Bhuku Rechipiri reMakoronike 26:1-23

  • Uziya, mambo weJudha (1-5)

  • Hondo dzakarwiwa naUziya (6-15)

  • Uziya anorohwa nemaperembudzi nekuti anozvikudza (16-21)

  • Kufa kwaUziya (22, 23)

26  Vanhu vese veJudha vakabva vatora Uziya,+ uyo aiva nemakore 16, vakamugadza kuva mambo panzvimbo yababa vake Amaziya.+  Akavakazve Eroti,+ akaidzorera kuna Judha pashure pekunge mambo* aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake.+  Uziya+ aiva nemakore 16 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 52 muJerusarema. Amai vake vaiva vemuJerusarema uye vainzi Jekoriya.+  Akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake Amaziya.+  Uye akaramba achitsvaga Mwari mumazuva aZekariya, uyo akamudzidzisa kutya Mwari wechokwadi. Panguva yaaitsvaga Jehovha, Mwari wechokwadi akaita kuti abudirire.+  Akabuda akanorwa nevaFiristiya,+ akaputsa rusvingo rweGati,+ nerusvingo rweJabhune,+ nerusvingo rweAshdhodhi+ achipinda mumaguta acho. Akabva avaka maguta munharaunda yeAshdhodhi neyevaFiristiya.  Mwari wechokwadi akaramba achimubatsira kurwisa vaFiristiya, nevaArabhiya+ vaigara muGubhaari, nevaMeunimu.  VaAmoni+ vakatanga kubhadhara mutero kuna Uziya. Nekufamba kwenguva mukurumbira wake wakasvika kuIjipiti, nekuti akava nesimba guru kwazvo.  Uziya akavakawo shongwe+ muJerusarema pedyo neGedhi Repakona,+ Gedhi rekuBani,+ nepaChitsigiso cheRusvingo, akadzisimbisa. 10  Akavakawo shongwe+ murenje, uye akachera* migodhi yemvura yakawanda (nekuti aiva nezvipfuwo zvakawanda chaizvo); ndizvo zvaakaitawo muShefera nemunyika yakati sandara. Aiva nevarimi nevashandi vemuminda yemizambiringa vaiva mumakomo nemuKameri, nekuti aida zvekurima. 11  Uziya akavawo neuto rainge rakagadzirira hondo. Vaibuda vachienda kunorwa vakarongwa mumapoka. Vakaverengwa vakanyorwa+ nemunyori Jeyieri+ nemutariri Maaseya, avo vaitungamirirwa naHananiya mumwe wemachinda amambo. 12  Vakuru vese vedzimba dzemadzibaba, avo vaitungamirira varwi ava vaiva nesimba, vaiva 2 600. 13  Uto raiva nezvombo ravaitungamirira raiva nevarume 307 500 vakagadzirira kurwa, uye raiva uto rine simba rekubatsira mambo pakurwisa muvengi.+ 14  Uziya akapa uto racho rese nhoo, mapfumo,+ ngowani, nguo dzesimbi,+ uta, nematombo ezvipfuramabwe.+ 15  Akagadzirawo michina yehondo muJerusarema, yakafungwa nemainjiniya. Michina yacho yakaiswa pashongwe+ nepamakona emasvingo uye yaikwanisa kupfura miseve nekupotsera matombo makuru. Saka mukurumbira wake wakasvika kure chaizvo, nekuti akawana rubatsiro rwakakura, akava nesimba. 16  Zvisinei, paakangova nesimba, mwoyo wake wakazvikudza zvikaita kuti aparare uye akaita zvisina kutendeka pamberi paJehovha Mwari wake, nekupinda kwaakaita mutemberi yaJehovha kuti apise rusenzi paatari yerusenzi.+ 17  Mupristi Azariya pamwe chete nevamwe vapristi vaJehovha 80 vainge vakashinga vakabva vapinda mukati vachimutevera. 18  Vakaenda pana Mambo Uziya vakati kwaari: “Imi Mambo Uziya hamufaniri kupisira Jehovha rusenzi!+ Vapristi chete ndivo vanofanira kupisa rusenzi, nekuti ndivo vazukuru vaAroni,+ vaya vakatsveneswa. Budai munzvimbo tsvene, nekuti maita zvisina kutendeka, uye Jehovha Mwari haasi kuzokukudzai nezvamaita.” 19  Asi Uziya, uyo ainge akabata mudziyo wekupisira zvinonhuhwirira kuti apise rusenzi, akatsamwa chaizvo;+ uye panguva yaakanga akatsamwira vapristi, akazara maperembudzi+ pahuma yake ari pamberi pevapristi muimba yaJehovha pedyo neatari yerusenzi. 20  Azariya mutungamiriri wevapristi nevamwe vapristi vese pavakamutarisa, vakaona kuti ainge arohwa nemaperembudzi pahuma yake! Saka vakakurumidza kumubudisa imomo, naiyewo akabuda nekukurumidza, nekuti Jehovha akanga amurova. 21  Mambo Uziya akaramba aine maperembudzi kusvikira pazuva raakafa, uye akaramba achigara muimba yake ega sezvo aiva nemaperembudzi,+ nekuti akanga asisabvumirwi kuenda kuimba yaJehovha. Mwanakomana wake Jotamu ndiye aitungamirira imba yamambo,* achitonga vanhu vemunyika yacho.+ 22  Imwe nhoroondo yese yaUziya, kubva kwainotangira kusvika kwainoperera, yakanyorwa nemuprofita Isaya+ mwanakomana waAmozi. 23  Uziya akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, uye vakamuviga pamwe chete nemadzitateguru ake, asi mumunda wemakuva emadzimambo, nekuti vakati: “Ane maperembudzi.” Uye mwanakomana wake Jotamu+ akava mambo panzvimbo yake.

Mashoko Emuzasi

Kureva, baba vake Amaziya.
Kana kuti “akaboora,” anofanira kunge aizviita pamatombo.
Kana kuti “muzinda wamambo.”