Bhuku Rechipiri reMadzimambo 7:1-20

  • Erisha anoprofita nezvekupera kwenzara (1, 2)

  • Zvekudya zvinowanikwa mumusasa wasiyiwa nevaSiriya (3-15)

  • Uprofita hwaErisha hunozadziswa (16-20)

7  Zvino Erisha akati, “Inzwai shoko raJehovha. Zvanzi naJehovha: ‘Mangwana panenge panguva ino, seya* yefurawa yakatsetseka ichaita shekeri,* uye maseya maviri ebhari achaita shekeri pagedhi reSamariya.’”*+  Mubatsiri aivimbwa naye namambo akati kumunhu waMwari wechokwadi: “Kunyange kana Jehovha akazarura magedhi emvura kudenga, zvinhu zvakadaro zvingaitika here?”+ Iye akabva ati: “Uchazviona nemaziso ako,+ asi hauzozvidyi.”+  Kwaiva nevarume vana vaiva nemaperembudzi vainge vari pagedhi reguta,+ uye vakataurirana vachiti: “Tingagarirei pano kusvikira tafa?  Kana tikati, ‘Ngatipindei muguta,’ imo muguta muri imo mune nzara,+ tinofira imomo. Uye kana tikagara pano, tichangofa. Saka handei kumusasa wevaSiriya. Kana vakatisiya tiri vapenyu, tichararama, asi kana vakatiuraya, tinongofa zvedu.”  Vakabva vasimuka murima remanheru vakapinda mumusasa wevaSiriya. Pavakasvika kumucheto kwemusasa wevaSiriya, vakawana kusina munhu.  Nekuti Jehovha akanga aita kuti uto revaSiriya rinzwe kutinhira kwengoro dzehondo nemutsindo wemabhiza, kutinhira kweuto guru.+ Saka vakataurirana vachiti: “Mambo weIsraeri abhadhara madzimambo evaHiti nemadzimambo eIjipiti kuti auye kuzotirwisa!”  Vakabva vangosimuka vakatiza murima remanheru, vachisiya matende avo, mabhiza, nemadhongi avo, nemusasa wacho wese wakangodaro, uye vakatiza kuti vasaurayiwa.*  Varume vaiva nemaperembudzi pavakasvika kumucheto kwemusasa, vakapinda mune rimwe tende, vakatanga kudya nekunwa. Vakatora sirivha, negoridhe, nenguo zvaiva imomo vakanozviviga. Vakabva vadzoka, vakapinda mune rimwe tende, vakatora zvinhu imomo, vakaenda kunozviviga.  Vakazotaurirana vachiti: “Zvatiri kuita hazvina kunaka. Nhasi izuva remashoko akanaka! Kana tikaita zvekunonoka, tomirira kusvikira kwaedza, tinenge tichitofanira kurangwa. Regai tiende tinozvitaura kuimba yamambo.” 10  Saka vakaenda vakashevedzera kuvarindi vepamagedhi eguta, vakavaudza kuti: “Tapinda mumusasa wevaSiriya, asi taona musina munhu, hapana kana munhu watanzwa. Tangoona muine mabhiza nemadhongi akasungirirwa nematende asiyiwa akangodaro.” 11  Varindi vepamagedhi vakabva vangoshevedzera, uye shoko racho rakasvika muimba yamambo. 12  Mambo akabva angomuka usiku akati kuvaranda vake: “Ndapota, regai ndikuudzei zvatarongerwa nevaSiriya. Vanoziva kuti tine nzara,+ saka vabuda mumusasa kuti vahwande musango, vachiti, ‘Vachabuda muguta, uye tichavabata vari vapenyu, topinda muguta.’”+ 13  Mumwe wevaranda vake akabva ati: “Ndapota, itai kuti vamwe varume vatore mabhiza mashanu asara muguta. Nekuti vachangopedzisira vaita sevaIsraeri vese vasara muno. Vachangopedzisira vaita sevaIsraeri vese vakaparara. Regai tivatume tione.” 14  Saka vakatora ngoro mbiri dzaiva nemabhiza, uye mambo akavatuma kumusasa wevaSiriya, achiti: “Endai munoona.” 15  Vakavatevera kusvikira kuJodhani, uye vakawana nzira yese yakazara nguo nemidziyo zvakanga zvaraswa nevaSiriya pavaitiza vavhunduka. Nhume dzacho dzakabva dzadzoka dzikaudza mambo nezvazvo. 16  Vanhu vakabva vabuda, vakapamba musasa wevaSiriya, zvekuti seya yefurawa yakatsetseka yakanga yava kuita shekeri, uye maseya maviri ebhari akanga ava kuita shekeri, maererano neshoko raJehovha.+ 17  Mambo ainge agadza mubatsiri waaivimba naye kuti ave mutungamiriri pagedhi, asi vanhu vakamutsika-tsika pagedhi kusvika afa, sezvakanga zvaudzwa mambo nemunhu waMwari wechokwadi, mambo paakauya kwaari. 18  Zvakaitika semataurirwe azvakaitwa nemunhu waMwari wechokwadi kuna mambo, achiti: “Maseya maviri ebhari achaita shekeri, uye seya yefurawa yakatsetseka ichaita shekeri mangwana panguva ino pagedhi reSamariya.”+ 19  Asi mubatsiri wacho akanga ati kumunhu waMwari wechokwadi: “Kunyange kana Jehovha akazarura magedhi emvura kudenga, zvinhu zvakadaro zvingaitika here?” Uye Erisha akanga amupindura achiti: “Uchazviona nemaziso ako, asi hauzozvidyi.” 20  Izvozvo ndizvo chaizvo zvakaitika kwaari, nekuti vanhu vakamutsika-tsika pagedhi kusvikira afa.

Mashoko Emuzasi

Seya uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 7,33. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “pamisika yeSamariya.”
Kana kuti “vaponese mweya yavo.”