Bhuku Rechipiri reMakoronike 20:1-37
20 Pashure paizvozvo vaMoabhi+ nevaAmoni+ vakauya kuzorwisa Jehoshafati vaine vamwe vanhu vekuvaAmonimu.*
2 Saka Jehoshafati akaudzwa kuti: “Kune boka guru revanhu vauya kuzokurwisai vabva kunharaunda yekugungwa,* kuEdhomu,+ uye iye zvino vari muHazazoni-tamari, iyo Eni-gedhi.”+
3 Jehoshafati akabva atya, akazvipira kutsvaga* Jehovha.+ Saka akazivisa kuti vaJudha vese vatsanye.
4 Vanhu veJudha vakabva vaungana kuti vabvunze Jehovha;+ vakauya kuzobvunza Jehovha vachibva kumaguta ese eJudha.
5 Jehoshafati akabva asimuka pakati peungano yeJudha neJerusarema muimba yaJehovha, pamberi pechivanze chitsva,
6 akati:
“Haiwa Jehovha Mwari wemadzitateguru edu, hamusi Mwari kudenga here;+ hamusi imi mune simba paumambo hwese hwemarudzi here?+ Muruoko rwenyu mune simba neukuru, uye hapana angamirisana nemi.+
7 Haiwa Mwari wedu, hamuna here kudzinga vagari vemunyika ino pamberi pevanhu venyu vaIsraeri, mukapa vana* veshamwari yenyu Abrahamu nyika ino kuti igare iri yavo?+
8 Vakagara mairi, vakakuvakirai nzvimbo tsvene yezita renyu imomo,+ vachiti,
9 ‘Kana tikawirwa nedambudziko, ringava rebakatwa, mutongo wakaoma, denda, kana nzara, ngatimirei pamberi peimba iyi nepamberi penyu (nekuti zita renyu riri muimba iyi)+ toshevedzera kwamuri kuti mutibatsire pakutambudzika kwedu, uye inzwai mutiponese.’+
10 Chionai zviri kuitwa nevarume veAmoni neveMoabhi nevemunyika ine makomo yeSeiri,+ vamakarambidza vaIsraeri kupinda pakati pavo nechisimba paya pavakabuda munyika yeIjipiti. Vakavarega uye havana kuvaparadza.+
11 Iye zvino vava kutitsiva nekuuya kuzotidzinga panyika yenyu yamakatipa kuti ive nhaka yedu.+
12 Haiwa Mwari wedu, hamungavatongi here?+ Nekuti isu hatina simba rekurwa neboka guru revanhu iri riri kuuya kuzotirwisa; uye hatizivi kuti toita sei,+ asi maziso edu akatarisa kwamuri.”+
13 Panguva iyi vanhu vese vekwaJudha vakanga vakamira pamberi paJehovha, pamwe chete nepwere dzavo, madzimai avo, nevana* vavo.
14 Mweya waJehovha wakabva wauya pana Jahazieri mwanakomana waZekariya mwanakomana waBhenaya mwanakomana waJeyieri mwanakomana waMataniya muRevhi wekuvanakomana vaAsafi ari pakati peungano yacho.
15 Akati: “Inzwai, imi vaJudha vese nemi vagari vemuJerusarema naMambo Jehoshafati! Zvanzi naJehovha kwamuri, ‘Musatya kana kuvhundutswa neboka iri guru revanhu, nekuti kurwa hakusi kwenyu, asi ndekwaMwari.+
16 Endai munovarwisa mangwana. Vachauya nekumupata weZizi, uye muchavawana panogumira bani,* pakatarisana nerenje reJerueri.
17 Hamufaniri zvenyu kurwa hondo yacho. Endai munzvimbo dzenyu, moramba makamira,+ muone kuponeswa kwamuchaitwa naJehovha.*+ Usatya iwe Judha newe Jerusarema, usatya kana kuvhunduka.+ Endai munovarwisa mangwana, uye Jehovha achava nemi.’”+
18 Jehoshafati akabva apfugama, akadzikisa musoro wake, uye vaJudha vese nevagari vemuJerusarema vakapfugama vakadzikisa misoro yavo pamberi paJehovha kuti vanamate Jehovha.
19 VaRevhi vekwaKohati+ nevekwaKora vakabva vasimuka kuti varumbidze Jehovha Mwari waIsraeri nenzwi guru kwazvo.+
20 Vakafumomuka mangwanani akatevera vakaenda kurenje reTekoa.+ Sezvavaienda, Jehoshafati akamira akati: “Inzwai, haiwa imi vaJudha nemi vagari vemuJerusarema! Tendai muna Jehovha Mwari wenyu kuti mugone kumira makasimba. Tendai muvaprofita vake,+ uye muchakunda.”
