura, uye rimwe zuva akaenda kwaiva nababa vake, avo vaiva nevakohwi. 19  Akaramba achiti kuna baba vake: “Musoro wangu, musoro wangu kani!” Baba vake vakabva vati kumushandi: “Mutakure uende naye kuna amai vake.” 20  Saka akamutakura akadzokera naye kuna amai vake, uye akagara pamakumbo avo kusvikira masikati, achibva afa.+ 21  Amai vake vakabva vakwira vakanomuradzika pamubhedha wemunhu waMwari wechokwadi,+ vakavhara suo vachibva vaenda. 22  Mukadzi wacho akabva ashevedza murume wake akati: “Ndiri kukumbirawo kutora mumwe wevashandi nedhongi, ndimhanyire kumunhu waMwari wechokwadi ndidzoke.” 23  Asi iye akati: “Uri kuenderei kunomuona nhasi? Hakusi kugara kwemwedzi+ kana sabata.” Zvisinei iye akati: “Usanetseka, zvinhu zvese zvakanaka.” 24  Saka akaisa chigaro padhongi, akati kumushandi wake: “Famba uchikurumidza. Usanonoka kufamba uchindityira, kunze kwekunge ndakuudza kuti udaro.” 25  Saka akaenda kumunhu waMwari wechokwadi kuGomo reKameri. Munhu waMwari wechokwadi paakangomuona achiri kure, akati kumushandi wake Gehazi: “Tarisa uone mukadzi muShunemi ari uko uyo. 26  Ndapota mhanya unomuchingura, umubvunze kuti, ‘Wakadii? Murume wako akadii? Mwana wako akadii?’” Mukadzi wacho akabva ati: “Zvese zvakanaka.” 27  Paakasvika kumunhu waMwari wechokwadi pagomo, akabva abata tsoka dzake.+ Gehazi akabva auya pedyo kuti amusundire kure, asi munhu waMwari wechokwadi akati: “Musiye, nekuti ari kunetseka chaizvo,* uye Jehovha andivanzira nezvazvo, haana kundiudza.” 28  Mukadzi wacho akabva ati: “Ndakakumbira mwanakomana kunashe wangu here? Handina here kuti, ‘Musaita kuti nditarisire zvinhu zvenhema’?”+ 29  Erisha akabva ati kuna Gehazi: “Monera nguo dzako muchiuno,+ utakure mudonzvo wangu muruoko rwako uende. Kana ukasangana nemunhu, usamukwazisa; uye kana munhu akakukwazisa, usamupindura. Enda unoisa mudonzvo wangu pachiso chemukomana wacho.” 30  Amai vemukomana wacho vakabva vati: “NaJehovha mupenyu uye neupenyu hwenyu,* handisi kuzokusiyai.”+ Saka akasimuka akaenda naye. 31  Gehazi akatungamira mberi kwavo, akanoisa mudonzvo pachiso chemukomana wacho, asi hapana chakanzwika kana kupfakanyika.+ Akadzokera kuti anosangana naErisha akamuudza kuti: “Mukomana wacho haana kumuka.” 32  Erisha paakapinda mumba macho, akawana mukomana wacho akafa, akaradzikwa pamubhedha wake.+ 33  Akapinda akavhara suo, vari vaviri mukati, akatanga kunyengetera kuna Jehovha.+ 34  Akabva akwira pamubhedha, akarara pamusoro pemwana wacho akaisa muromo wake pamuromo wemwana wacho, uye akaisa maziso ake pamaziso ake, nezvanza zvake pazvanza zvake, akaramba akarara pamusoro pake, uye muviri wemwana wakatanga kudziya.+ 35  Akafamba achiti akaenda mberi odzoka shure ari mumba macho, achibva akwira pamubhedha akarara pamusoro pake zvakare. Mukomana wacho akahotsira ka7, achibva azosvinura.+ 36  Erisha akabva ashevedza Gehazi akati: “Shevedza mukadzi muShunemi.” Saka akamushevedza, akapinda maaiva. Akabva ati: “Simudza mwanakomana wako.”+ 37  Mukadzi wacho akapinda, akapfugama pedyo netsoka dzake, akadzikisa musoro wake, achibva asimudza mwanakomana wake, akabuda. 38  Erisha paakadzokera kuGirigari, munyika yacho maiva nenzara.+ Vanakomana vevaprofita+ vakanga vakagara pamberi pake, uye akati kumushandi wake:+ “Isa hari huru pamoto, ubikire vanakomana vevaprofita zvekudya.” 39  Saka mumwe wavo akaenda kusango kuti anotanha muriwo wemusango, akawana muti wemusango unotanda, akatanha michero yawo, akazadza nguo yake. Akabva adzoka, akaichekerera muhari yekubikira, asingazivi kuti chaiva chii. 40  Vakazozvipakurira varume vacho kuti vadye, asi pavakangodya zvekudya zvacho, vakashevedzera vachiti: “Muhari mune rufu, haiwa munhu waMwari wechokwadi.” Havana kukwanisa kuzvidya. 41  Saka akati: “Unzai furawa.” Akaikanda muhari, akati: “Pakurirai vanhu vadye.” Muhari makanga musisina chinokuvadza.+ 42  Pane mumwe murume akabva kuBhaari-sharisha,+ uye akaunzira munhu waMwari wechokwadi zvingwa 20 zvebhari+ zvakabikwa nezvibereko zvinotanga kuibva, nehomwe yaiva nezviyo zvitsva.+ Erisha akabva ati: “Ipa vanhu vadye.” 43  Asi mushandi wake akati: “Ndingaisira varume 100 zvekudya izvozvi here?”+ Iye akabva ati: “Ipa vanhu vadye, nekuti zvanzi naJehovha, ‘Vachadya uye vachatosiya zvimwe.’”+ 44  Akazviisa pamberi pavo, vakadya vakasiya zvimwe,+ maererano neshoko raJehovha.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “chirongo chine muromo mudiki.”
Kana kuti “mweya wake uri kushungurudzika mukati make.”
Kana kuti “nemweya wenyu mupenyu.”