Bhuku Rechipiri reMakoronike 18:1-34

  • Kubatana kwaJehoshafati naAhabhi (1-11)

  • Uprofita hwaMikaya hwekukundwa (12-27)

  • Ahabhi anourayiwa kuRamoti-giriyedhi (28-34)

18  Jehoshafati aiva nepfuma yakawanda chaizvo uye aikudzwa zvikuru,+ asi akava neukama hwekuroorerana naAhabhi.+  Saka kwapera makore akati, akaenda kuna Ahabhi kuSamariya,+ uye Ahabhi akapa chibayiro chemakwai nemombe zvakawanda achiitira mambo wacho nevanhu vaaiva navo. Akamunyengetedza kuti vaende kunorwisa Ramoti-giriyedhi.+  Mambo Ahabhi weIsraeri akabva ati kuna Mambo Jehoshafati weJudha: “Uchaenda neni kuRamoti-giriyedhi here?” Iye akamupindura kuti: “Ini newe tiri vanhu vamwe chete uye vanhu vangu nevanhu vako vamwe chete uye ndichakutsigira muhondo yacho.”  Asi Jehoshafati akati kuna mambo weIsraeri: “Ndapota, tanga wabvunza kuti Jehovha anoti chii.”+  Saka mambo weIsraeri akaunganidza vaprofita, varume 400, akati kwavari: “Tiende kunorwisa Ramoti-giriyedhi here, kana kuti ndorega?” Ivo vakati: “Endai, uye Mwari wechokwadi achaiisa muruoko rwamambo.”  Jehoshafati akabva ati: “Pano hapana muprofita waJehovha here?+ Ngatibvunzeiwo nekwaari.”+  Mambo weIsraeri akabva ati kuna Jehoshafati: “Kuchiine murume mumwe chete+ watinogona kubvunza Jehovha nekwaari; asi ini ndinomuvenga, nekuti haatomboprofiti zvinhu zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa chete.+ NdiMikaya mwanakomana waImra.” Asi Jehoshafati akati: “Mambo haafaniri kutaura zvakadaro.”  Saka mambo weIsraeri akashevedza mumwe wevakuru vemumuzinda akati: “Kurumidza kuuya naMikaya mwanakomana waImra.”+  Mambo weIsraeri naJehoshafati mambo weJudha vakanga vakagara mumwe nemumwe pachigaro chake cheumambo, vakapfeka nguo dzeumambo; vakanga vakagara paburiro* pagedhi reSamariya, vaprofita vese vachiprofita vari pamberi pavo. 10  Zedhekiya mwanakomana waKenaana akabva agadzira nyanga dzake dzesimbi akati: “Zvanzi naJehovha, ‘Muchatunga* vaSiriya neidzi kusvikira mavaparadza.’” 11  Vamwe vaprofita vese vakanga vachiprofitawo saizvozvo, vachiti: “Kwidzai kuRamoti-giriyedhi uye muchakunda;+ Jehovha achaiisa muruoko rwamambo.” 12  Saka nhume yakanga yaenda kunoshevedza Mikaya yakati kwaari: “Inzwa! Mashoko ari kutaurwa nevaprofita vese akanaka kuna mambo. Ndapota, shoko rako ngarifanane neravo,+ utaure zvinhu zvakanaka.”+ 13  Asi Mikaya akati: “NaJehovha mupenyu, chero zvandichaudzwa naMwari wangu ndizvo zvandichataura.”+ 14  Akabva apinda maiva namambo, uye mambo akamubvunza kuti: “Mikaya, tiende kunorwisa Ramoti-giriyedhi here, kana kuti ndorega?” Akabva apindura achiti: “Endai uye muchakunda; vachaiswa mumaoko enyu.” 15  Mambo akabva ati kwaari: “Ndinofanira kukuita kuti upike kangani kuti ungondiudza chokwadi chega muzita raJehovha?” 16  Saka akati: “Ndiri kuona vaIsraeri vese vakapararira mumakomo semakwai asina mufudzi.+ Jehovha ati: ‘Ava havana tenzi. Mumwe nemumwe ngaadzokere kumba kwake nerugare.’” 