Bhuku Rechipiri reMadzimambo 8:1-29

  • Mukadzi wekuShunemi anodzorerwa munda wake (1-6)

  • Erisha, Bheni-hadhadhi, naHazaeri (7-15)

  • Jehoramu, mambo weJudha (16-24)

  • Ahaziya, mambo weJudha (25-29)

8  Erisha akati kumukadzi aiva nemwanakomana waakanga amutsa:+ “Simuka uende, iwe neimba yako, unogara uri mutorwa chero kwaunenge waenda, nekuti Jehovha arayira kuti pave nenzara,+ uye ichauya panyika kwemakore 7.”  Saka mukadzi wacho akasimuka akaita zvakataurwa nemunhu waMwari wechokwadi. Akaenda nevanhu veimba yake, akanogara munyika yevaFiristiya+ kwemakore 7.  Pakapera makore 7, mukadzi wacho akadzoka kubva kunyika yevaFiristiya, akaenda kunoteterera kuna mambo kuti apiwe imba yake nemunda wake.  Mambo akanga achitaura naGehazi mushandi wemunhu waMwari wechokwadi, achiti: “Ndiudze zvinhu zvese zvikuru zvakaitwa naErisha.”+  Paakanga achiri kurondedzera kuna mambo nezvekumutsa kwaakanga aita munhu akafa,+ mukadzi aiva nemwanakomana waakanga amutsa akasvika kuna mambo, achiteterera kuti apiwe imba yake nemunda wake.+ Gehazi akabva ati: “Ishe wangu mambo, uyu ndiye mukadzi wacho, uye uyu ndiye mwanakomana wake akamutswa naErisha.”  Mambo akabva abvunza mukadzi wacho, uyo akabva arondedzera nyaya yacho kwaari. Mambo akabva amupa mumwe wevakuru vemumuzinda, akamuudza kuti: “Dzorera zvinhu zvake zvese nezvibereko zvese zvemunda wacho kubvira pazuva raakabva munyika kusvika iye zvino.”  Erisha akaenda kuDhamasiko+ mambo weSiriya Bheni-hadhadhi+ paakanga achirwara. Saka akaudzwa kuti: “Munhu waMwari wechokwadi+ auya kuno.”  Mambo akabva ati kuna Hazaeri:+ “Tora chipo uende unosangana nemunhu waMwari wechokwadi.+ Bvunza Jehovha nekwaari, uchiti: ‘Ndichapora here pakurwara uku?’”  Hazaeri akaenda kunosangana naye aine chipo, zvinhu zvakanaka zvemarudzi ese zveDhamasiko, mutoro wengamera 40. Akasvika akamira pamberi pake akati: “Mwanakomana wenyu Bheni-hadhadhi, mambo weSiriya, andituma kwamuri achibvunza kuti: ‘Ndichapora here pakurwara uku?’” 10  Erisha akamupindura kuti: “Enda unoti kwaari, ‘Chokwadi uchapora,’ asi Jehovha andiratidza kuti achatofa.”+ 11  Akaramba akamuti nde-e kusvikira ava kunyara. Munhu waMwari wechokwadi akabva atanga kuchema. 12  Hazaeri akabvunza kuti: “Ishe wangu ari kuchemei?” Iye akapindura kuti: “Nekuti ndinoziva zvakaipa zvauchaitira vaIsraeri.+ Uchapisa maguta avo akakomberedzwa nemasvingo, uchauraya varume vavo vane simba nebakatwa, uchapwanya-pwanya vana vavo, uye uchabvarura matumbu evakadzi vavo vane pamuviri.”+ 13  Hazaeri akati: “Ini muranda wenyu, imbwawo zvayo, ndingakwanisa sei kuita zvinhu zvakadaro?” Asi Erisha akati: “Jehovha andiratidza kuti uchava mambo weSiriya.”+ 14  Pashure paizvozvo akabva kuna Erisha, akadzokera kunashe wake, uyo akati kwaari: “Erisha ati chii kwauri?” Iye akati: “Andiudza kuti chokwadi muchapora.”+ 15  Asi pazuva rakatevera, Hazaeri akatora jira repamubhedha, akarinyika mumvura, akaribata rakavhara chiso* chake kusvikira afa.+ Hazaeri akabva ava mambo panzvimbo yake.+ 16  Mugore rechishanu raJehoramu+ mwanakomana waAhabhi mambo weIsraeri, Jehoshafati paaiva mambo weJudha, Jehoramu+ mwanakomana waMambo Jehoshafati weJudha akava mambo. 17  Aiva nemakore 32 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 8 muJerusarema. 18  Akafamba nenzira yemadzimambo eIsraeri,+ sezvakanga zvaitwa nevaya veimba yaAhabhi,+ nekuti akanga aroora mwanasikana waAhabhi;+ uye akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha.+ 19  Asi Jehovha haana kuda kuparadza Judha achifunga muranda wake Dhavhidhi,+ nekuti akanga amuvimbisa kuti achaita kuti agare aine rambi nguva dzese,+ iye nevanakomana vake. 20  Mumazuva ake, Edhomu yakapandukira Judha,+ ikabva yagadza mambo wayo.+ 21  Saka Jehoramu akayambuka akaenda kuZairi, aine ngoro dzake dzese, uye akamuka usiku, akakunda vaEdhomu vakanga vakamupoteredza iye nevakuru vengoro; uye mauto acho akatizira kumatende awo. 22  Asi Edhomu yakaramba ichipandukira Judha uye ndizvo zvaichiri kungoita nanhasi. Ribna+ yakapandukawo panguva iyoyo. 23  Kana iri nhoroondo yese yaJehoramu, zvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo yenguva yemadzimambo eJudha? 24  Jehoramu akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, uye akavigwa pamwe nemadzitateguru ake muGuta raDhavhidhi.+ Mwanakomana wake Ahaziya+ akava mambo panzvimbo yake. 25  Mugore rechi12 raJehoramu mwanakomana waAhabhi mambo weIsraeri, Ahaziya mwanakomana waMambo Jehoramu weJudha akava mambo.+ 26  Ahaziya aiva nemakore 22 paakava mambo, uye akatonga kwegore rimwe chete muJerusarema. Amai vake vainzi Atariya,+ vari muzukuru* waMambo Omri+ weIsraeri. 27  Akafamba nenzira yeimba yaAhabhi,+ uye akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvaiita imba yaAhabhi, nekuti aiva neukama neimba yaAhabhi.+ 28  Saka akaenda naJehoramu mwanakomana waAhabhi kunorwa naMambo Hazaeri weSiriya kuRamoti-giriyedhi,+ asi vaSiriya vakakuvadza Jehoramu.+ 29  Saka Jehoramu akadzokera kuJezreeri+ kuti apore maronda aakanga akuvadzwa nevaSiriya kuRama paakarwa naMambo Hazaeri weSiriya.+ Ahaziya mwanakomana waJehoramu mambo weJudha akadzika kuJezreeri kuti anoona Jehoramu mwanakomana waAhabhi, nekuti akanga akuvadzwa.*

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “akariisa pachiso.”
ChiHeb., “mwanasikana.”
Kana kuti “achirwara.”