Bhuku Rechipiri reMakoronike 20:1-37

  • Marudzi akapoteredza anotyisidzira Judha (1-4)

  • Jehoshafati anonyengetera kuti abatsirwe (5-13)

  • Mhinduro yaJehovha (14-19)

  • Judha inoponeswa zvinoshamisa (20-30)

  • Kuguma kweutongi hwaJehoshafati (31-37)

20  Pashure paizvozvo vaMoabhi+ nevaAmoni+ vakauya kuzorwisa Jehoshafati vaine vamwe vanhu vekuvaAmonimu.*  Saka Jehoshafati akaudzwa kuti: “Kune boka guru revanhu vauya kuzokurwisai vabva kunharaunda yekugungwa,* kuEdhomu,+ uye iye zvino vari muHazazoni-tamari, iyo Eni-gedhi.”+  Jehoshafati akabva atya, akazvipira kutsvaga* Jehovha.+ Saka akazivisa kuti vaJudha vese vatsanye.  Vanhu veJudha vakabva vaungana kuti vabvunze Jehovha;+ vakauya kuzobvunza Jehovha vachibva kumaguta ese eJudha.  Jehoshafati akabva asimuka pakati peungano yeJudha neJerusarema muimba yaJehovha, pamberi pechivanze chitsva,  akati: “Haiwa Jehovha Mwari wemadzitateguru edu, hamusi Mwari kudenga here;+ hamusi imi mune simba paumambo hwese hwemarudzi here?+ Muruoko rwenyu mune simba neukuru, uye hapana angamirisana nemi.+  Haiwa Mwari wedu, hamuna here kudzinga vagari vemunyika ino pamberi pevanhu venyu vaIsraeri, mukapa vana* veshamwari yenyu Abrahamu nyika ino kuti igare iri yavo?+  Vakagara mairi, vakakuvakirai nzvimbo tsvene yezita renyu imomo,+ vachiti,  ‘Kana tikawirwa nedambudziko, ringava rebakatwa, mutongo wakaoma, denda, kana nzara, ngatimirei pamberi peimba iyi nepamberi penyu (nekuti zita renyu riri muimba iyi)+ toshevedzera kwamuri kuti mutibatsire pakutambudzika kwedu, uye inzwai mutiponese.’+ 10  Chionai zviri kuitwa nevarume veAmoni neveMoabhi nevemunyika ine makomo yeSeiri,+ vamakarambidza vaIsraeri kupinda pakati pavo nechisimba paya pavakabuda munyika yeIjipiti. Vakavarega uye havana kuvaparadza.+ 11  Iye zvino vava kutitsiva nekuuya kuzotidzinga panyika yenyu yamakatipa kuti ive nhaka yedu.+ 12  Haiwa Mwari wedu, hamungavatongi here?+ Nekuti isu hatina simba rekurwa neboka guru revanhu iri riri kuuya kuzotirwisa; uye hatizivi kuti toita sei,+ asi maziso edu akatarisa kwamuri.”+ 13  Panguva iyi vanhu vese vekwaJudha vakanga vakamira pamberi paJehovha, pamwe chete nepwere dzavo, madzimai avo, nevana* vavo. 14  Mweya waJehovha wakabva wauya pana Jahazieri mwanakomana waZekariya mwanakomana waBhenaya mwanakomana waJeyieri mwanakomana waMataniya muRevhi wekuvanakomana vaAsafi ari pakati peungano yacho. 15  Akati: “Inzwai, imi vaJudha vese nemi vagari vemuJerusarema naMambo Jehoshafati! Zvanzi naJehovha kwamuri, ‘Musatya kana kuvhundutswa neboka iri guru revanhu, nekuti kurwa hakusi kwenyu, asi ndekwaMwari.+ 16  Endai munovarwisa mangwana. Vachauya nekumupata weZizi, uye muchavawana panogumira bani,* pakatarisana nerenje reJerueri. 17  Hamufaniri zvenyu kurwa hondo yacho. Endai munzvimbo dzenyu, moramba makamira,+ muone kuponeswa kwamuchaitwa naJehovha.*+ Usatya iwe Judha newe Jerusarema, usatya kana kuvhunduka.+ Endai munovarwisa mangwana, uye Jehovha achava nemi.’”+ 18  Jehoshafati akabva apfugama, akadzikisa musoro wake, uye vaJudha vese nevagari vemuJerusarema vakapfugama vakadzikisa misoro yavo pamberi paJehovha kuti vanamate Jehovha. 19  VaRevhi vekwaKohati+ nevekwaKora vakabva vasimuka kuti varumbidze Jehovha Mwari waIsraeri nenzwi guru kwazvo.+ 20  Vakafumomuka mangwanani akatevera vakaenda kurenje reTekoa.