Bhuku Rechipiri reMakoronike 24:1-27

  • Kutonga kwaJehoashi (1-3)

  • Jehoashi anogadziridza temberi (4-14)

  • Jehoashi anotsauka (15-22)

  • Jehoashi anourayiwa (23-27)

24  Jehoashi aiva nemakore 7 paakava mambo,+ uye akatonga kwemakore 40 muJerusarema. Amai vake vainzi Zibhiya uye vaiva vekuBheeri-shebha.+  Jehoashi akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha mazuva ese emupristi Jehoyadha.+  Jehoyadha akamusarudzira madzimai maviri, uye akava nevanakomana nevanasikana.  Pashure peizvi, Jehoashi akava nechido mumwoyo make chekugadziridza imba yaJehovha.+  Saka akaunganidza vapristi nevaRevhi, akati kwavari: “Endai kumaguta eJudha muunganidze mari kubva kuvaIsraeri vese yekugadzirisa imba yaMwari+ wenyu gore negore; uye munofanira kuita zvekukurumidza panyaya iyi.” Asi vaRevhi havana kuita zvinhu nekukurumidza.+  Saka mambo akashevedza Jehoyadha mupristi mukuru, akati kwaari:+ “Nei usina kuita kuti vaRevhi vaunze mutero mutsvene kubva kuJudha nekuJerusarema, uyo wakarayirwa naMozisi+ muranda waJehovha, mutero mutsvene weungano yaIsraeri, wetende reChipupuriro?+  Nekuti vanakomana vaAtariya,+ mukadzi uya akaipa, vakapinda nechisimba muimba yaMwari wechokwadi,+ uye vakashandisa zvinhu zvese zvitsvene zveimba yaJehovha pakunamata vanaBhaari.”  Pakabva pagadzirwa bhokisi+ sezvakanga zvarayirwa namambo rikaiswa kunze, pagedhi reimba yaJehovha.+  Pashure paizvozvo, shoko rakabva raziviswa muJudha yese nemuJerusarema kuti vaunzire Jehovha mutero mutsvene+ wakanga warayirwa vaIsraeri murenje naMozisi muranda waMwari wechokwadi. 10  Machinda ese nevanhu vese vakafara chaizvo,+ uye vakaramba vachiunza mipiro vachiiisa mubhokisi kusvikira razara.* 11  Pese paiuya vaRevhi vaine bhokisi kuti ripiwe mambo, pavaiona kuti mava nemari yakawanda, munyori wamambo nemubatsiri wemutungamiriri wevapristi vaiuya vokutura zvaiva mubhokisi,+ vobva varidzorera panzvimbo yaro. Ndizvo zvavaiita zuva nezuva, uye vakaunganidza mari zhinji. 12  Mambo naJehoyadha vaibva vaipa vanhu vaitungamirira basa repaimba yaJehovha, uye vaibhadhara vanhu vaicheka matombo nemhizha kuti vagadziridze imba yaJehovha,+ nevapfuri vesimbi nemhangura kuti vagadziridze imba yaJehovha. 13  Vaya vaitungamirira basa racho vakaita kuti basa ritange uye basa rekugadziridza imba yacho rakaenderera mberi vachiritungamirira, uye vakaita kuti imba yaMwari wechokwadi idzokere pane zvayainge yakamboita, vakaisimbisa. 14  Pavakangopedza, vakaunza mari yakanga yasara kuna mambo naJehoyadha, uye vakaishandisa kugadzira midziyo yeimba yaJehovha, midziyo yaishandiswa pakushumira uye pakupa mipiro, makapu, nemidziyo yegoridhe neyesirivha.+ Uye vaigara vachipa zvibayiro zvinopiswa+ paimba yaJehovha mazuva ese aJehoyadha. 15  Jehoyadha paakanga akwegura uye agutswa nemakore, akafa. Akafa aine makore 130. 16  Saka vakamuviga muGuta raDhavhidhi pamwe chete nemadzimambo,+ nekuti akanga aita zvakanaka muIsraeri+ pazvinhu zvine chekuita naMwari wechokwadi neimba yake. 17  Pashure pekufa kwaJehoyadha, machinda eJudha akauya akakotama pamberi pamambo, uye mambo akaateerera. 18  Vakasiya imba yaJehovha Mwari wemadzitateguru avo, vakatanga kushumira mapango anoyera* nezvidhori, zvikaita kuti kutsamwa kwaMwari kuuye* paJudha neJerusarema pamusana pemhosva yavo. 19  Akaramba achituma vaprofita pakati pavo kuti vavadzose kuna Jehovha, uye vakaramba vachivayambira, asi havana kuteerera.+ 20  Mweya waMwari wakauya pana Zekariya mwanakomana wemupristi Jehoyadha,+ akamira pamberi pevanhu ari pakakwirira, akati kwavari: “Zvanzi naMwari wechokwadi, ‘Sei muri kutyora mirayiro yaJehovha? Hamusi kuzobudirira! Zvamakasiya Jehovha, iye achakusiyaiwo.’”+ 21  Asi vakamupandukira+ uye vakamutema nematombo muchivanze cheimba yaJehovha+ vachitevera murayiro wamambo. 22  Saka Mambo Jehoashi haana kuyeuka rudo rusingachinji rwaakanga aratidzwa nababa vake* Jehoyadha, uye akauraya mwanakomana wake, uyo akataura paakanga ava kufa, kuti: “Jehovha ngaaone, akutonge.”+ 23  Pakutanga kwegore, uto reSiriya rakauya kuzorwisa Jehoashi, uye vakapinda nechisimba muJudha nemuJerusarema.+ Vakabva vauraya machinda ese+ evanhu, uye vakatumira zvinhu zvese zvavakapamba kuna mambo weDhamasiko. 24  Nekuti kunyange zvazvo uto reSiriya raiva nevarume vashoma parakapinda nechisimba, Jehovha akaisa uto guru kwazvo+ muruoko rweuto racho, nekuti vakanga vasiya Jehovha Mwari wemadzitateguru avo; saka vakaitira* Jehoashi zvakanga zvatongwa. 25  Pavakamusiya (nekuti vakamusiya akuvara zvakaipisisa*), vashandi vake vakamupandukira nekuti akanga adeura ropa revanakomana* vemupristi Jehoyadha.+ Vakamuurayira pamubhedha wake.+ Saka akafa uye vakamuviga muGuta raDhavhidhi,+ asi havana kumuviga munzvimbo yemakuva emadzimambo.+ 26  Ava ndivo vakamupandukira:+ Zabhadhi mwanakomana waShimeyati mukadzi wechiAmoni naJehozabhadhi mwanakomana waShimriti mukadzi wechiMoabhi. 27  Kana vari vanakomana vake, nemitongo yakawanda yakataurwa pamusoro pake,+ nekugadziridzwa* kweimba yaMwari wechokwadi,+ zvese izvi zvakanyorwa muzvinyorwa zveBhuku* reMadzimambo. Uye mwanakomana wake Amaziya akava mambo panzvimbo yake.

Mashoko Emuzasi

Dzimwe shanduro dzinoti, “kusvikira vese vapa.”
ChiHeb., “pave nekutsamwa.”
Kureva, baba vaZekariya.
Kureva, vaSiriya.
Kana kuti “aine zvirwere zvakawanda.”
Kana kuti “mwanakomana.” Zvichida paiswa muuzhinji zvichiratidza kuti aiva munhu akanaka chaizvo.
ChiHeb., “nekugadzirwa kwenheyo.”
Kana kuti “mududziro yeBhuku.”