Bhuku Rechipiri reMakoronike 19:1-11

  • Jehu anotsiura Jehoshafati (1-3)

  • Jehoshafati anogadzirisa zvinhu (4-11)

19  Mambo Jehoshafati weJudha akabva adzokera kumba kwake*+ kuJerusarema asina kukuvadzwa.*  Jehu+ mwanakomana wemuoni Hananai+ akaenda kunosangana naye, akati kuna Mambo Jehoshafati: “Munofanira kubatsira vakaipa+ uye kuda vanovenga Jehovha here?+ Jehovha akutsamwirai nemhaka yeizvi.  Kunyange zvakadaro, pane zvinhu zvakanaka zvawanikwa pamuri,+ nekuti makabvisa mapango anoyera* munyika uye makagadzirira mwoyo wenyu* kuti mutsvage Mwari wechokwadi.”+  Jehoshafati akaramba achigara muJerusarema uye akaendazve kuvanhu, kubva kuBheeri-shebha kusvika kunyika ine makomo yaEfremu,+ kuti avadzose kuna Jehovha Mwari wemadzitateguru avo.+  Akagadzawo vatongi munyika yese mumaguta ese eJudha aiva akakomberedzwa nemasvingo, muguta neguta.+  Akati kuvatongi vacho: “Nyatsofungai pane zvamunoita, nekuti hamutongeri munhu asi Jehovha, uye iye anemi pamunotonga.+  Zvino ityai Jehovha.+ Chenjererai pane zvamunoita, nekuti Jehovha Mwari wedu haadi zvisina kururama,+ kana rusarura,+ kana kugamuchira chiokomuhomwe.”+  Jehoshafati akagadzawo vamwe vaRevhi nevapristi nevamwe vakuru vedzimba dzemadzibaba evaIsraeri muJerusarema kuti vatonge vachimiririra Jehovha uye kuti vagadzirise nyaya dzevagari vemuJerusarema.+  Akavarayirawo kuti: “Izvi ndizvo zvamunofanira kuita muchitya Jehovha, makatendeka, muine mwoyo wakaperera* kwaari: 10  Pese panouya hama dzenyu dziri kugara mumaguta adzo nenyaya ine chekuita nekudeurwa kweropa+ kana kuti nemubvunzo pamusoro pemumwe mutemo, murayiro, murau, kana zvakatongwa, munofanira kudziyambira kuti dzirege kuva nemhosva pamberi paJehovha; nekuti mukasadaro anokutsamwirai imi nehama dzenyu. Izvi ndizvo zvamunofanira kuita kuti murege kuva nemhosva. 11  Pano mune mutungamiriri wevapristi Amariya ari kukutungamirirai pazvinhu zvese zvaJehovha.+ Zebhadhiya mwanakomana waIshmaeri ndiye mutungamiriri weimba yaJudha panyaya dzese dzine chekuita namambo. Uye vaRevhi vachava vatariri venyu. Shingai, muone zvekuita uye Jehovha ngaave nevanoita zvakanaka.”*+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “kumuzinda wake.”
Kana kuti “nerugare.”
Kana kuti “uye mwoyo wenyu wakazvipira.”
Kana kuti “wakanyatsozvipira.”
Kana kuti “ngaave nezvakanaka.”