Bhuku Rechipiri reMakoronike 11:1-23

  • Kutonga kwaRehobhoamu (1-12)

  • VaRevhi vakavimbika vanoenda kuJudha (13-17)

  • Mhuri yaRehobhoamu (18-23)

11  Rehobhoamu paakasvika kuJerusarema, akabva angounganidza imba yaJudha neyaBhenjamini,+ varwi 180 000 vakadzidziswa hondo,* kuti vanorwisa vaIsraeri vodzosa umambo kuna Rehobhoamu.+  Shoko raJehovha rakabva rasvika kuna Shemaya+ munhu waMwari wechokwadi, richiti:  “Iti kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni mambo weJudha nekuvaIsraeri vese vari muJudha nevari kwaBhenjamini,  ‘Zvanzi naJehovha: “Musaenda kunorwisa hama dzenyu. Mumwe nemumwe wenyu ngaadzokere kumba kwake, nekuti ndini ndakaita kuti zvidaro.”’”+ Saka vakateerera shoko raJehovha vakadzokera uye havana kuzorwisa Jerobhoamu.  Rehobhoamu aigara muJerusarema, uye akavaka maguta akaakomberedza nemasvingo muJudha.  Saka akavaka* Bhetrehema,+ Etamu, Tekoa,+  Bheti-zuri, Soko,+ Adhuramu,+  Gati,+ Marisha, Zifi,+  Adhoraimu, Rakishi,+ Azeka,+ 10  Zora, Aijaroni,+ neHebroni,+ maguta akanga akakomberedzwa nemasvingo aiva muJudha nekwaBhenjamini. 11  Uyewo akawedzera kusimbisa nhare,* akaisa vatungamiriri vehondo madziri uye aivapa zvekudya nemafuta newaini, 12  uye akapa vaiva mumaguta acho ese nhoo huru nemapfumo; uye akasimbisa maguta acho zvikuru. Akaramba achitonga vaJudha nevaBhenjamini. 13  Vapristi nevaRevhi vakanga vari muIsraeri yese vakauya kuzomutsigira vachibva kunharaunda dzavo dzese. 14  VaRevhi vakasiya mafuro avo nezvinhu zvavo+ vakaenda kuJudha nekuJerusarema, nekuti Jerobhoamu nevanakomana vake vakanga vavadzinga pabasa rekushumira sevapristi vaJehovha.+ 15  Jerobhoamu akabva agadza vapristi vake venzvimbo dzakakwirira+ nevemadhimoni akaita sembudzi*+ nevemhuru dzaakanga agadzira.+ 16  Vaya vekumadzinza ese aIsraeri avo vakanga vaisa mwoyo yavo pakutsvaga Jehovha Mwari waIsraeri vakavatevera kuJerusarema kuti vanobayira kuna Jehovha Mwari wemadzitateguru avo.+ 17  Kwemakore matatu vakasimbisa umambo hwaJudha uye vakatsigira Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni, nekuti vakafamba munzira yaDhavhidhi naSoromoni kwemakore matatu. 18  Rehobhoamu akabva atora Maharati mwanasikana waJerimoti mwanakomana waDhavhidhi kuti ave mudzimai wake; Maharati aivawo mwanasikana waAbhihairi uyo aiva mwanasikana waEriyabhi+ mwanakomana waJese. 19  Nekufamba kwenguva akamuberekera vanakomana vaiti: Jeushi, Shemariya, naZahamu. 20  Akazoroora Maaka muzukuru waAbsaromu.+ Uyu akamuberekera Abhija,+ Atai, Ziza, naSheromiti. 21  Rehobhoamu aida Maaka muzukuru waAbsaromu kupfuura mamwe madzimai ake ese nevarongo* vake;+ aiva nemadzimai 18 nevarongo 60 uye akabereka vanakomana 28 nevanasikana 60. 22  Saka Rehobhoamu akagadza Abhija mwanakomana waMaaka kuti ave mukuru uye mutungamiriri wevanakomana vake, nekuti aida kumuita mambo. 23  Asi akaratidza kunzwisisa achibva aendesa* vamwe vanakomana vake kunyika dzese dzaJudha naBhenjamini, kumaguta ese akakomberedzwa nemasvingo,+ akavapa zvekudya zvakawanda, akavawanira madzimai akawanda.

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “vakasarudzwa.”
Kana kuti “akavaka masvingo ekukomberedza.”
Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
ChiHeb., “nevembudzi.”
Kana kuti “aparadzira.”