17  Mambo weIsraeri akabva ati kuna Jehoshafati: “Handina here kukuudza kuti, ‘Haasi kuzoprofita zvinhu zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa chete’?”+ 18  Mikaya akabva ati: “Saka inzwai shoko raJehovha: Ndaona Jehovha akagara pachigaro chake cheumambo,+ uto rese rekudenga+ rakamira kurudyi rwake nekuruboshwe rwake.+ 19  Jehovha abva ati, ‘Ndiani achanyengedza Mambo Ahabhi weIsraeri, kuti aende anofira kuRamoti-giriyedhi?’ Zvino mumwe anga achitaura izvi, mumwe achitaura zvimwewo. 20  Mumwe mweya+ wabva waenda ukamira* pamberi paJehovha ndokuti, ‘Ini ndichamunyengedza.’ Jehovha achibva ati kwauri, ‘Uchazviita sei?’ 21  Iwo ukati, ‘Ndichaenda, ndova mweya unonyengedza mumiromo yevaprofita vake vese.’ Iye achibva ati, ‘Uchamunyengedza, uye uchabudirira. Enda uite saizvozvo.’ 22  Jehovha aisa mweya unonyengera mumiromo yevaprofita venyu ava,+ asi Jehovha ataura nezvedambudziko pamusoro penyu.” 23  Zedhekiya+ mwanakomana waKenaana akabva aswedera pedyo, akarova Mikaya+ padama+ akati: “Zvakatanga riini kuti mweya waJehovha unondipfuura uchienda kunotaura newe?”+ 24  Mikaya akapindura kuti: “Uchaziva kuti zvakatanga riini pazuva rauchapinda muimba yemukatikati kuti uhwande.” 25  Mambo weIsraeri akabva ati: “Tora Mikaya umuendese kuna Amone mukuru weguta nekuna Joashi mwanakomana wamambo. 26  Vaudze kuti, ‘Zvanzi namambo: “Isai munhu uyu mujeri+ uye mupei chingwa chakatapudzwa nemvura shoma kusvikira ndadzoka nerugare.”’” 27  Asi Mikaya akati: “Kana mukadzoka nerugare, Jehovha haana kutaura neni.”+ Akabva ati: “Mucherechedze, imi vanhu vese.” 28  Saka mambo weIsraeri naJehoshafati mambo weJudha vakakwidza kuRamoti-giriyedhi.+ 29  Mambo weIsraeri akabva ati kuna Jehoshafati: “Ndichachinja nguo dzangu kuti ndirege kuzivikanwa, ndoenda kunorwa, asi iwe unofanira kupfeka nguo dzako dzeumambo.” Saka mambo weIsraeri akachinja nguo dzake kuti arege kuzivikanwa vachibva vaenda kunorwa. 30  Mambo weSiriya akanga arayira vakuru vengoro dzake achiti: “Musarwa nemumwe munhu, mudiki kana mukuru, kunze kwamambo weIsraeri chete.” 31  Vakuru vengoro dzacho pavakangoona Jehoshafati, vakati nechemumwoyo: “Uyu ndiye mambo weIsraeri.” Saka vakatsaukira kwaari kuti vamurwise; asi Jehoshafati akatanga kushevedzera kuti abatsirwe,+ Jehovha achibva amubatsira, uye Mwari akabva angoita kuti vamusiye. 32  Vakuru vengoro pavakaona kuti akanga asiri mambo weIsraeri, vakabva varega kumutevera. 33  Asi mumwe murume akangopfurawo neuta hwake asina kuzvironga, akabaya mambo weIsraeri nepanobatana nguo yake yesimbi. Saka mambo akati kumutyairi wake wengoro: “Tendeutsa ngoro, undibudise muhondo,* nekuti ndakuvadzwa zvakanyanya.”+ 34  Hondo yakaramba ichipisa zuva racho rese, uye mambo weIsraeri akamira akaita zvekutsigirwa nevamwe mungoro akatarisana nevaSiriya kusvikira ava manheru; uye akafa pakuvira kwezuva.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Muchasunda.”
Kana kuti “Imwe ngirozi yabva yaenda ikanomira.”
ChiHeb., “mumusasa.”