Bhuku Rechipiri reMakoronike 2:1-18

  • Kugadzirira kuvaka temberi (1-18)

2  Zvino Soromoni akarayira kuti pavakwe imba yezita raJehovha+ neimba yeumambo* hwake.+  Soromoni akatora varume 70 000 kuti vaite mabasa asingadi unyanzvi,* nevarume 80 000 kuti vacheke matombo mumakomo,+ uye 3 600 kuti vave vatariri vavo.+  Soromoni akatumirawo shoko kuna Hiramu+ mambo weTire, achiti: “Ndiitireiwo zvamakaitira baba vangu Dhavhidhi, pamakavatumira matanda emusidhari kuti vavake imba yekugara.*+  Iye zvino ndiri kuvakira zita raJehovha Mwari wangu imba kuti ndiikumikidze* kwaari, kuti ndipisire rusenzi+ inonhuhwirira pamberi pake, nekuisa imomo zvingwa zvinoturikidzaniswa* zvinogara zvirimo+ nekupa zvibayiro zvinopiswa, mangwanani nemanheru,+ pamaSabata,+ pakugara kwemwedzi,+ nepamwaka yemitambo+ yaJehovha Mwari wedu. Izvi zvichagara zvichiitwa nevaIsraeri.  Imba yandichavaka ichava huru, nekuti Mwari wedu mukuru kupfuura vamwe vanamwari vese.  Ndiani angakwanisa kumuvakira imba? Nekuti haangakwani mumatenga, mumatenga ekumatenga,+ saka ndini ani kuti ndimuvakire imba kunze kwekungoti ive nzvimbo yekukwidzira utsi hwezvibayiro pamberi pake?  Nditumireiwo murume ane unyanzvi hwekugadzira zvinhu zvegoridhe, zvesirivha, zvemhangura,+ zvesimbi, zveshinda yepepuru, zveshinda tsvuku, nezveshinda yebhuruu, uye anogona kutemerera mifananidzo yekushongedza. Achashandira muJudha nemuJerusarema nenyanzvi dzangu dzekugadzira zvinhu dzakatsvagwa nababa vangu Dhavhidhi.+  Munditumirewo matanda emusidhari, mujunipa,+ nemuarigamu+ kubva kuRebhanoni, nekuti ndinonyatsoziva kuti varanda venyu vane ruzivo rwekutema miti yekuRebhanoni.+ Varanda vangu vachashanda pamwe chete nevaranda venyu+  kuti vandigadzirire matanda akawanda, nekuti imba yandichavaka ichange yakakura uye yakanaka chaizvo. 10  Ndichapa varanda venyu vanotema miti zvekudya zvinotevera:+ makori* 20 000 egorosi, makori 20 000 ebhari, mabhati* 20 000 ewaini, nemabhati 20 000 emafuta.” 11  Hiramu mambo weTire akabva atumira tsamba kuna Soromoni yaiva nemashoko ekuti: “Jehovha anoda vanhu vake, ndokusaka akakugadza kuti uve mambo wavo.” 12  Hiramu akabva ati: “Jehovha Mwari waIsraeri akasika denga nenyika ngaarumbidzwe, nekuti akapa Mambo Dhavhidhi mwanakomana akachenjera,+ uyo ane ungwaru nekunzwisisa,+ achavakira Jehovha imba uye achavakira umambo hwake imba. 13  Zvino ndiri kutuma murume ane unyanzvi hwekugadzira zvinhu, anonzwisisa, iye Hiramu-abhi,+ 14  mwanakomana wemukadzi wekuvaDhani, asi baba vake vaiva vekuTire; ane ruzivo rwekugadzira zvinhu zvegoridhe, zvesirivha, zvemhangura, zvesimbi, zvematombo, zvematanda, zveshinda yepepuru, zveshinda yebhuruu, zvemachira akanaka chaizvo, nezveshinda tsvuku.+ Anogona kutemerera mifananidzo yese yekushongedza uye kugadzira chero chinhu chaanenge anzi agadzire.+ Achashanda nevashandi vako vane unyanzvi hwekugadzira zvinhu nevashandi vane unyanzvi vashe wangu baba vako Dhavhidhi. 15  Ishe wangu ngaatumire gorosi, bhari, mafuta, newaini zvaavimbisa varanda vake.+ 16  Tichatema miti yekuRebhanoni,+ yese yaunoda, uye tichaiunza kwauri tichiita zvekuiyeredza nemugungwa, yakasungwa pamwe chete ichiuya kuJopa;+ uye iwe uchazoiendesa kuJerusarema.”+ 17  Soromoni akabva averenga varume vese vakanga vari vatorwa munyika yeIsraeri,+ sezvakanga zvaitwa nababa vake Dhavhidhi,+ uye vakawana vanhu 153 600. 18  Saka akaita kuti 70 000 vavo vaite mabasa asingadi unyanzvi,* uye kuti 80 000 vacheke matombo+ mumakomo uye akaita kuti 3 600 vave vatariri vaitungamirira vanhu pabasa.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “nemuzinda weumambo.”
Kana kuti “basa rekutakura zvinorema.”
Kana kuti “muzinda wekugara.”
Kureva, zvingwa zvekuratidza.
Kana kuti “ndiitsvenese.”
Kori uwandu hwaizadza midziyo 10 yemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Bhati rakanga rakaenzana nemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “basa rekutakura zvinorema.”