Bhuku Rechipiri reMakoronike 17:1-19

  • Jehoshafati, mambo weJudha (1-6)

  • Kudzidziswa kwevanhu (7-9)

  • Uto raJehoshafati (10-19)

17  Zvino mwanakomana wake Jehoshafati+ akava mambo panzvimbo yake, uye akasimbisa chinzvimbo chake pana Israeri.  Akaisa mauto mumaguta ese eJudha akanga akakomberedzwa nemasvingo, uye akaisa mapoka evarwi munyika yeJudha nemumaguta aEfremu akanga atorwa nababa vake Asa.+  Jehovha akaramba aina Jehoshafati nekuti akafamba nenzira dzakanga dzafambwa natateguru vake Dhavhidhi+ uye haana kutsvaga vanaBhaari.  Nekuti akatsvaga Mwari wababa vake,+ uye akatevera murayiro* wake, asingaiti zvaiitwa nevaIsraeri.+  Jehovha akaita kuti umambo hurambe hwakasimba muruoko rwake;+ uye vaJudha vese vakaramba vachipa Jehoshafati zvipo, uye akava nepfuma yakawanda chaizvo, achikudzwa zvikuru.+  Mwoyo wake wakashinga kufamba munzira dzaJehovha, uye akatobvisa nzvimbo dzakakwirira+ nemapango anoyera*+ muJudha.  Mugore rechitatu rekutonga kwake, akashevedza machinda ake aiti Bheni-hairi, Obhadhiya, Zekariya, Netaneri, naMikaya, kuti vadzidzise mumaguta eJudha.  Vaiva nevaRevhi vaiti: Shemaya, Netaniya, Zebhadhiya, Asaheri, Shemiramoti, Jehonatani, Adhonija, Tobhija, naTobhi-adhonija, uye vaivawo nevapristi vaiti Erishama naJehoramu.+  Vakatanga kudzidzisa munyika yeJudha, vaine bhuku reMutemo waJehovha,+ uye vakatenderera mumaguta ese eJudha vachidzidzisa vanhu. 10  Umambo hwese hwenyika dzakanga dzakapoteredza Judha hwakatya Jehovha, uye hahuna kurwisa Jehoshafati. 11  Uye vaFiristiya vakaunzira Jehoshafati mutero wezvipo nemari. VaArabhu vakamuunzira makondohwe 7 700 uye nhongo 7 700 kubva pazvipfuwo zvavo. 12  Jehoshafati akaramba achingowedzera kuva nesimba,+ uye akaramba achivaka nhare*+ nemaguta ekuchengetera zvinhu+ muJudha. 13  Akaita mabasa akawanda mumaguta eJudha, uye aiva nemauto muJerusarema, ayo aiva varwi vane simba. 14  Vakanga vakarongwa maererano nedzimba dzemadzibaba avo: kwaJudha vakuru vezviuru vaiva Adnaa uyo aiva mukuru wavo, uye aiva nevarwi 300 000 vaiva nesimba.+ 15  Pasi pake paiva naJehohanani uyo aiva mukuru, uye aiva nevarwi 280 000. 16  Pasi pake paivawo naAmasiya mwanakomana waZikri uyo akazvipira kuita basa raJehovha, uye aiva nevarwi 200 000 vaiva nesimba. 17  KwaBhenjamini+ kwaiva naEriyadha, murwi aiva nesimba, uyo aiva nevarume 200 000 vaiva neuta nenhoo.+ 18  Pasi pake paiva naJehozabhadhi, uyo aiva nevarume 180 000 vakanga vakagadzirira kurwa. 19  Varume ava vaishandira mambo, kuwedzera pane vaya vakaiswa namambo mumaguta akanga akakomberedzwa nemasvingo aiva muJudha yese.+

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “akafamba mumurayiro.”
Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.