Bhuku Rechipiri reMakoronike 29:1-36

  • Hezekiya, mambo weJudha (1, 2)

  • Hezekiya anogadzirisa zvinhu (3-11)

  • Temberi inocheneswa (12-19)

  • Basa repatemberi rinotangazve (20-36)

29  Hezekiya+ akava mambo aine makore 25, uye akatonga kwemakore 29 muJerusarema. Amai vake vainzi Abhija mwanasikana waZekariya.+  Akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha+ sezvakanga zvaitwa natateguru vake Dhavhidhi.+  Mugore raakatanga kutonga, mumwedzi wekutanga, akavhura masuo eimba yaJehovha akaagadziridza.+  Akabva aunza vapristi nevaRevhi akavaunganidza panzvimbo yakanga isina chinhu kumabvazuva.  Akati kwavari: “Inzwai imi vaRevhi. Zvitsvenesei+ iye zvino, mutsvenese imba yaJehovha Mwari wemadzitateguru enyu, mubvise zvisina kuchena munzvimbo tsvene.+  Nekuti vanababa vedu havana kutendeka uye vakaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wedu.+ Vakamusiya, vakaita kuti zviso zvavo zvifuratire tebhenekeri yaJehovha, uye vakamupira makotsi.+  Vakavharawo masuo evharanda+ uye vakadzima marambi.+ Vakamira kupisa rusenzi+ nekupa zvibayiro zvinopiswa+ munzvimbo tsvene kuna Mwari waIsraeri.  Saka Jehovha akatsamwira Judha neJerusarema,+ akavaita chinhu chinotyisa uye chinokatyamadza uye chinhu chinoridzisa vanhu muridzo,* sezvamuri kuona nemaziso enyu.+  Onai, madzitateguru edu akaurayiwa nebakatwa,+ uye vanakomana vedu, nevanasikana vedu, nemadzimai edu vakatapwa nemhaka yeizvi.+ 10  Zvino ndine chido mumwoyo mangu chekuti ndiite sungano naJehovha Mwari waIsraeri,+ kuti kutsamwa kwake kukuru kubve patiri. 11  Vanakomana vangu, ino haisi nguva yekurega kuita basa renyu,* nekuti ndimi makasarudzwa naJehovha kuti mumire pamberi pake, kuti mumushumire+ uye muite kuti zvibayiro zvake zvipfungaire.”+ 12  Saka vaRevhi vakabva vasimuka: Mahati mwanakomana waAmasai naJoeri mwanakomana waAzariya vekuvaKohati;+ kuvaMerari,+ Kishi mwanakomana waAbdhi naAzariya mwanakomana waJeharereri; kuvaGeshoni,+ Joa mwanakomana waZima naEdheni mwanakomana waJoa; 13  kuvanakomana vaErizafani, Shimri naJeueri; kuvanakomana vaAsafi,+ Zekariya naMataniya; 14  kuvanakomana vaHemani,+ Jehieri naShimei; kuvanakomana vaJedhutuni,+ Shemaya naUzieri. 15  Vakabva vaunganidza hama dzavo, vakazvitsvenesa, vakauya kuzochenesa imba yaJehovha, sezvakanga zvarayirwa namambo maererano nemashoko aJehovha.+ 16  Vapristi vakabva vapinda muimba yaJehovha kuti vaichenese, vakabudisa zvinhu zvese zvakanga zvisina kuchena zvavakawana mutemberi yaJehovha, vakazviendesa pachivanze+ cheimba yaJehovha. VaRevhi vakabva vazvitora vakaenda nazvo kunze kuBani reKidroni.+ 17  Saka vakatanga basa rekutsvenesa pazuva rekutanga remwedzi wekutanga, uye pazuva rechi8 remwedzi wacho vakasvika pavharanda raJehovha.+ Vakatsvenesa imba yaJehovha kwemazuva 8, uye vakapedza pazuva rechi16 remwedzi wekutanga. 18  Pashure paizvozvo vakapinda maiva naMambo Hezekiya, vakati: “Tachenesa imba yaJehovha yese, atari yekupisira zvibayiro+ nemidziyo yayo+ yese, netafura yezvingwa+ zvinoturikidzaniswa* nemidziyo yayo yese. 19  Uye midziyo yese yakabviswa naMambo Ahazi nguva yaaitonga, paaiita zvisina kutendeka,+ taigadzira tikaitsvenesa,+ uye iri pamberi peatari yaJehovha.” 