Bhuku Rechipiri reMakoronike 27:1-9

  • Jotamu, mambo weJudha (1-9)

27  Jotamu+ aiva nemakore 25 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 16 muJerusarema. Amai vake vainzi Jerushaa, mwanasikana waZadhoki.+  Akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha sezvakanga zvaitwa nababa vake Uziya,+ asi iye haana kuzopinda mutemberi yaJehovha+ nechisimba. Zvisinei vanhu vakanga vachiri kuita zvakaipa.  Akavaka gedhi rekumusoro reimba yaJehovha,+ uye akaitawo basa guru rekuvaka parusvingo rweOferi.+  Akavakawo maguta+ munyika ine makomo yaJudha,+ uye akavaka nhare*+ neshongwe+ mumasango.  Akarwa namambo wevaAmoni,+ uye akazovakunda, zvekuti mugore iroro vaAmoni vakamupa matarenda* 100 esirivha, nemakori* 10 000 egorosi, ne10 000 ebhari. VaAmoni vakamubhadharawo zvinhu izvi gore rechipiri nerechitatu.+  Saka Jotamu akaramba achiwedzera kuva nesimba, nekuti akazvipira kufamba munzira dzaJehovha Mwari wake.  Kana iri nhoroondo yese yaJotamu, kurwa kwake kwese uye nzira dzake, zvakanyorwa muBhuku reMadzimambo eIsraeri neeJudha.+  Aiva nemakore 25 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 16 muJerusarema.+  Jotamu akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, uye vakamuviga muGuta raDhavhidhi.+ Uye mwanakomana wake Ahazi akava mambo panzvimbo yake.+

Mashoko Emuzasi

Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kori uwandu hwaizadza midziyo 10 yemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.