Bhuku Rechipiri reMakoronike 14:1-15

  • Kufa kwaAbhija (1)

  • Asa, mambo weJudha (2-8)

  • Asa anokunda vaItiopiya 1 000 000 (9-15)

14  Abhija akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, vakamuviga muGuta raDhavhidhi,+ uye mwanakomana wake Asa akava mambo panzvimbo yake. Mumazuva ake nyika yakava nerunyararo kwemakore gumi.  Asa akaita zvakanaka uye zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake.  Akabvisa atari+ dzavanamwari vekune dzimwe nyika nenzvimbo dzakakwirira, akaputsa shongwe dzinoyera,+ uye akatema mapango anoyera.*+  Akaudzawo vaJudha kuti vatsvage Jehovha Mwari wemadzitateguru avo uye kuti vachengete Mutemo nemurayiro.  Saka akabvisa nzvimbo dzakakwirira nezvigadziko zvekupisira rusenzi+ mumaguta ese eJudha, uye paaitonga hapana chainetsa muumambo hwacho.  Akavaka maguta akakomberedzwa nemasvingo muJudha,+ sezvo munyika makanga musina chainetsa uye pasina akamurwisa mumakore aya, nekuti Jehovha akamupa zororo.+  Akati kuvaJudha: “Ngativakei maguta aya tiakomberedze nemasvingo neshongwe,+ magedhi* nemazariro.* Nyika ichiri mumaoko medu, nekuti takatsvaga Jehovha Mwari wedu. Takamutsvaga, uye akatipa zororo kumativi ese.” Saka vakavaka vakabudirira.+  Asa aiva neuto revarume 300 000 vekwaJudha vaiva nenhoo huru nemapfumo. KwaBhenjamini kwakabva varwi vaiva nesimba 280 000 vaiva nenhoo diki* neuta.*+  Gare gare Zera muItiopiya akauya kuzovarwisa aine uto revarume 1 000 000 nengoro 300.+ Paakasvika kuMarisha,+ 10  Asa akabuda kuti anorwa naye, uye vakaronga mauto avo muBani reZefata kuMarisha. 11  Asa akabva ashevedzera kuna Jehovha Mwari wake,+ akati: “Haiwa Jehovha, hazvina basa kwamuri kuti vamuri kubatsira vakawanda here kana kuti havana simba.+ Haiwa Jehovha Mwari wedu, tibatsirei, nekuti tinovimba nemi,*+ uye tauya kuzorwa neboka revanhu ava muzita renyu.+ Haiwa Jehovha, ndimi Mwari wedu. Musarega munhu achikukundai.”+ 12  Saka Jehovha akakunda vaItiopiya pamberi paAsa nevaJudha, uye vaItiopiya vakatiza.+ 13  Asa nevanhu vaaiva navo vakavatevera kusvika kuGerari,+ uye vaItiopiya vakaramba vachiurayiwa kusvikira pasisina kana mumwe chete wavo akasara ari mupenyu, nekuti vakaparadzwa naJehovha neuto rake. Pashure paizvozvo vakatakura zvinhu zvizhinji kwazvo zvavakanga vapamba. 14  Vakaparadzawo maguta ese akanga akapoteredza Gerari, nekuti akanga ava kutya Jehovha zvikuru; uye vakapamba maguta acho ese, nekuti maari maiva nezvakawanda zvekupamba. 15  Vakarwisawo vafudzi vaiva mumatende, uye vakatora zvipfuwo zvakawanda nengamera, vachibva vadzokera kuJerusarema.

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “masuo ane madhoo maviri.”
Zariro ibango kana kuti simbi yaishandiswa sechihuri.
ChiHeb., “vachikombamisa uta.”
Nhoo iyi yaiwanzotakurwa nevanopfura neuta.
ChiHeb., “tinotsamira pamuri.”