20  Zvino Mambo Hezekiya akafumomuka, akaunganidza machinda eguta, vakaenda kuimba yaJehovha. 21  Vakaenda nemikono minomwe yemombe, nemakondohwe manomwe, nemakwayana makono manomwe, nenhongo nomwe kuti zvive chibayiro chechivi cheumambo, chenzvimbo tsvene, nechaJudha.+ Saka akaudza vapristi, ivo vazukuru vaAroni kuti vazvipisire paatari yaJehovha. 22  Vakabva vauraya mombe dzacho,+ uye vapristi vakatora ropa racho vakarisasa paatari;+ pashure paizvozvo vakauraya makondohwe vakasasa ropa racho paatari, uye vakauraya makwayana makono, vakasasa ropa racho paatari. 23  Vakazounza nhongo dzechibayiro chechivi pamberi pamambo neungano, vakaisa maoko avo padziri. 24  Vapristi vakadziuraya, vakapa chibayiro chechivi neropa radzo paatari, kuti vayananisire vaIsraeri vese, nekuti mambo akati chibayiro chinopiswa nechibayiro chechivi zvinofanira kuva zvevaIsraeri vese. 25  Munguva iyi, akaita kuti vaRevhi vamire paimba yaJehovha vaine zviridzwa zvesimbi dzinorovaniswa, nezviridzwa zvine tambo, neudimbwa,+ maererano nemurayiro waDhavhidhi+ newaGadhi+ muoni wamambo newemuprofita Natani,+ nekuti murayiro wacho wakabva kuna Jehovha achishandisa vaprofita vake. 26  Saka vaRevhi vakanga vakamira vaine zviridzwa zvaDhavhidhi, vapristi vaine mabhosvo.+ 27  Hezekiya akabva arayira kuti chibayiro chinopiswa chipiwe paatari.+ Pakatanga kupiwa chibayiro chinopiswa, rwiyo rwaJehovha rwakatanga pamwe chete nemabhosvo, zviridzwa zvaMambo Dhavhidhi weIsraeri zvichitungamirira. 28  Uye ungano yese yakakotama paiimbwa rwiyo mabhosvo achiridzwa kusvikira chibayiro chinopiswa chapera. 29  Pavakangopedza kupa chibayiro chacho, mambo nevanhu vese vaaiva navo vakapfugama, vakadzikisa misoro yavo. 30  Mambo Hezekiya nemachinda vakabva vaudza vaRevhi kuti varumbidze Jehovha nemashoko aDhavhidhi+ neemuoni Asafi.+ Saka vakarumbidza vachifara chaizvo, uye vakapfugama, vakadzikisa misoro yavo. 31  Hezekiya akabva ati: “Iye zvino zvamatsaurwa* kuti muite basa raJehovha, unzai zvibayiro nemipiro yekuonga kuimba yaJehovha.” Saka ungano yakatanga kuunza zvibayiro nemipiro yekuonga, uye munhu wese aiva nemwoyo unoda akaunza zvibayiro zvinopiswa.+ 32  Zvibayiro zvinopiswa zvakaunzwa neungano yacho zvaiva mombe 70, makondohwe 100, makwayana makono 200, zvese izvi zvaiva chibayiro chinopiswa kuna Jehovha,+ 33  uye mipiro mitsvene yaiva mombe 600 nemakwai 3 000. 34  Asi pakanga pasina vapristi vakakwana vekuvhiya zvibayiro zvinopiswa zvese, saka hama dzavo vaRevhi dzakavabatsira+ kusvikira basa rapera, uye kusvikira vapristi vazvitsvenesa,+ nekuti vaRevhi vakanga vakangwarira chaizvo* kupfuura vapristi panyaya yekuzvitsvenesa. 35  Paivawo nezvibayiro zvinopiswa+ zvakawanda chaizvo pamwe chete nemafuta ezvibayiro zverugare+ uyewo mipiro yezvinwiwa yezvibayiro zvinopiswa.+ Saka basa rakatangwazve* paimba yaJehovha. 36  Hezekiya nevanhu vese vakafara chaizvo nezvakanga zvaitirwa vanhu naMwari wechokwadi,+ nekuti zvese izvi zvakaitika nekukurumidza zvisingatarisirwi.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “uye chiseko.”
Kana kuti “yekuti muzorore.”
Kureva, zvingwa zvekuratidza.
ChiHeb., “zvamazadza ruoko rwenyu.”
ChiHeb., “vane mwoyo wakarurama.”
Kana kuti “rakagadzirirwa.”