Bhuku Rechipiri reMakoronike 25:1-28

  • Amaziya, mambo weJudha (1-4)

  • Hondo neEdhomu (5-13)

  • Kunamata zvidhori kwaAmaziya (14-16)

  • Hondo naJehoashi Mambo weIsraeri (17-24)

  • Kufa kwaAmaziya (25-28)

25  Amaziya aiva nemakore 25 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 29 muJerusarema. Amai vake vaiva vemuJerusarema uye vainzi Jehoadhani.+  Akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha, asi mwoyo wake wakanga usina kunyatsozvipira.  Paakangosimbisa umambo hwake, akauraya varanda vake vakanga vauraya mambo, ivo baba vake.+  Asi haana kuuraya vanakomana vavo, nekuti akaita zvakanyorwa muMutemo, mubhuku raMozisi, umo Jehovha akarayira kuti: “Vanababa havafaniri kufira mhosva yevanakomana vavo, uyewo vanakomana havafaniri kufira mhosva yavanababa vavo; asi mumwe nemumwe anofanira kufira chivi chake.”+  Amaziya akaunganidza vaJudha, akaita kuti vamire maererano nedzimba dzemadzibaba, maererano nevakuru vezviuru uye maererano nevakuru vemazana pavaJudha vese nevaBenjamini.+ Akavanyora kubvira pane vaiva nemakore 20 zvichikwira,+ akawana kuti paiva nevarwi 300 000 vainge vakadzidziswa hondo* kuti vapinde muuto, vachikwanisa kurwa nepfumo nenhoo huru.  Akabhadharawo vaIsraeri matarenda* 100 esirivha, akapiwa varwi 100 000 vaiva nesimba.  Asi munhu waMwari wechokwadi akauya kwaari, akati: “Haiwa mambo, musarega uto revaIsraeri richienda nemi, nekuti Jehovha haasi pakati pevaIsraeri,+ haasi pakati pevaEfremu vese.  Asi endai mega, muone zvekuita, uye ivai neushingi pakurwa. Kana mukasadaro Mwari wechokwadi angaita kuti muwe pamberi pemuvengi, nekuti Mwari ane simba rekubatsira+ nerekuita kuti munhu awe.”  Amaziya akabva ati kumunhu waMwari wechokwadi: “Ko matarenda 100 andakapa mauto evaIsraeri?” Munhu waMwari wechokwadi akati: “Jehovha anokwanisa kukupai zvakatowanda kupfuura ipapo.”+ 10  Saka Amaziya akadzosa varwi vakanga vauya kwaari vachibva kwaEfremu, akaita kuti vaende kudzimba dzavo. Asi ivo vakatsamwira Judha zvikuru, saka vakadzokera kudzimba dzavo vakatsamwa kwazvo. 11  Amaziya akabva ashinga, akaenda nevarwi vake kuBani reMunyu,+ uye akauraya varume 10 000 vekuSeiri.+ 12  Varume veJudha vakabata vanhu 10 000 vari vapenyu. Vakabva vaenda navo pamusoro pedombo guru, vakavakanda kubva pamusoro pedombo racho, uye vese zvavo vakasara vava zvidimbu zvidimbu. 13  Asi varwi vakanga vadzoswa naAmaziya kuti varege kuenda naye kuhondo+ vakanga vachipamba mumaguta eJudha, kubva kuSamariya+ kusvika kuBheti-horoni.+ Vakauraya vanhu 3 000 vemo, vakapamba zvinhu zvakawanda. 14  Asi Amaziya paakadzoka kubva kunouraya vaEdhomu, akauya navanamwari vevarume vekuSeiri, akavaita vanamwari vake,+ akatanga kukotama pamberi pavo, achivakwidzira utsi hwezvibayiro. 15  Saka Jehovha akatsamwira Amaziya chaizvo, uye akamutumira muprofita, akati kwaari: “Nei uri kutevera vanamwari vemamwe marudzi vasina kununura vanhu vavo muruoko rwako?”