Bhuku Rechipiri reMakoronike 15:1-19

  • Asa anogadzirisa zvinhu (1-19)

15  Zvino mweya waMwari wakauya pana Azariya mwanakomana waOdhedhi.  Saka akaenda kunosangana naAsa akati kwaari: “Asa nemi vaJudha vese nevaBhenjamini, ndinzwei! Jehovha anemi kana imi mukangoramba muinaye;+ uye kana mukamutsvaga, achaita kuti mumuwane,+ asi kana mukamusiya, achakusiyaiwo.+  Kwenguva refu* vaIsraeri vakanga vasina Mwari wechokwadi, vasina mupristi aidzidzisa, uye vasina mutemo.+  Asi pavakanga vava mumatambudziko, vakadzokera kuna Jehovha Mwari waIsraeri, vakamutsvaga, iye akaita kuti vamuwane.+  Munguva iyoyo hapana aikwanisa kufamba pasina njodzi inomuwira,* nekuti zvinhu zvakanga zvisina kutombogadzikana pavagari vese vemunyika dzacho.  Rudzi rwaiparadzwa nerumwe rudzi, guta richiparadzwa nerimwe guta, nekuti Mwari akaita kuti varambe vasina kugadzikana vachiwirwa nematambudziko akasiyana-siyana.+  Asi imi shingai uye musaora mwoyo,*+ nekuti muchapiwa mubayiro webasa renyu.”  Asa paakangonzwa mashoko aya neuprofita hwemuprofita Odhedhi, akava neushingi, akabvisa zvifananidzo zvaisemesa munyika yese yevaJudha+ nevaBhenjamini nemumaguta aakanga atora munyika ine makomo yaEfremu, uye akadzorera atari yaJehovha pamberi pevharanda raJehovha payaimbova.+  Akaunganidza vaJudha nevaBhenjamini vese nevatorwa vavaiva navo vainge vabva kwaEfremu nekwaManase nekwaSimiyoni,+ nekuti vakanga vatizira kwaari vachibva kuvaIsraeri vari vazhinji chaizvo pavakaona kuti Jehovha Mwari wake aiva naye. 10  Saka vakaungana kuJerusarema mumwedzi wechitatu wegore rechi15 rekutonga kwaAsa. 11  Pazuva iroro vakabayira kuna Jehovha mombe 700 nemakwai 7 000 vachitora pane zvavakanga vapamba. 12  Vakaitawo sungano yekuti vatsvage Jehovha Mwari wemadzitateguru avo nemwoyo yavo yese nemweya* yavo yese.+ 13  Chero munhu aizorega kutsvaga Jehovha Mwari waIsraeri aifanira kuurayiwa, angava mudiki kana mukuru, murume kana mukadzi.+ 14  Saka vakaita mhiko kuna Jehovha nenzwi guru, vachishevedzera nemufaro, vachiridza mabhosvo nehwamanda. 15  VaJudha vese vakafarira mhiko yacho, nekuti vakanga vaita mhiko yacho nemwoyo yavo yese uye vakamutsvaga nechido, iye akaita kuti vamuwane,+ uye Jehovha akaramba achivapa zororo kumativi ese.+ 16  Mambo Asa akatobvisawo ambuya vake Maaka+ pachinzvimbo chavo chepamusoro,* nekuti vakanga vagadzira chidhori chaisemesa chaishandiswa pakunamata bango rinoyera.*+ Asa akatema chidhori chavo chaisemesa, akachikuya-kuya, akachipisira muBani reKidroni.+ 17  Asi nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa+ muIsraeri.+ Kunyange zvakadaro, mwoyo waAsa wakanga wakanyatsozvipira kweupenyu hwake hwese.*+ 18  Akaunza muimba yaMwari wechokwadi zvinhu zvavakanga vatsvenesa iye nababa vake zvinoti, sirivha, goridhe, nemimwe midziyo.+ 19  Hakuna kuzova nehondo kusvikira mugore rechi35 rekutonga kwaAsa.+

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “Kwemazuva mazhinji.”
ChiHeb., “kwakanga kusina rugare kune uya aibuda kana aipinda.”
ChiHeb., “musarega maoko enyu achirembera.”
ChiHeb., “pachinzvimbo chavo samambokadzi.”
ChiHeb., “kwemazuva ake ese.”