Bhuku Rechipiri reMakoronike 16:1-14

  • Chibvumirano chaAsa nevaSiriya (1-6)

  • Hananai anotsiura Asa (7-10)

  • Kufa kwaAsa (11-14)

16  Mugore rechi36 rekutonga kwaAsa, Mambo Bhaasha+ weIsraeri akaenda kunorwisa Judha, akatanga kuvaka* Rama+ kuti pasava nemunhu aibuda kana kupinda munyika yaMambo Asa weJudha.+  Asa akabva atora sirivha negoridhe kubva maichengeterwa pfuma yeimba yaJehovha+ nepfuma yeimba yamambo,* akazvitumira kuna Mambo Bheni-hadhadhi weSiriya,+ uyo aigara muDhamasiko, achiti:  “Pane chibvumirano* pakati pangu newe uye pakati pababa vangu nababa vako. Ndiri kukutumira sirivha negoridhe. Saka putsa chibvumirano chako* naBhaasha mambo weIsraeri, kuti abve kwandiri.”  Bheni-hadhadhi akateerera Mambo Asa, akatuma vakuru vemauto ake kunorwisa maguta eIsraeri, uye vakakunda Ijoni,+ Dhani,+ Abheri-maimu nenzvimbo dzese dzekuchengetera zvinhu dzemaguta aNaftari.+  Bhaasha paakazvinzwa, akabva angomira kuvaka* Rama, akasiya basa raaiita paguta racho.  Mambo Asa akabva atora vaJudha vese, uye vakatakura matombo nematanda zveRama+ zvakanga zvichivakiswa naBhaasha,+ achibva azvishandisa kuvaka* Gebha+ neMizpa.+  Panguva iyoyo muoni Hananai+ akaenda kuna Mambo Asa weJudha akati kwaari: “Zvawakavimba namambo* weSiriya, ukarega kuvimba naJehovha* Mwari wako, uto ramambo weSiriya rapukunyuka muruoko rwako.+  VaItiopiya nevaRibhiya vakanga vasiri here uto guru chaizvo rine ngoro dzakawanda nevatasvi vemabhiza? Asi Jehovha akavaisa muruoko rwako+ nekuti wakavimba naye.  Nekuti maziso aJehovha ari kutarisa-tarisa pasi pese+ kuti aratidze simba rake achibatsira vaya vane mwoyo wakaperera* kwaari.+ Waita zveupenzi panyaya iyi; kubvira zvino uchagara uchirwiswa.”+ 10  Zvisinei, Asa akagumbukira muoni wacho, akamuisa mujeri* nekuti akanga amutsamwira zvikuru nemhaka yeizvi. Asa akatanga kuitira vamwe vanhu utsinye panguva iyoyo. 11  Nhoroondo yaAsa, kubva kwainotangira kusvika kwainoperera, yakanyorwa muBhuku reMadzimambo eJudha neeIsraeri.+ 12  Mugore rechi39 rekutonga kwake, Asa akava nechirwere mutsoka kusvikira ava kurwara zvakanyanya; asi kunyange mukurwara kwake haana kuenda kuna Jehovha asi akaenda kuvarapi. 13  Asa akazoradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake.+ Akafa mugore rechi41 rekutonga kwake. 14  Saka vakamuviga muguva guru raakanga azvicherera muGuta raDhavhidhi,+ uye vakamuradzika pahwanyanza* yakanga izere nemafuta ebharisamu nemafuta akagadzirwa nemusanganiswa wezvinhu zvakasiyana-siyana.+ Vakamupisirawo moto wakakura chaizvo wekumukudza.*

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “kuvaka rusvingo rwekudzivirira; kuvakazve.”
Kana kuti “yemuzinda wamambo.”
Kana kuti “sungano.”
Kana kuti “sungano yako.”
Kana kuti “kuvaka rusvingo rwekudzivirira; kuvakazve.”
Kana kuti “kuvaka rusvingo rwekudzivirira; kuvakazve.”
ChiHeb., “Zvawakatsamira pana mambo.”
ChiHeb., “kutsamira pana Jehovha.”
Kana kuti “wakanyatsozvipira.”
ChiHeb., “muimba yezvisungo zvematanda.”
Hwanyanza kana kuti banda chinhu chaigadzirirwa kutakurisa chitunha.
Zvinoratidza sekuti wakanga usiri moto wekupisa mutumbi waAsa, asi wekupisa zvinhu zvinonhuwirira.