Bhuku Rechipiri reMakoronike 22:1-12

  • Ahaziya, mambo weJudha (1-9)

  • Atariya anobvuta chigaro (10-12)

22  Vagari vemuJerusarema vakabva vagadza mwanakomana wake Ahaziya uyo aiva mudiki pavanakomana vake vese kuti ave mambo panzvimbo yake, nekuti boka revapambi iro rainge rauya kumusasa nevaArabhu rakanga rauraya vakoma vake vese.+ Saka Ahaziya mwanakomana waJehoramu akatanga kutonga samambo weJudha.+  Ahaziya aiva nemakore 22 paakava mambo, uye akatonga kwegore rimwe chete muJerusarema. Amai vake vainzi Atariya,+ vari muzukuru* waOmri.+  Akafambawo nenzira dzeimba yaAhabhi,+ nekuti amai vake ndivo vaimufurira kuita zvakaipa.  Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvaiitwa neveimba yaAhabhi, nekuti ndivo vaimupa mazano baba vake pavakanga vafa, zvikazoita kuti aparare.  Akateerera zano ravo, akaenda naJehoramu mwanakomana waMambo Ahabhi weIsraeri kunorwa naMambo Hazaeri+ weSiriya kuRamoti-giriyedhi,+ uye Jehoramu akakuvadzwa nevanopfura neuta ikoko.  Akadzokera kuJezreeri+ kuti apore maronda avakanga vamukuvadza kuRama paakarwa naMambo Hazaeri weSiriya.+ Ahaziya* mwanakomana waJehoramu+ mambo weJudha akadzika kuJezreeri kuti anoona Jehoramu+ mwanakomana waAhabhi, nekuti akanga akuvadzwa.*+  Asi Mwari akaita kuti Ahaziya aparare nekuenda kwaakaita kuna Jehoramu; uye paakasvika, akaenda naJehoramu kunosangana naJehu+ muzukuru* waNimshi, uyo akanga azodzwa naJehovha kuti aparadze imba yaAhabhi.+  Jehu paakatanga kuita zvakanga zvatongwa pamusoro peimba yaAhabhi, akawana machinda eJudha nevanakomana vehama dzaAhaziya, vashandi vaAhaziya, akavauraya.+  Akabva atsvaga Ahaziya; vakamutora paakanga akahwanda muSamariya, vakaenda naye kuna Jehu. Vakabva vamuuraya vakamuviga,+ nekuti vakati: “Iye muzukuru waJehoshafati, uyo akatsvaga Jehovha nemwoyo wake wese.”+ Hapana weimba yaAhaziya aiva nesimba rekutora umambo hwacho. 10  Atariya+ amai vaAhaziya pavakaona kuti mwanakomana wavo akanga afa, vakasimuka, vakaparadza veimba yeumambo yekwaJudha vese.*+ 11  Zvisinei, Jehoshabheyati mwanasikana wamambo akatora Jehoashi+ mwanakomana waAhaziya, akamuba pakati pevanakomana vamambo vakanga vachizourayiwa, akamuisa iye nemureri wake muimba yekurara yaiva mukati. Jehoshabheyati mwanasikana waMambo Jehoramu+ (aiva mudzimai wemupristi Jehoyadha,+ ari hanzvadzi yaAhaziya) akakwanisa kuramba akamuviga kuti asaonekwa naAtariya, saka haana kumuuraya.+ 12  Jehoashi akaramba ainavo kwemakore 6 akahwandiswa paimba yaMwari wechokwadi, Atariya paakanga achitonga nyika.

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “mwanasikana.”
Zvimwe zvinyorwa zvechiHebheru zvinoti “Azariya.”
Kana kuti “achirwara.”
ChiHeb., “mwanakomana.”
ChiHeb., “mbeu yese yeumambo yekwaJudha.”