Bhuku Rechipiri raSamueri 10:1-19

  • Kukunda vaAmoni nevaSiriya (1-19)

10  Mambo wevaAmoni+ akazofa, uye mwanakomana wake Hanuni akava mambo panzvimbo yake.+  Dhavhidhi akabva ati: “Ndicharatidza rudo rusingachinji kuna Hanuni mwanakomana waNahashi, sekuratidzwa kwandakaitwa rudo rusingachinji nababa vake.” Saka Dhavhidhi akatuma varanda vake kuti vanomunyaradza nekuti akanga afirwa nababa vake. Asi varanda vaDhavhidhi pavakasvika munyika yevaAmoni,  machinda evaAmoni akati kuna Hanuni ishe wavo: “Munofunga kuti kutumira kwaita Dhavhidhi vanyaradzi kwamuri kukudza baba venyu here? Dhavhidhi haana kukutumirai varanda vake kuti vazoona zvakaita guta nekurisora* kuti variparadze here?”  Saka Hanuni akatora varanda vaDhavhidhi, akagera ndebvu dzavo divi rimwe chete rechiso,+ akadimbura nguo dzavo nepakati nechepamagaro avo, akavadzinga.  Dhavhidhi paakaudzwa nezvazvo, akabva angotumira varume kuti vanosangana navo, nekuti varume vacho vakanga vanyadziswa zvakanyanya; uye mambo akavaudza kuti: “Garai muJeriko+ kusvikira ndebvu dzenyu dzakura, mozodzoka henyu.”  Nekufamba kwenguva, vaAmoni vakaona kuti vakanga vava kuvengwa chaizvo naDhavhidhi, saka vaAmoni vakatumira vanhu kuti vanobhadhara vaSiriya vekuBheti-rehobhu+ nevaSiriya vekuZobha+ kuti vavabatsire kurwa, varwi 20 000 vaifamba netsoka; namambo weMaaka+ nevarume vake 1 000; uye varume 12 000 vekuIshtobhu.*+  Dhavhidhi paakanzwa nezvazvo, akatuma Joabhi neuto rese, kusanganisira varwi vake vaiva nesimba kupfuura vese.+  VaAmoni vakabva vabuda, vakaronga mauto avo pagedhi reguta, asi vaSiriya vekuZobha nevekuRehobhu, nevarwi vekuIshtobhu* nevekuMaaka vakanga vari kwavo vega musango.  Joabhi paakaona kuti mauto acho akanga achiuya kuzorwisana naye vamwe vari mberi vamwe vari shure, akasarudza vamwe vevarwi vaiva shasha dzekurwa muIsraeri akavaronga kuti varwe nevaSiriya.+ 10  Akaisa vamwe varume vese mumaoko aAbhishai+ mwana waamai vake, kuti avaronge kuti varwe nevaAmoni.+ 11  Akabva ati: “Kana vaSiriya vava kundikunda, unofanira kuuya kuzondinunura; asi kana vaAmoni vava kukukunda, ndichauya kuzokununura. 12  Tinofanira kutosimba uye kushinga+ kuti tirwire vanhu vedu uye maguta aMwari wedu, uye Jehovha achaita zvaanoona kuti ndizvo zvakanaka.”+ 13  Joabhi nevarume vaaiva navo vakabva vafamba vachienda kunorwisana nevaSiriya, uye ivo vakamutiza.+ 14  VaAmoni pavakaona kuti vaSiriya vakanga vatiza, vakabva vatizawo Abhishai vakapinda muguta. Pashure paizvozvo Joabhi akadzoka kubva kuvaAmoni, akasvika kuJerusarema. 15  VaSiriya pavakaona kuti vakanga vakundwa nevaIsraeri, vakaunganidzanazve.+ 16  Hadhadhezeri+ akatuma nhume kuti vaSiriya vaiva munharaunda yeRwizi*+ vauye, uye vakasvika kuHeramu, vachitungamirirwa naShobhaki mukuru weuto raHadhadhezeri. 17  Dhavhidhi paakaudzwa nezvazvo, akabva aunganidza vaIsraeri vese, akayambuka Jodhani, akasvika kuHeramu. VaSiriya vakabva varonga mauto avo kuti vasangane naDhavhidhi, vakarwa naye.+ 18  Asi vaSiriya vakatiza vaIsraeri; Dhavhidhi akauraya vatyairi vengoro 700 nevatasvi vemabhiza 40 000 vevaSiriya, uye akabaya Shobhaki mukuru weuto ravo, akafira ipapo.+ 19  Madzimambo ese aiva pasi paHadhadhezeri paakaona kuti akanga akundwa nevaIsraeri, akakurumidza kuyanana nevaIsraeri akava pasi pavo;+ uye vaSiriya vakanga vava kutya kubatsira vaAmoni zvakare.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “nekuriongorora.”
Kana kuti “kubva kuvarume vekuTobhu.”
Kana kuti “nevarume vekuTobhu.”
Kureva, Yufratesi.