Bhuku Rechipiri raSamueri 11:1-27

  • Dhavhidhi anoita upombwe naBhati-shebha (1-13)

  • Dhavhidhi anoronga kuti Uriya aurayiwe (14-25)

  • Dhavhidhi anotora Bhati-shebha kuti ave mudzimai wake (26, 27)

11  Pakutanga kwegore,* panguva yaienda madzimambo kunorwa, Dhavhidhi akatuma Joabhi nevaranda vake neuto rese reIsraeri kuti vanoparadza vaAmoni, uye vakakomba Rabha,+ Dhavhidhi akasara ari muJerusarema.+  Mumwe musi ari manheru,* Dhavhidhi akamuka pamubhedha wake, akatanga kufamba-famba pamusoro pedenga reimba yamambo. Ari pamusoro pedenga reimba akaona mumwe mukadzi achigeza, uye mukadzi wacho akanga akanaka chaizvo.  Dhavhidhi akabva atumira munhu kuti anobvunza nezvemukadzi wacho, uye akadzoka achiti: “Haasi Bhati-shebha+ mwanasikana waEriyamu,+ mudzimai waUriya+ muHiti here?”+  Dhavhidhi akabva atuma nhume kuti dzinomutora.+ Saka mukadzi wacho akapinda maaiva, uye akarara naye.+ (Izvi zvakaitika mukadzi wacho paaizvichenesa pakusachena kwake.*)+ Pashure paizvozvo, mukadzi wacho akadzokera kumba kwake.  Mukadzi wacho akava nepamuviri uye akatumira shoko kuna Dhavhidhi achiti: “Ndava nepamuviri.”  Dhavhidhi akabva atumira shoko kuna Joabhi, achiti: “Nditumire Uriya muHiti.” Saka Joabhi akatumira Uriya kuna Dhavhidhi.  Uriya paakasvika kwaari, Dhavhidhi akamubvunza kuti Joabhi akanga akadii, kuti mauto akanga akadii, uye kuti hondo yaifamba sei.  Dhavhidhi akabva ati kuna Uriya: “Enda kumba kwako unozorora.”* Uriya paakabuda mumba mamambo, mambo akamutumira chipo.*  Zvisinei, Uriya akarara pasuo reimba yamambo nevamwe varanda vese vashe wake, uye haana kuenda kumba kwake. 10  Saka Dhavhidhi akaudzwa kuti: “Uriya haana kuenda kumba kwake.” Dhavhidhi akabva ati kuna Uriya: “Handiti uchangobva parwendo here? Nei usina kuenda kumba kwako?” 11  Uriya akapindura Dhavhidhi kuti: “Areka+ nevaIsraeri nevaJudha vari kugara mumatumba, uye ishe wangu Joabhi nevaranda vashe wangu vakadzika musasa musango. Saka ndingaenda kumba kwangu kuti ndidye, ndinwe uye ndirare nemudzimai wangu here?+ Chokwadi ndinopika pamberi penyu kuti neupenyu hwenyu,* handisi kuzoita chinhu chakadaro!” 12  Dhavhidhi akabva ati kuna Uriya: “Ramba uri kuno nhasi, uye ndichakurega uchienda mangwana.” Saka Uriya akaramba ari muJerusarema zuva iroro neraitevera racho. 13  Dhavhidhi akabva aita kuti anoshevedzwa kuti auye kuzodya nekunwa naye uye akamudhakisa. Asi ava manheru, akabuda akaenda kunorara pamubhedha wake nevaranda vashe wake, uye haana kuenda kumba kwake. 14  Ava mangwanani Dhavhidhi akanyorera Joabhi tsamba, akaitumira naUriya. 15  Akanyora mutsamba yacho kuti: “Isai Uriya pamberi panenge pachinyanya kupisa hondo. Imi mubve matiza muchimusiya kuti abayiwe afe.”+ 16  Joabhi akanga agara achinyatsoongorora guta racho, uye akaisa Uriya paaiziva kuti paiva nevarwi vane simba. 17  Varume veguta racho pavakabuda ndokurwisa Joabhi, vamwe varanda vaDhavhidhi vakaurayiwa, uye Uriya muHiti aivawo pane vakaurayiwa.+ 18  Joabhi akabva audza Dhavhidhi zvese zvakaitika muhondo yacho. 19  Akarayira nhume kuti: “Paunopedza kuudza mambo zvese zvaitika muhondo, 20  mambo anogona kutsamwa oti kwauri, ‘Manga muchienderei kunorwa muri pedyo zvakadaro neguta? Manga musingazivi here kuti vachapfura vari pamusoro perusvingo? 21  Ndiani akauraya Abhimereki+ mwanakomana waJerubhesheti?+ Haasi mukadzi here akanga ari pamusoro perusvingo akamutema nehuyo akamuuraya kuTebhezi? Manga muchienderei pedyo nerusvingo zvakadaro?’ Ubve wati, ‘Muranda wenyu Uriya muHiti afawo.’” 22  Saka nhume yacho yakaenda ikanoudza Dhavhidhi zvese zvayakanga yanzi naJoabhi inotaura. 23  Nhume yacho yakabva yati kuna Dhavhidhi: “Varume vacho vatikunda, uye vabuda vakauya kuzotirwisa musango; asi tavadzingirira kusvikira pagedhi reguta. 24  Vanopfura neuta vanga vachipfura varanda venyu vari pamusoro perusvingo, uye vamwe varanda vamambo vafa; muranda wenyu Uriya muHiti afawo.”+ 25  Dhavhidhi akabva ati kunhume yacho: “Uti kuna Joabhi: ‘Usanetseka hako nazvo, nekuti bakatwa rinoparadza chero warananga. Rwisa guta racho zvakasimba urikunde.’+ Uye iwe unofanira kumushingisa.” 26  Mudzimai waUriya paakanzwa kuti murume wake Uriya akanga afa, akatanga kuchema murume wake. 27  Nguva yekuchema payakanga yangopfuura, Dhavhidhi akamushevedza akamuunza kumba kwake, uye akava mudzimai wake,+ akamuberekera mwanakomana. Asi zvakaitwa naDhavhidhi zvakagumbura Jehovha chaizvo.*+

Mashoko Emuzasi

Kureva, mumasutso.
Kana kuti “zuva rava kunodoka.”
Zvichida kusachena kwekuenda kumwedzi.
ChiHeb., “ugeze tsoka dzako.”
Kureva, chipo chaitumirwa nasamusha kumuenzi waairemekedza.
Kana kuti “neupenyu hwemweya wenyu.”
ChiHeb., “zvakanga zvakaipa mumaziso aJehovha.”