Bhuku Rechipiri reMakoronike 3:1-17

  • Soromoni anotanga kuvaka temberi (1-7)

  • Imba Tsvenetsvene (8-14)

  • Mbiru mbiri dzemhangura (15-17)

3  Soromoni akabva atanga kuvaka imba yaJehovha+ muJerusarema muGomo reMoriya,+ umo Jehovha akanga azviratidza kuna baba vake Dhavhidhi,+ panzvimbo yakanga yagadzirwa naDhavhidhi paburiro raOrinani+ muJebhusi.  Akatanga kuvaka pazuva rechipiri remwedzi wechipiri, mugore rechina rekutonga kwake.  Faundesheni yeimba yaMwari wechokwadi yakaiswa naSoromoni yaiva yakareba makubhiti 60 yakafara makubhiti 20+ pachishandiswa kuyera kwekare.*  Vharanda raiva pamberi raiva rakareba makubhiti 20, rakaenzana nekufara kweimba yacho, uye rakanga rakakwirira 120;* uye akariisa goridhe rakanatswa+ mukati maro mese.  Akanamirira mapuranga emujunipa muimba huru, achibva azonamirira goridhe rakanatswa pamusoro,+ akazoishongedza nemifananidzo yemiti yemichindwe+ necheni.+  Akanamirirawo matombo anokosha akanaka+ muimba yacho yese; uye goridhe+ raakashandisa raibva kuPavhaimu.  Akanamirira goridhe+ paimba yacho, matanda ayo, zvidimbati,* madziro ayo, nemasuo ayo; uye akatemerera mifananidzo yemakerubhi pamadziro acho.+  Akabva avaka imba Tsvenetsvene+ mairi; urefu hwayo hwakanga hwakaenzana nekufara kweimba yacho, makubhiti 20, uye yaiva yakafara makubhiti 20. Akaiisa matarenda* 600 egoridhe rakanatswa.+  Uremu hwegoridhe rezvipikiri hwaiva mashekeri* 50; uye dzimba dzayo dzepadenga akadziisa goridhe. 10  Akabva agadzira mifananidzo yemakerubhi maviri muimba Tsvenetsvene, akaaisa goridhe ese.+ 11  Mapapiro emakerubhi+ acho ese pamwe chete aiva akareba makubhiti 20; bapiro rekerubhi rekutanga raiva rakareba makubhiti mashanu richinogumha kumadziro eimba yacho, uye rimwe bapiro raro raiva rakareba makubhiti mashanu richinogumha bapiro rerimwe kerubhi. 12  Bapiro rerimwe kerubhi raiva rakareba makubhiti mashanu richinogumha kune mamwe madziro eimba yacho, uye rimwe bapiro raro raiva rakareba makubhiti mashanu richinogumha bapiro rekerubhi rekutanga. 13  Mapapiro emakerubhi acho akanga akatambanudzwa uye aisvika makubhiti 20; uye akanga akamira netsoka dzawo akatarisa mukati.* 14  Akagadzirawo keteni+ achishandisa shinda yebhuruu, neshinda yepepuru, neshinda tsvuku, nejira rakanaka chaizvo, uye akamenda makerubhi pariri.+ 15  Akabva agadzira mbiru mbiri+ pamberi peimba yacho, dzakanga dzakareba makubhiti 35, uye musoro wembiru imwe neimwe waiva makubhiti mashanu.+ 16  Akagadzirawo cheni dzakaita sezvishongo zvemuhuro, akadziisa pamusoro pembiru dzacho, uye akagadzira mapomegraneti* 100, akaaisa pacheni dzacho. 17  Akamisa mbiru dzacho pamberi petemberi, imwe kurudyi,* imwe kuruboshwe;* akatumidza yekurudyi kuti Jakini* uye yekuruboshwe kuti Bhoazi.*

Mashoko Emuzasi

Kubhiti raishandiswa rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5 asi vamwe vanoti pakanzi “kuyera kwekare” pari kureva kubhiti refu rakanga rakaenzana nemasendimita 51,8. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Hazvizivikanwi kuti kukwirira kwacho kwaiyerwa pachishandiswei.
Kureva, pamusuo panotsikwa nevanhu kana vachipinda mumba.
Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kureva, Nzvimbo Tsvene.
Pomegraneti muchero wakada kuita mutsvuku uye unoratidzika seapuro. Vamwe vanouti chibage cheChirungu.
Kana kuti “kumaodzanyemba.”
Kana kuti “kuchamhembe.”
Kureva kuti “Ngaasimbise [kureva Jehovha] Kwazvo.”
Zvinogona kunge zvichireva kuti “Musimba.”