Bhuku Rechipiri reMakoronike 13:1-22

  • Abhija, mambo weJudha (1-22)

    • Abhija anokunda Jerobhoamu (3-20)

13  Mugore rechi18 raMambo Jerobhoamu, Abhija akava mambo weJudha.+  Akatonga muJerusarema kwemakore matatu. Amai vake vainzi Mikaya+ mwanasikana waUrieri wekuGibhiya.+ Uye paiva nehondo pakati paAbhija naJerobhoamu.+  Saka Abhija akaenda kunorwa aine uto revarwi 400 000 vaiva nesimba uye vakadzidziswa hondo.*+ Jerobhoamu akaronga uto rake raiva nevarume 800 000 vaiva nesimba uye vakadzidziswa hondo* kuti arwisane naye.  Abhija akabva amira pamusoro peGomo reZemaraimu, riri munyika ine makomo yaEfremu, akati: “Ndinzwei, haiwa Jerobhoamu nevaIsraeri vese.  Ko hamuzivi here kuti Jehovha Mwari waIsraeri akapa Dhavhidhi umambo kuti atonge vaIsraeri nekusingaperi,+ iye nevanakomana vake,+ achishandisa sungano yemunyu?*+  Asi Jerobhoamu+ mwanakomana waNebhati, mushandi waSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, akasimuka, akapandukira ishe wake.+  Uye varume vasingabatsiri vakanga vasina zvekuita vakaramba vachiungana kwaari. Vakabudirira kupandukira Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni, Rehobhoamu paakanga achiri mudiki, asina ushingi, uye haana kukwanisa kuvadzivisa.  “Zvino mava kufunga kuti munokwanisa kumirisana neumambo hwaJehovha huri muruoko rwevanakomana vaDhavhidhi, nekuti muri boka guru revanhu uye mune mhuru dzegoridhe dzamakagadzirirwa naJerobhoamu kuti dzive vanamwari venyu.+  Hamuna here kudzinga vapristi vaJehovha,+ ivo vazukuru vaAroni, nevaRevhi, uye hamuna kugadza mega vapristi venyu sezvinoita marudzi edzimwe nyika here?+ Chero munhu aiuya* nemukono mudiki wemombe nemakondohwe manomwe aikwanisa kuva mupristi wevaya vasiri vanamwari. 10  Asi isu, Jehovha ndiye Mwari wedu,+ uye hatina kumusiya; vapristi vedu, ivo vazukuru vaAroni, vari kushumira Jehovha, uye vaRevhi vari kubatsira pabasa racho. 11  Vari kuita kuti utsi hwezvibayiro zvinopiswa hupfungaire kuna Jehovha mangwanani ega ega nemanheru ega ega+ pamwe chete nerusenzi inonhuhwirira,+ uye patafura yegoridhe rakanatswa pane zvingwa zvinoturikidzaniswa,*+ uye manheru ega ega vari kubatidza chigadziko chemarambi chegoridhe+ nemarambi acho, nekuti isu tiri kuita zvatinofanira kuitira Jehovha Mwari wedu; asi imi makamusiya. 12  Inzwai! Mwari wechokwadi anesu achititungamirira uye vapristi vake vane mabhosvo ekuridza pakurwa nemi. Haiwa imi varume veIsraeri, musarwa naJehovha Mwari wemadzibaba enyu, nekuti hamuzokundi.”+ 13  Asi Jerobhoamu akatuma vanhu kuti vavahwandire kumashure kwavo, zvekuti Jerobhoamu neuto rake vakanga vava pamberi pevarume veJudha, vaya vakanga vakahwandira vari kumashure kwavo. 14  Varume veJudha pavakatendeuka, vakaona kuti vaifanira kurwisana nevanhu vaiva kumberi kwavo nevaiva kumashure kwavo. Saka vakatanga kuchema kuna Jehovha,+ ukuwo mabhosvo evapristi achiririra pamusoro. 15  Varume veJudha vakabva vashevedzera zvinotyisa. Varume veJudha pavakashevedzera zvinotyisa, Mwari wechokwadi akakunda Jerobhoamu nevaIsraeri vese pamberi paAbhija nevanhu veJudha. 16  VaIsraeri vakatiza varume veJudha, uye Mwari akavaisa mumaoko avo. 17  Abhija nevanhu vake vakauraya vaIsraeri vakawanda chaizvo, uye vakaramba vachivauraya zvekuti pakafa varume 500 000 vakadzidziswa hondo.* 18  Saka varume veIsraeri vakaninipiswa panguva iyoyo, asi varume veJudha vakavakunda nekuti vakavimba naJehovha* Mwari wemadzitateguru avo.+ 19  Abhija akaramba achidzingirira Jerobhoamu, akamutorera maguta aiti, Bheteri+ nemaguta madiki aiva akaipoteredza, Jeshana nemaguta madiki aiva akaipoteredza, uye Efraini+ nemaguta madiki aiva akaipoteredza. 20  Panguva yaAbhija, Jerobhoamu haana kuzovazve nesimba raaimbova naro; Jehovha akabva amurova akafa.+ 21  Asi Abhija akawedzera kuva nesimba. Nekufamba kwenguva, akawana madzimai 14,+ uye akava nevanakomana 22 nevanasikana 16. 22  Imwe nhoroondo yese yaAbhija, zvaakaita uye zvaakataura, zvakanyorwa muzvinyorwa zvemuprofita* Idho.+

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “vakasarudzwa.”
ChiHeb., “vakasarudzwa.”
Kureva sungano isingaputswi uye isingachinji.
ChiHeb., “aizadza ruoko rwake.”
Kureva, zvingwa zvekuratidza.
ChiHeb., “vakasarudzwa.”
ChiHeb., “vakatsamira pana Jehovha.”
Kana kuti “mududziro dzemuprofita.”