+ 16  Paaitaura naye, mambo akati kwaari: “Takakugadza kuti uve chipangamazano wamambo here?+ Nyarara!+ Ndinogona kuita kuti uurayiwe izvozvi.” Muprofita wacho akabva anyarara, asi akati: “Ndinoziva kuti Mwari asarudza kukuparadzai pamusana pezvamaita izvi uye nekuti hamuna kuteerera zano rangu.”+ 17  Pashure pekubvunza vanachipangamazano vake, Mambo Amaziya weJudha akatumira shoko kuna Jehoashi mwanakomana waJehoahazi mwanakomana waJehu mambo weIsraeri, achiti: “Uya tirwisane.”*+ 18  Mambo Jehoashi weIsraeri akatumira shoko kuna Mambo Amaziya weJudha, achiti: “Utumbambeva* hwemuRebhanoni hwakatumira shoko kumuti wemusidhari wemuRebhanoni, huchiti, ‘Ipa mwanakomana wangu mwanasikana wako kuti ave mudzimai wake.’ Asi imwe mhuka yesango yemuRebhanoni yakapfuura nepo ikatsika-tsika utumbambeva hwacho. 19  Wakati, ‘Onai ndakaparadza* Edhomu.’+ Saka mwoyo wako wava kuzvikudza, uchitsvaga kukudzwa. Asi iye zvino gara mumba mako.* Unodirei kutsvaga dambudziko woparara, iwe pamwe chete nevaJudha?” 20  Asi Amaziya haana kuteerera,+ nekuti izvi zvakabva kuna Mwari wechokwadi kuti avaise muruoko rwemuvengi,+ nekuti vakanga vatevera vanamwari veEdhomu.+ 21  Saka Mambo Jehoashi weIsraeri akaenda, uye akarwisana naMambo Amaziya weJudha paBheti-shemeshi+ yeJudha. 22  Judha yakakundwa neIsraeri, saka mumwe nemumwe akatizira kumba kwake.* 23  Mambo Jehoashi weIsraeri akabata Mambo Amaziya weJudha mwanakomana waJehoashi mwanakomana waJehoahazi* kuBheti-shemeshi. Akabva aenda naye kuJerusarema, akaputsa rusvingo rweJerusarema, kubva paGedhi raEfremu+ kusvika kuGedhi Repakona,+ makubhiti 400.* 24  Akatora goridhe rese nesirivha nemidziyo yese yaiva muimba yaMwari wechokwadi izvo zvaiva* naObhedhi-edhomu nezvaiva maichengeterwa pfuma yeimba yamambo,+ uye akatorawo vasungwa. Akabva adzokera kuSamariya. 25  Amaziya+ mwanakomana waJehoashi mambo weJudha akararama kwemakore 15 pashure pekufa kwaJehoashi+ mwanakomana waJehoahazi mambo weIsraeri.+ 26  Kana iri nhoroondo yese yaAmaziya, kubva kwainotangira kusvika kwainoperera, haina kunyorwa here muBhuku reMadzimambo eJudha neIsraeri? 27  Kubvira panguva yakatsauka Amaziya pakutevera Jehovha, vakamupandukira+ muJerusarema, achibva atizira kuRakishi, asi vakatuma varume vakamutevera kuRakishi, vakamuurayira ikoko. 28  Saka vakamutakura nemabhiza vakadzoka naye, uye vakamuviga pamwe chete nemadzitateguru ake muguta raJudha.

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “vakasarudzwa.”
Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “tisangane chiso nechiso.”
Izvi zvakaita semasora uye zvine minzwa.
ChiHeb., “wakaparadza.”
Kana kuti “mumuzinda wako.”
ChiHeb., “kumatende ake.”
Mamita anenge 178. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Anonziwo Ahaziya.
Kana kuti “zvaichengetwa.”