21 Pashure pekunge abvunza mazano kuvanhu, akagadza varume kuti vaimbire+ Jehovha uye kuti vamurumbidze vakapfeka zvishongo zvitsvene pavaienda vari pamberi pevarume vaiva nezvombo, vachiti: “Ongai Jehovha, nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.”+
22 Pavakatanga kuimba nziyo dzekurumbidza vachifara, Jehovha akaisa varume kuti vahwandire varume veAmoni, neveMoabhi nevemunyika ine makomo yeSeiri vakanga vachipinda muJudha nechisimba, uye vakaurayana pachavo.+
23 VaAmoni nevaMoabhi vakabva vapandukira vagari vemunyika ine makomo yeSeiri+ kuti vavaparadze vovatsvaira; uye pavakapedza nevagari vekuSeiri, vakaurayana pachavo.+
24 Asi vaJudha pavakasvika kunharire* yekurenje,+ vakatarisa kwaiva neboka revanhu, vakaona zvitunha zvavo zvakati katakata pasi;+ hapana akapukunyuka.
25 Saka Jehoshafati nevanhu vake vakaenda kunopamba zvinhu zvavo, uye vakawana zvinhu zvakawanda, nezvipfeko nezvimwewo zvinhu zvakanaka zvakawanda, vakazvitora kusvikira vasingachakwanisi kutakura zvimwe.+ Zvakavatorera mazuva matatu kutakura zvinhu zvacho, nekuti zvakanga zvakawanda.
26 Pazuva rechina vakaungana kuBani reBheraka, nekuti vakarumbidza* Jehovha ikoko. Ndokusaka vakatumidza nzvimbo iyoyo kuti Bani reBheraka*+ uye ndiro zita rayo nanhasi.
27 Varume vese veJudha neveJerusarema vakabva vadzokera kuJerusarema vachifara chaizvo, vachitungamirirwa naJehoshafati, nekuti Jehovha akanga aita kuti vafare chaizvo nezvakanga zvaitwa kuvavengi vavo.+
28 Saka vakapinda muJerusarema vaine zviridzwa zvine tambo,+ udimbwa nemabhosvo+ uye vakaenda kuimba yaJehovha.+
29 Umambo hwese hwenyika hwakatya Mwari pahwakanzwa kuti Jehovha akanga arwa nevavengi vaIsraeri.+
30 Saka muumambo hwaJehoshafati makanga musina chainetsa, uye Mwari wake akaramba achimupa zororo kumativi ese.+
31 Jehoshafati akaramba achitonga Judha. Aiva nemakore 35 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 25 muJerusarema. Amai vake vainzi Azubha mwanasikana waShirihi.+
32 Akaramba achifamba munzira yababa vake Asa.+ Haana kutsauka pairi, uye akaita zvakarurama pamberi paJehovha.+
33 Zvisinei, nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa,+ uye vanhu vakanga vasati vagadzirira mwoyo yavo kuti vatsvage Mwari wemadzitateguru avo.+
34 Kana iri nhoroondo yese yaJehoshafati, kubva kwainotangira kusvika kwainoperera, yakanyorwa pamashoko aJehu+ mwanakomana waHananai,+ ayo akaiswa muBhuku reMadzimambo eIsraeri.
35 Pashure peizvi, Mambo Jehoshafati weJudha akabatana naMambo Ahaziya weIsraeri, uyo aiita zvakaipa.+
36 Akabatana naye pakugadzira ngarava dzaienda kuTashishi,+ uye vakagadzira ngarava dzacho muEziyoni-gebheri.+
37 Zvisinei, Eriyezeri mwanakomana waDhodhavhahu wekuMaresha akaprofitira Jehoshafati, achiti: “Nemhaka yekuti wabatana naAhaziya, Jehovha achaparadza mabasa ako.”+ Saka ngarava dzacho dzakaparadzwa,+ dzikatadza kuenda kuTashishi.
Mashoko Emuzasi
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “vekuvaMeuni.”
^ Zvinoratidza sekuti pari kureva Gungwa Rakafa.
^ ChiHeb., “akaisa chiso chake pakutsvaga.”
^ ChiHeb., “mbeu.”
^ ChiHeb., “nevanakomana.”
^ Kana kuti “rwizi.”
^ Kana kuti “kununurwa kwamuchaitwa naJehovha.”
^ Iyi inzvimbo yakakwirira inoshandiswa kuona zviri kure.
^ ChiHeb., “vakakomborera.”
^ Kureva kuti “Kukomborera.”