+ Sezvavaienda, Jehoshafati akamira akati: “Inzwai, haiwa imi vaJudha nemi vagari vemuJerusarema! Tendai muna Jehovha Mwari wenyu kuti mugone kumira makasimba. Tendai muvaprofita vake,+ uye muchakunda.” 21  Pashure pekunge abvunza mazano kuvanhu, akagadza varume kuti vaimbire+ Jehovha uye kuti vamurumbidze vakapfeka zvishongo zvitsvene pavaienda vari pamberi pevarume vaiva nezvombo, vachiti: “Ongai Jehovha, nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.”+ 22  Pavakatanga kuimba nziyo dzekurumbidza vachifara, Jehovha akaisa varume kuti vahwandire varume veAmoni, neveMoabhi nevemunyika ine makomo yeSeiri vakanga vachipinda muJudha nechisimba, uye vakaurayana pachavo.+ 23  VaAmoni nevaMoabhi vakabva vapandukira vagari vemunyika ine makomo yeSeiri+ kuti vavaparadze vovatsvaira; uye pavakapedza nevagari vekuSeiri, vakaurayana pachavo.+ 24  Asi vaJudha pavakasvika kunharire* yekurenje,+ vakatarisa kwaiva neboka revanhu, vakaona zvitunha zvavo zvakati katakata pasi;+ hapana akapukunyuka. 25  Saka Jehoshafati nevanhu vake vakaenda kunopamba zvinhu zvavo, uye vakawana zvinhu zvakawanda, nezvipfeko nezvimwewo zvinhu zvakanaka zvakawanda, vakazvitora kusvikira vasingachakwanisi kutakura zvimwe.+ Zvakavatorera mazuva matatu kutakura zvinhu zvacho, nekuti zvakanga zvakawanda. 26  Pazuva rechina vakaungana kuBani reBheraka, nekuti vakarumbidza* Jehovha ikoko. Ndokusaka vakatumidza nzvimbo iyoyo kuti Bani reBheraka*+ uye ndiro zita rayo nanhasi. 27  Varume vese veJudha neveJerusarema vakabva vadzokera kuJerusarema vachifara chaizvo, vachitungamirirwa naJehoshafati, nekuti Jehovha akanga aita kuti vafare chaizvo nezvakanga zvaitwa kuvavengi vavo.+ 28  Saka vakapinda muJerusarema vaine zviridzwa zvine tambo,+ udimbwa nemabhosvo+ uye vakaenda kuimba yaJehovha.+ 29  Umambo hwese hwenyika hwakatya Mwari pahwakanzwa kuti Jehovha akanga arwa nevavengi vaIsraeri.+ 30  Saka muumambo hwaJehoshafati makanga musina chainetsa, uye Mwari wake akaramba achimupa zororo kumativi ese.+ 31  Jehoshafati akaramba achitonga Judha. Aiva nemakore 35 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 25 muJerusarema. Amai vake vainzi Azubha mwanasikana waShirihi.+ 32  Akaramba achifamba munzira yababa vake Asa.+ Haana kutsauka pairi, uye akaita zvakarurama pamberi paJehovha.+ 33  Zvisinei, nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa,+ uye vanhu vakanga vasati vagadzirira mwoyo yavo kuti vatsvage Mwari wemadzitateguru avo.+ 34  Kana iri nhoroondo yese yaJehoshafati, kubva kwainotangira kusvika kwainoperera, yakanyorwa pamashoko aJehu+ mwanakomana waHananai,+ ayo akaiswa muBhuku reMadzimambo eIsraeri. 35  Pashure peizvi, Mambo Jehoshafati weJudha akabatana naMambo Ahaziya weIsraeri, uyo aiita zvakaipa.+ 36  Akabatana naye pakugadzira ngarava dzaienda kuTashishi,+ uye vakagadzira ngarava dzacho muEziyoni-gebheri.+ 37  Zvisinei, Eriyezeri mwanakomana waDhodhavhahu wekuMaresha akaprofitira Jehoshafati, achiti: “Nemhaka yekuti wabatana naAhaziya, Jehovha achaparadza mabasa ako.”+ Saka ngarava dzacho dzakaparadzwa,+ dzikatadza kuenda kuTashishi.

Mashoko Emuzasi

Dzimwe shanduro dzinoti, “vekuvaMeuni.”
Zvinoratidza sekuti pari kureva Gungwa Rakafa.
ChiHeb., “akaisa chiso chake pakutsvaga.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “nevanakomana.”
Kana kuti “rwizi.”
Kana kuti “kununurwa kwamuchaitwa naJehovha.”
Iyi inzvimbo yakakwirira inoshandiswa kuona zviri kure.
ChiHeb., “vakakomborera.”
Kureva kuti “Kukomborera.”