Bhuku Rechipiri reMakoronike 21:1-20

  • Jehoramu, mambo weJudha (1-11)

  • Tsamba inobva kuna Eriya (12-15)

  • Magumo asina kunaka aJehoramu (16-20)

21  Jehoshafati akazoradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, uye akavigwa pamwe chete nemadzitateguru ake muGuta raDhavhidhi; uye mwanakomana wake Jehoramu akava mambo panzvimbo yake.+  Vanin’ina vake, ivo vanakomana vaJehoshafati, vaiva Azariya, Jehieri, Zekariya, Azariya, Mikaeri, naShefatiya; vese ava vaiva vanakomana vaMambo Jehoshafati weIsraeri.  Baba vavo vakanga vavapa zvipo zvakawanda zvesirivha negoridhe nezvinhu zvinokosha, pamwe chete nemaguta aiva akakomberedzwa nemasvingo aiva muJudha;+ asi vakapa Jehoramu+ umambo, nekuti ndiye aiva dangwe.  Umambo hwababa vaJehoramu pahwakanga hwava mumaoko ake, akauraya vanin’ina vake vese+ nebakatwa, pamwe chete nemamwe machinda eIsraeri kuti asimbise chigaro chake.  Jehoramu aiva nemakore 32 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 8 muJerusarema.+  Akafamba nenzira yemadzimambo eIsraeri,+ sezvakanga zvaitwa nevaya veimba yaAhabhi, nekuti akanga aroora mwanasikana waAhabhi;+ uye akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha.  Asi Jehovha haana kuda kuparadza imba yaDhavhidhi, achifunga sungano yaakanga aita naDhavhidhi,+ nekuti akanga avimbisa kuti achaita kuti agare aine rambi nguva dzese, iye nevanakomana vake.+  Mumazuva ake, Edhomu yakapandukira Judha,+ ikabva yagadza mambo wayo.+  Saka Jehoramu nevakuru veuto rake vakayambuka nengoro dzake dzese, uye akamuka usiku, akakunda vaEdhomu vakanga vakamupoteredza iye nevakuru vengoro. 10  Asi Edhomu yakaramba ichipandukira Judha uye ndizvo zvaichiri kungoita nanhasi. Ribna+ yakamupandukirawo panguva iyoyo, nekuti akanga asiya Jehovha Mwari wemadzitateguru ake.+ 11  Akanga agadzirawo nzvimbo dzakakwirira+ mumakomo eJudha, kuti aite kuti vagari vemuJerusarema vaite unzenza hwekunamata, uye akatsausa vaJudha. 12  Kwakazouya tsamba kwaari yakabva kumuprofita Eriya,+ yaiti: “Zvanzi naJehovha Mwari watateguru vako Dhavhidhi, ‘Hauna kufamba nenzira dzababa vako Jehoshafati+ kana nenzira dzaMambo Asa+ weJudha. 13  Asi uri kufamba nenzira yemadzimambo eIsraeri,+ uye uri kuita kuti vanhu veJudha nevagari vemuJerusarema vaite unzenza hwekunamata+ sehweimba yaAhabhi,+ uye wakatouraya vanin’ina vako,+ iyo imba yababa vako, avo vaiva nani panewe. 14  Saka Jehovha acharova vanhu vako zvakasimba nevanakomana vako, nemadzimai ako nezvinhu zvako zvese. 15  Uchabatwa nezvirwere zvakawanda, kusanganisira chirwere chemuura, kusvikira ura hwako hwabuda nemhaka yechirwere chacho, uye zvichadaro zuva nezuva.’” 16  Jehovha akabva aita kuti+ vaFiristiya+ nevaArabhu+ avo vaiva pedyo nevaItiopiya varwe naJehoramu. 17  Saka vakapinda muJudha nechisimba, vakatakura zvinhu zvese zvaiva muimba yamambo,*+ pamwe chete nevanakomana vake nemadzimai ake; uye Jehoahazi*+ ndiye ega mwanakomana waakasara naye, uye aiva mudiki pavanakomana vake vese. 18  Pashure pezvinhu izvi zvese, Jehovha akamurova nechirwere chisingarapiki chemuura.+ 19  Nekufamba kwenguva, papera makore maviri akazara, chirwere chake chakaita kuti abude ura, uye akafa achirwadziwa chaizvo nechirwere chake; uye vanhu vake havana kumupisira moto wekumukudza sezvakanga zvaitirwa madzitateguru ake.+ 20  Aiva nemakore 32 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 8 muJerusarema. Paakafa hapana munhu akarwadziwa nazvo. Saka vakamuviga muGuta raDhavhidhi,+ asi kwete munzvimbo yemakuva emadzimambo.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “mumuzinda wamambo.”
Anonziwo Ahaziya.