Bhuku Rechipiri raSamueri 1:1-27
1 Pashure pekunge Sauro afa, uye Dhavhidhi adzoka kubva kunokunda* vaAmareki, Dhavhidhi akagara muZikragi+ kwemazuva maviri.
2 Pazuva rechitatu, mumwe murume akauya achibva kumusasa waSauro aine nguo dzakabvaruka, neguruva mumusoro. Paakasvika kuna Dhavhidhi, akabva apfugama, akadzikisa musoro wake.
3 Dhavhidhi akamubvunza kuti: “Uri kubva kupi?” Iye akati: “Ndatiza kumusasa wevaIsraeri.”
4 Dhavhidhi akamubvunza kuti: “Zvinhu zvafamba sei? Ndapota ndiudze.” Iye akati: “Vanhu vatiza kubva kuhondo uye vanhu vazhinji vafa. Sauro nemwanakomana wake Jonatani vafawo.”+
5 Dhavhidhi akabva ati kujaya rakauya nemashoko acho: “Wazviziva sei kuti Sauro nemwanakomana wake Jonatani vafa?”
6 Jaya racho rakapindura kuti: “Zvakangoitikawo kuti ndakanga ndiri muGomo reGiribhoa,+ uye ndakaona Sauro akazvitsigira nepfumo rake uye akanga atobatwa nengoro dzehondo nevatasvi vemabhiza.+
7 Paakatendeuka akandiona, akandishevedza ndikati, ‘Matii ishe wangu?’
8 Akandibvunza kuti, ‘Ndiwe ani?’ Ndikapindura kuti, ‘Ndiri muAmareki.’+
9 Akabva ati, ‘Ndapota huya kuno undiuraye, nekuti marwadzo angu anyanya, asi ndichiri mupenyu.’*
10 Saka ndakaenda pedyo naye ndikamuuraya,+ nekuti ndakaona kuti akanga asingazorarami pashure pekunge awira pasi akuvara. Ndakabva ndatora korona yaiva mumusoro make nechishongo chaakanga akapfeka muruoko rwake, uye ndauya nazvo kuno kunashe wangu.”
11 Dhavhidhi akabva abata nguo dzake akadzibvarura, uye varume vese vaaiva navo vakaitawo saizvozvo.
12 Vakaridza mhere vachichema uye vakatsanya+ kusvika manheru, nekuti Sauro, nemwanakomana wake Jonatani, nevanhu vaJehovha, nevaIsraeri vakawanda,+ vakanga vaurayiwa nebakatwa.
13 Dhavhidhi akabvunza jaya rakauya nemashoko acho kuti: “Unobvepi?” Iro rikati: “Ndiri mwanakomana wemutorwa, muAmareki.”
14 Dhavhidhi akabva ati kwariri: “Sei usina kutya kusimudza ruoko rwako kuti uuraye muzodziwa waJehovha?”+
15 Dhavhidhi akabva ashevedza mumwe wevarume vaaiva navo, akati: “Huya umuuraye.” Saka akamubaya akafa.+
16 Dhavhidhi akati kwaari: “Wazviurayisa wega,* nekuti muromo wako pachako wakupa mhosva pawati, ‘Ndini ndakauraya muzodziwa waJehovha.’”+
17 Dhavhidhi akabva aimba rwiyo urwu rwekuchema Sauro nemwanakomana wake Jonatani+
18 uye akati vanhu veJudha vadzidziswe rwiyo rwacho rwekuchema runonzi “Uta,” urwo rwakanyorwa mubhuku raJashari runoti:+
19 “Haiwa iwe Israeri, runako rwako rwaurayirwa munzvimbo dzako dzakakwirira.+
Varume vane simba vawa!
20 Musazvitaura muGati;+Musazvizivise mumigwagwa yeAshkeroni,Nekuti vanasikana vevaFiristiya vangafara,Nekuti vanasikana vevarume vasina kuchecheudzwa vangapembera nemufaro.
21 Imi makomo eGiribhoa,+Dova kana mvura ngazvirege kuva pamusoro penyu,Kana minda inoita kuti pave nemipiro mitsvene,+Nekuti nhoo yevane simba yakasvibiswa ipapo,Nhoo yaSauro haisisina kuzodzwa nemafuta.
22 Paropa revakaurayiwa, pamafuta evane simba,Uta hwaJonatani hwaisakundikana,+Uye bakatwa raSauro raisadzoka risina kubudirira.+
23 Sauro naJonatani,+ vaidiwa chaizvo uye vaikosheswa* pakurarama kwavo,Uye pakufa havana kuparadzaniswa.+
Vaimhanya kupfuura makondo,+Vaine simba kupfuura shumba.+
24 Haiwa vanasikana vaIsraeri, chemai Sauro,Uyo aikupfekedzai zvipfeko zvitsvuku nezvinhu zvakanaka kwazvo,Uye aiisa zvishongo zvegoridhe pazvipfeko zvenyu.
25 Chokwadi vane simba vafira muhondo!
Jonatani aurayiwa uye ati rabada pasi panzvimbo dzako dzakakwirira!+
26 Ndiri kunetseka chaizvo pamusoro pako, hama yangu Jonatani;Ndaikuda chaizvo.+
Madiro awaindiita aishamisa kupfuura rudo rwevakadzi.+
27 Chokwadi vane simba vawaUye zvombo zvehondo zvaparara!”
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “kunouraya.”
^ Kana kuti “asi ndichine mweya wangu wese.”
^ ChiHeb., “Ropa rako riri pamusoro wako.”
^ Kana kuti “vaifadza kuva navo.”