Bhuku Rechipiri raSamueri 13:1-39

  • Amnoni anobata Tamari chibharo (1-22)

  • Absaromu anouraya Amnoni (23-33)

  • Absaromu anotizira kuGeshuri (34-39)

13  Absaromu mwanakomana waDhavhidhi aiva nehanzvadzi yakanga yakanaka yainzi Tamari,+ uye Amnoni+ mwanakomana waDhavhidhi akatanga kumuda.  Amnoni akanetseka chaizvo zvekusvika pakurwara nekuda hanzvadzi yake Tamari, nekuti aiva mhandara uye Amnoni aishaya mukana wekuita zvaaida kumusikana wacho.  Amnoni aiva neshamwari yainzi Jehonadhabhi,+ mwanakomana waShimeya,+ mukoma waDhavhidhi; uye Jehonadhabhi aiva murume akangwara chaizvo.  Saka akati kwaari: “Neiko iwe mwanakomana wamambo uchingomuka wakasuwa mangwanani ega ega? Ndiudze.” Amnoni akamupindura kuti: “Ndiri kuda Tamari, hanzvadzi+ yemunin’ina wangu Absaromu.”  Jehonadhabhi akati kwaari: “Rara pamubhedha wako unyepedzere kurwara. Baba vako pavanouya kuzokuona, uti kwavari, ‘Ndinokumbirawo kuti Tamari hanzvadzi yangu auye kuzondipa zvekudya. Kana akandibikira zvekudya zvinopiwa varwere* ini ndichiona, ondipa, ndichabva ndadya.’”  Saka Amnoni akarara achinyepedzera kurwara, uye mambo akapinda kuti amuone. Amnoni akabva ati kuna mambo: “Ndinokumbirawo kuti Tamari hanzvadzi yangu apinde andibikire makeke maviri akaita semwoyo ndichiona, ondipa ndidye.”  Dhavhidhi akabva atumira shoko kumba kuna Tamari achiti: “Enda kumba kwehanzvadzi yako Amnoni unomubikira zvekudya.”*  Saka Tamari akaenda kumba kwehanzvadzi yake Amnoni kwaainge akarara. Akatora mukanyiwa akagadzira makeke ndokubva aabika Amnoni achiona.  Akabva atora pani yacho akamupa makeke acho. Asi Amnoni akaramba kudya akati: “Vanhu vese vari muno ngavabude!” Saka vanhu vese vakabuda. 10  Amnoni akabva ati kuna Tamari: “Uya nezvekudya zvacho* muimba yekurara undipe ndidye.” Saka Tamari akatora makeke akaita semwoyo aakanga abika, akaenda nawo muimba yekurara maiva nehanzvadzi yake Amnoni. 11  Paakaenda nawo kunomupa kuti adye, akabva amubata akati: “Uya urare neni hanzvadzi yangu.” 12  Asi iye akati kwaari: “Aiwa, hanzvadzi yangu! Usaita zvinhu zvinonyadzisa kudaro kwandiri nekuti zvinhu zvakadai hazviitwi muIsraeri.+ Usaita zvinhu izvi zvakafumuka.+ 13  Ndinozonyarira pai? Uye iwe uchaonekwa semumwe wevarume vakafumuka muIsraeri. Ndapota, taura namambo, nekuti haazorambi kuti unditore.” 14  Asi iye haana kumuteerera, uye akamukurira akamubata chibharo. 15  Amnoni akabva atanga kumuvenga chaizvo, zvekuti kumuvenga kwaakanga ava kuita kwaipfuura kumuda kwaakanga amboita. Amnoni akati kwaari: “Muka ubve pano!” 16  Iye akabva ati kwaari: “Aiwa, hanzvadzi yangu, kundidzinga iye zvino kwakatoipa kupfuura zvawaita neni!” Asi iye haana kumuteerera. 17  Akabva ashevedza mushandi wake wechidiki, akati: “Bvisa munhu uyu pano, ukiye suo kana abuda.” 18  (Tamari akanga akapfeka nguo refu yakanaka,* nekuti idzi ndidzo nguo dzaipfekwa nevanasikana vamambo vaiva mhandara.) Saka mushandi wake akamubudisa panze, akakiya suo. 19  Tamari akabva aisa madota mumusoro make,+ akabvarura nguo yake yakanaka yaakanga akapfeka; uye akabata musoro ndokubva aenda, achifamba achiridza mhere. 20  Hanzvadzi yake Absaromu+ akabva amubvunza kuti: “NdiAmnoni hanzvadzi yako anga ainewe here? Chinyarara hako nyaya iyi hanzvadzi yangu. Iye ihanzvadzi yako.+ Usazvinetsa nenyaya iyi.” Tamari akabva agara kumba kwehanzvadzi yake Absaromu asingaonani nevamwe vanhu. 