Bhuku Rechipiri reMakoronike 8:1-18

  • Zvimwe zvakavakwa naSoromoni (1-11)

  • Manamatiro epatemberi anorongwa (12-16)

  • Ngarava dzaSoromoni (17, 18)

8  Pakazopera makore 20, Soromoni akanga avaka imba yaJehovha neimba yake,*+  uye Soromoni akavakazve maguta aakanga apiwa naHiramu,+ akagarisa vaIsraeri* imomo.  Uyezve, Soromoni akaenda kuHamati-zobha akaitora.  Akabva avaka* Tadmori murenje nemaguta ese ekuchengetera zvinhu+ aakanga avaka muHamati.+  Uye akavakazve Bheti-horoni Yekumusoro+ neBheti-horoni Yezasi,+ maguta akakomberedzwa nemasvingo, aiva nemagedhi nemazariro,*  neBhaarati+ nemaguta ese aSoromoni ekuchengetera zvinhu, nemaguta ese engoro,+ nemaguta evatasvi vemabhiza, nezvinhu zvese zvaida kuvakwa naSoromoni muJerusarema, muRebhanoni nemunyika yese yaaitonga.  Asi kana vari vanhu vese vakanga vasara pavaHiti, vaAmori, vaPerizi, vaHivhi, nevaJebhusi,+ avo vakanga vasiri vaIsraeri,+  zvizvarwa zvavo izvo zvakanga zvasara munyika yacho, vaya vakanga vasina kuparadzwa nevaIsraeri,+ vakatorwa naSoromoni kuti vaite basa rekumanikidzwa kusvikira nhasi.+  Asi pavaIsraeri hapana vakaitwa varanda naSoromoni kuti vamushandire pabasa rake,+ nekuti vaiva varwi vake, vakuru vemakurukota ake, nevakuru vevatyairi vake vengoro nevevatasvi vake vemabhiza.+ 10  Mambo Soromoni aiva nevakuru 250 vevatariri, avo vaiva maforomani evanhu.+ 11  Soromoni akabvisawo mwanasikana waFarao+ muGuta raDhavhidhi akamuendesa kuimba yaakanga amuvakira,+ nekuti akati: “Kunyange ari mudzimai wangu, haafaniri kugara muimba yaMambo Dhavhidhi weIsraeri, nekuti nzvimbo dzakasvikwa neAreka yaJehovha itsvene.”+ 12  Uye Soromoni akapa zvibayiro zvinopiswa+ kuna Jehovha paatari+ yaJehovha yaakanga avaka pamberi pevharanda.+ 13  Aiita zvaifanira kuitwa zuva nezuva achipa mipiro maererano nemurayiro waMozisi pamusoro pemaSabata,+ pekugara kwemwedzi,+ nemitambo yakanzi iitwe katatu pagore,+ kureva Mutambo Wechingwa Chisina Mbiriso,+ Mutambo Wemavhiki,+ neMutambo Wematumba.+ 14  Akagadzawo mapoka evapristi+ kuti aite mabasa awo maererano nemurau wababa vake Dhavhidhi, nevaRevhi panzvimbo dzavo dzebasa, kuti varumbidze+ uye vashumire vari pamberi pevapristi sezvaifanira kuitwa zuva nezuva uye akagadza varindi vepamagedhi mumapoka avo pamagedhi akasiyana-siyana,+ nekuti ndizvo zvakanga zvarayirwa naDhavhidhi, munhu waMwari wechokwadi. 15  Havana kutsauka pamurayiro wamambo wakapiwa vapristi nevaRevhi pamusoro penyaya chero ipi zvayo kana pamusoro pematura. 16  Saka basa raSoromoni rese rakanga rakarongwa zvakanaka kubvira pazuva rakavakwa faundesheni+ yeimba yaJehovha kusvikira basa racho rapera. Saka imba yaJehovha yakapera.+ 17  Panguva iyoyo Soromoni akaenda kuEziyoni-gebheri+ nekuEroti+ kumahombekombe egungwa munyika yeEdhomu.+ 18  Hiramu+ akaita kuti varanda vake vamuendesere ngarava nevarume vaiziva nezvemugungwa. Vakaenda nevaranda vaSoromoni kuOfiri,+ vakatora goridhe+ raisvika matarenda* 450 vakauya naro kuna Mambo Soromoni.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “nemuzinda wake.”
ChiHeb., “vanakomana vaIsraeri.”
Kana kuti “avakazve.”
Zariro ibango kana kuti simbi yaishandiswa sechihuri.
Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.