Bhuku Rechipiri reMakoronike 1:1-17

  • Soromoni anokumbira uchenjeri (1-12)

  • Upfumi hwaSoromoni (13-17)

1  Soromoni mwanakomana waDhavhidhi akaramba achiwedzera kuva nesimba paumambo hwake. Jehovha Mwari wake aiva naye uye akaita kuti ave mukuru chaizvo.+  Soromoni akashevedza vaIsraeri vese, vakuru vezviuru nevemazana, vatongi, nemachinda ese emuIsraeri yese, vakuru vedzimba dzemadzibaba.  Soromoni neungano yese vakabva vaenda kunzvimbo yakakwirira yaiva kuGibhiyoni,+ nekuti ikoko ndiko kwaiva netende rekusanganira raMwari wechokwadi, tende rakanga ragadzirwa murenje naMozisi mushumiri waJehovha.  Asi Dhavhidhi akanga atora Areka yaMwari wechokwadi kuKiriyati-jearimu,+ akaiendesa kunzvimbo yaakanga aigadzirira. Dhavhidhi akanga aidzikira tende muJerusarema.+  Uye atari+ yemhangura yakanga yagadzirwa naBhezareri+ mwanakomana waUrai mwanakomana waHeri yakanga yaiswa pamberi petebhenekeri yaJehovha; uye Soromoni neungano vainyengetera vari pamberi payo.*  Soromoni akapa mipiro ipapo pamberi paJehovha, akapa zvibayiro zvinopiswa 1 000 paatari+ yemhangura patende rekusanganira.  Usiku ihwohwo Mwari akazviratidza kuna Soromoni akati kwaari: “Kumbira chaunoda kuti ndikupe.”+  Soromoni akabva ati kuna Mwari: “Makaratidza rudo rukuru rusingachinji kuna baba vangu Dhavhidhi,+ uye makandigadza kuti ndive mambo panzvimbo yavo.+  Haiwa Jehovha Mwari, vimbiso yamakaita kuna baba vangu Dhavhidhi ngaizadziswe,+ nekuti makandigadza kuti ndive mambo wevanhu vakawanda seguruva renyika.+ 10  Saka ndipei uchenjeri neruzivo+ kuti nditungamirire vanhu ava,* nekuti ndiani angatonga vanhu venyu vakawanda kudai?”+ 11  Mwari akabva ati kuna Soromoni: “Nekuti izvi ndizvo zvauri kuda mumwoyo mako uye hauna kukumbira zvinhu zvizhinji, pfuma nekukudzwa, kana rufu rwevanokuvenga,* kana kukumbira kuti urarame kwenguva refu,* asi wakumbira uchenjeri neruzivo kuti utonge vanhu vangu vandakakugadza kuti uve mambo wavo,+ 12  uchapiwa uchenjeri neruzivo; asi ndichakupawo zvinhu zvakawanda nepfuma nekukudzwa zvisina kumbova nemadzimambo akakutangira, uye zvisingazovi namambo chero upi zvake anokutevera.”+ 13  Saka Soromoni akabva pamberi petende rekusanganira, panzvimbo yakakwirira yaiva kuGibhiyoni,+ akaenda kuJerusarema; uye akatonga Israeri. 14  Soromoni akaramba achiunganidza ngoro nemabhiza;* aiva nengoro 1 400 nemabhiza* 12 000,+ uye akaita kuti zvirambe zviri mumaguta engoro+ uye pedyo namambo muJerusarema.+ 15  Mambo akaita kuti sirivha negoridhe zvaiva muJerusarema zviwande sematombo,+ uye akaita kuti matanda emusidhari awande semiti yemitsamvi iri muShefera.+ 16  Mabhiza aSoromoni aitengwa kuIjipiti,+ uye boka revatengesi vamambo rainotenga mabhiza* acho akawanda richibhadhara mutengo waaitengeswa nawo.+ 17  Ngoro imwe neimwe yaitengwa kuIjipiti yaiita masirivha 600, uye bhiza raiita 150; vaibva vazvitengesa kumadzimambo ese evaHiti nemadzimambo eSiriya.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “vaibvunza kwaari ipapo.”
ChiHeb., “kuti ndibude uye ndipinde ndiri pamberi pevanhu ava.”
Kana kuti “rwemweya yevanokuvenga.”
ChiHeb., “mazuva akawanda.”
Kana kuti “nevatasvi vemabhiza.”
Kana kuti “nevatasvi vemabhiza.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “kubva kuIjipiti nekuKuwe; vanhu vamambo vaitengesa vainoatenga kuKuwe,” zvimwe kureva kuKirikiya.