21  Mambo Dhavhidhi paakanzwa zvinhu zvese izvi, akatsamwa chaizvo.+ Asi akanga asingadi kugumbura Amnoni mwanakomana wake nekuti aimuda, sezvo akanga ari dangwe rake. 22  Absaromu haana zvaakataura naAmnoni, zvingava zvakanaka kana zvakaipa; nekuti Absaromu akanga ava kuvenga+ Amnoni nemhaka yekuti akanga anyadzisa hanzvadzi yake Tamari.+ 23  Papera makore maviri akazara, vaveuri vemakwai aAbsaromu vaiveura makwai paBhaari-hazori, pedyo neEfremu,+ uye Absaromu akakoka vanakomana vamambo vese.+ 24  Saka Absaromu akapinda maiva namambo akati: “Makwai emuranda wenyu ari kuveurwa. Ndinokumbirawo kuti mambo nevaranda vake vaende neni.” 25  Asi mambo akati kuna Absaromu: “Aiwa, mwanakomana wangu. Kana tese tikaenda tinozokuremedza.” Kunyange zvazvo akaramba achimukumbira, mambo akaramba kuenda, asi akamuti afambe zvakanaka.* 26  Absaromu akabva ati: “Kana zvisingaiti kuti muende, ndinokumbirawo kuti mukoma wangu Amnoni aende nesu.”+ Mambo akamupindura kuti: “Uri kuda kuenderei naye?” 27  Asi Absaromu akaramba achingomukumbira, saka akazobvuma kuti Amnoni nevanakomana vamambo vese vaende naye. 28  Absaromu akabva arayira vashandi vake kuti: “Rambai muchicherechedza Amnoni uye mwoyo wake paunenge wafara newaini, ndichati kwamuri, ‘Urayai Amnoni!’ Imi munofanira kubva mamuuraya. Musatya. Handiti ndini ndiri kukuudzai zvekuita? Simbai mushinge.” 29  Saka vashandi vaAbsaromu vakaitira Amnoni zvese zvavakanga varayirwa naAbsaromu; vamwe vanakomana vamambo vese vakabva vasimuka, uye mumwe nemumwe akakwira nyurusi rake akatiza. 30  Pavakanga vari munzira, shoko rakasvika kuna Dhavhidhi, richiti: “Absaromu auraya vanakomana vamambo vese, hapana kana apona.” 31  Mambo akabva asimuka, akabvarura zvipfeko zvake, akarara pasi, uye varanda vake vese vakanga vakamira pedyo naye vaine nguo dzakabvaruka. 32  Zvisinei, Jehonadhabhi+ mwanakomana waShimeya,+ mukoma waDhavhidhi, akati: “Ishe wangu ngaarege kufunga kuti vauraya majaya ese, ivo vanakomana vamambo, nekuti Amnoni chete ndiye afa.+ Izvi zvarayirwa naAbsaromu, uyo akazvironga+ kubva pazuva rakanyadziswa hanzvadzi yake+ Tamari+ naAmnoni. 33  Saka ishe wangu mambo ngaarege kuteerera* shoko rekuti, ‘Vanakomana vese vamambo vafa’; Amnoni ndiye chete afa.” 34  Izvi pazvaiitika, Absaromu akatiza.+ Gare gare, murindi akasimudza musoro akaona kuti kwaiva nevanhu vakawanda vaiuya nemugwagwa waiva kumashure kwake pedyo negomo. 35  Jehonadhabhi+ akabva ati kuna mambo: “Tarisai muone! Vanakomana vamambo vadzoka. Muranda wenyu ataura chokwadi.” 36  Paaipedzisa kutaura, vanakomana vamambo vakabva vapinda, vachichema vachiridza mhere; mambo nevaranda vake vese vakachemawo chaizvo. 37  Asi Absaromu akatiza akaenda kuna Tarimai+ mwanakomana waAmihudhi mambo weGeshuri. Dhavhidhi akaita mazuva akawanda achichema mwanakomana wake. 38  Absaromu paakatiza, akaenda kuGeshuri,+ akagara ikoko kwemakore matatu. 39  Mambo Dhavhidhi akazopedzisira ava kuda chaizvo kuenda kuna Absaromu, nekuti shungu dzekufa kwaAmnoni dzakanga dzaserera.*

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “chingwa chekunyaradza.”
Kana kuti “chingwa chekunyaradza.”
Kana kuti “nechingwa chekunyaradza.”
Kana kuti “yakashongedzwa.”
ChiHeb., “akamukomborera.”
ChiHeb., “kuisa mumwoyo make.”
Kana kuti “akanga azvinyaradza pakufa kwaAmnoni.”