Bhuku Rechipiri reMakoronike 23:1-21

  • Jehoyadha anopindira; Jehoashi anoitwa mambo (1-11)

  • Atariya anourayiwa (12-15)

  • Jehoyadha anogadzirisa zvinhu (16-21)

23  Mugore rechi7, Jehoyadha akaratidza ushingi, akaita chibvumirano* nevakuru vemazana+ vaiti, Azariya mwanakomana waJerohamu, Ishmaeri mwanakomana waJehohanani, Azariya mwanakomana waObhedhi, Maaseya mwanakomana waAdhaya, naErishafati mwanakomana waZikri.  Vakabva vatenderera neJudha yese, vakaunganidza vaRevhi+ kubva mumaguta ese eJudha nevakuru vedzimba dzemadzibaba evaIsraeri. Pavakasvika kuJerusarema,  ungano yese yakaita sungano+ namambo muimba yaMwari wechokwadi, Jehoyadha achibva ati kwavari: “Inzwai! Mwanakomana wamambo achatonga, sezvakavimbiswa naJehovha pamusoro pevanakomana vaDhavhidhi.+  Izvi ndizvo zvamunofanira kuita: Munofanira kuisa vapristi nevaRevhi vanenge vari pabasa+ paSabata mumapoka matatu. Rimwe boka richachengeta pamasuo;+  rimwe richava paimba yamambo,*+ uye rimwe richava paGedhi reNheyo, uye vanhu vese vachava muzvivanze zveimba yaJehovha.+  Musarega chero munhu achipinda muimba yaJehovha kunze kwevapristi nevaRevhi vari kushumira.+ Ava vanobvumidzwa kupinda nekuti ivo iboka dzvene, uye vanhu vese vachaita zvavanotarisirwa naJehovha kuti vaite.  VaRevhi vanofanira kukomba mambo kumativi ese, mumwe nemumwe akabata zvombo zvake. Kana pakava nemunhu anopinda mumba macho anofanira kuurayiwa. Rambai muina mambo kwese kwaanoenda.”*  VaRevhi nevaJudha vese vakaita zvese zvakanga zvarayirwa nemupristi Jehoyadha. Saka mumwe nemumwe akatora varume vake vaiva pabasa paSabata, pamwe chete nevaya vakanga vasiri pabasa paSabata,+ nekuti mupristi Jehoyadha akanga asina kubvumira mapoka+ acho kubva pabasa.  Mupristi Jehoyadha akabva apa vakuru vemazana+ mapfumo nenhoo diki,* nenhoo dzeraundi izvo zvaiva zvaMambo Dhavhidhi,+ zvaiva muimba yaMwari wechokwadi.+ 10  Akabva aita kuti vanhu vese vamire, mumwe nemumwe akabata chombo chake,* kubva kudivi rerudyi reimba kusvika kudivi reruboshwe reimba yacho, pedyo neatari uye pedyo neimba, vakakomberedza mambo. 11  Vakabva vabudisa mwanakomana wamambo,+ vakamupfekedza korona uye vakaisa Chipupuriro*+ paari, vakamugadza kuti ave mambo, uye Jehoyadha nevanakomana vake vakamuzodza. Vakabva vati: “Mambo ngaarambe achirarama!”+ 12  Atariya paakanzwa ruzha rwevanhu vaimhanya vachirumbidza mambo, akabva angoenda kwaiva nevanhu kuimba yaJehovha.+ 13  Akabva aona mambo amire pedyo nembiru yake ari panopindwa napo. Mambo aiva nemachinda+ nevaridzi vemabhosvo, uye vanhu vese vemunyika yacho vakanga vachipembera nemufaro,+ vachiridza mabhosvo, uye vaimbi vane zviridzwa vaitungamirira* pakurumbidza kwacho. Atariya akabva abvarura nguo dzake akashevedzera achiti: “Ndapandukirwa! Ndapandukirwa!” 14  Asi mupristi Jehoyadha akabudisa vakuru vemazana, vaya vakagadzwa kuti vatungamirire uto, akati kwavari: “Mubvisei pakati pemauto, uye kana pakava neanomutevera, muurayei nebakatwa!” Nekuti mupristi akanga ati: “Musamuurayira muimba yaJehovha.” 15  Saka vakamubata, uye paakasvika paipindwa napo, paGedhi Remabhiza reimba yamambo,* vakabva vamuurayira ipapo. 16  Jehoyadha akabva aita sungano nevanhu vese namambo yekuti vaizoramba vari vanhu vaJehovha.+ 17  Pashure paizvozvo, vanhu vese vakaenda kuimba* yaBhaari vakaiputsa,+ uye vakapwanya-pwanya atari dzake nemifananidzo yake,+ vakaurayira Metani mupristi waBhaari+ pamberi peatari dzacho. 18  Jehoyadha akabva agadza vapristi nevaRevhi kuti vatungamirire paimba yaJehovha, vaya vakanga vaiswa mumapoka naDhavhidhi kuti vashande paimba yaJehovha vachipa zvibayiro zvinopiswa zvaJehovha+ maererano nezvakanyorwa muMutemo waMozisi,+ vachifara chaizvo uye vachiimba, sezvakarayirwa naDhavhidhi. 19  Akaisawo varindi pamagedhi+ eimba yaJehovha kuti pasatombova nemunhu asina kuchena anopinda. 20  Akabva atora vakuru vemazana,+ nevakuru vakuru, nevatongi vevanhu, nevanhu vese vemunyika yacho, vakaperekedza mambo kubva kuimba yaJehovha. Vakabva vaenda kuimba yamambo nepagedhi rekumusoro, vakaita kuti mambo agare pachigaro cheumambo.+ 21  Saka vanhu vese vemunyika yacho vakafara chaizvo uye guta rakava nerunyararo, nekuti vakanga vauraya Atariya nebakatwa.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “sungano.”
Kana kuti “pamuzinda wamambo.”
ChiHeb., “paanobuda nepaanopinda.”
Nhoo iyi yaiwanzotakurwa nevanopfura neuta.
Kana kuti “chombo chake chinoita zvekukandwa.”
Zvichida iri raiva gwaro raiva neMutemo waMwari.
Kana kuti “vaipa chiratidzo.”
Kana kuti “remuzinda wamambo.”
Kana kuti “kutemberi.”