Bhuku Rechipiri reMakoronike 10:1-19

  • Israeri inopandukira Rehobhoamu (1-19)

10  Rehobhoamu akaenda kuShekemu,+ nekuti vaIsraeri vese vakanga vaenda kuShekemu kuti vamugadze kuti ave mambo.+  Jerobhoamu+ mwanakomana waNebhati paakangozvinzwa, (akanga achiri kuIjipiti, nekuti akanga atiza Mambo Soromoni),+ Jerobhoamu akabva adzoka achibva kuIjipiti.  Vakabva vatumira shoko kuti anoshevedzwa, uye Jerobhoamu nevaIsraeri vese vakaenda kuna Rehobhoamu vakati:  “Baba venyu vakaita kuti joko redu rirwadze.+ Asi kana mukaita kuti basa rinorwadza rataiitiswa nababa venyu rive nyore uye mukarerutsa joko rinorema* ravakaisa patiri, tichakushandirai.”  Iye akabva ati kwavari: “Dzokai kwandiri papera mazuva matatu.” Saka vanhu vakaenda.+  Mambo Rehobhoamu akabva abvunza varume vakuru* vakanga vashandira baba vake Soromoni pavakanga vachiri vapenyu, achiti: “Mungandipa zano ripi rekuti ndipindure vanhu ava?”  Vakamupindura kuti: “Kana ukaitira vanhu ava zvakanaka wovafadza, wovapindura zvakanaka, vachagara vari varanda vako.”  Zvisinei, haana kuteerera zano raakapiwa nevarume vakuru,* akanobvunza majaya aakakura nawo, akanga ava kumushandira.+  Akavabvunza kuti: “Nderipi zano ramungapa kuti tipindure vanhu ava vati kwandiri, ‘Tirerutsirei joko rakaiswa patiri nababa venyu’?” 10  Majaya acho aakanga akura nawo akati kwaari: “Izvi ndizvo zvaunofanira kuudza vanhu vati kwauri, ‘Baba venyu vakaita kuti joko redu rireme, asi imi tirerutsirei’; vaudze kuti, ‘Munwe wangu mudiki uchava mukobvu kupfuura hudyu dzababa vangu. 11  Baba vangu vakakutakudzai joko rinorema, asi ini ndichawedzera pajoko renyu. Baba vangu vaikurangai netyava, asi ini ndichakurangai netyava dzine zvinobaya.’” 12  Jerobhoamu nevanhu vese vakaenda kuna Rehobhoamu pazuva rechitatu, sezvakanga zvataurwa namambo kuti: “Dzokai kwandiri pazuva rechitatu.”+ 13  Asi mambo akavapindura nehasha. Saka Mambo Rehobhoamu haana kuteerera zano revarume vakuru.* 14  Akataura navo achitevedzera zano remajaya, achiti: “Ndichaita kuti joko renyu riwedzere kurema, uye ndichapamhidzira pariri. Baba vangu vakakurangai netyava, asi ini ndichakurangai netyava dzine zvinobaya.” 15  Saka mambo haana kuteerera vanhu, nekuti Mwari wechokwadi+ ndiye akaita kuti zvinhu zviende nenzira iyoyo, kuti azadzise shoko rakanga rataurwa naJehovha kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati kuburikidza naAhija+ wekuShiro. 16  VaIsraeri vese pavakaona kuti mambo haana kuvateerera, vanhu vakapindura mambo vachiti: “Tine mugove wei kuna Dhavhidhi? Hatina nhaka kumwanakomana waJese. Imi vaIsraeri, mumwe nemumwe ngaaende kuna vanamwari vake! Chizvichengetera imba yako, iwe Dhavhidhi.”+ VaIsraeri vese vakabva vadzokera kudzimba* dzavo.+ 17  Asi Rehobhoamu akaramba achitonga vaIsraeri vaigara mumaguta eJudha.+ 18  Mambo Rehobhoamu akabva atuma Hadhoramu,+ uyo aitungamirira vaya vakanga vatorwa kuti vaite basa rekumanikidzwa, asi vaIsraeri vakamutema nematombo vakamuuraya. Mambo Rehobhoamu akakwanisa kukwira mungoro yake kuti atizire kuJerusarema.+ 19  Saka vaIsraeri vakapandukira imba yaDhavhidhi kusvikira nhasi.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “reudzvinyiriri.”
Kana kuti “abvunza vakuru.”
Kana kuti “nevakuru.”
Kana kuti “revakuru.”
ChiHeb., “kumatende.”