Bhuku Rechipiri raSamueri 15:1-37

  • Absaromu anoruka zano uye anopanduka (1-12)

  • Dhavhidhi anotiza muJerusarema (13-30)

  • Ahitoferi anobatana naAbsaromu (31)

  • Hushai anotumwa kunovhiringidza mazano aAhitoferi (32-37)

15  Pashure pezvinhu zvese izvi, Absaromu akazvitsvagira ngoro nemabhiza uye varume 50 kuti vamhanye vari pamberi pake.+  Absaromu aimukira mangwanani onomira padivi penzira yaienda kugedhi reguta.+ Pese paaiona munhu anenge aine nyaya yaienda kwamambo kunotongwa,+ Absaromu aimushevedza oti: “Unobva kuguta ripi?” iye oti: “Muranda wenyu anobva kune rimwe remadzinza aIsraeri.”  Absaromu aiti kwaari: “Onaka, nyaya yako yakanaka uye inofanira kugadziriswa, asi hapana munhu wekwamambo wekuti anzwe nyaya yako.”  Absaromu aitiwo: “Kudai ndaizogadzwa zvangu kuva mutongi munyika! Munhu wese anenge aine nyaya yake kana kuti anoda kutongwa aizouya kwandiri ndoita kuti nyaya yake itongwe zvakanaka!”  Paiuya munhu pedyo naye kuti amukotamire, Absaromu aitambanudza ruoko rwake omubata, omutsvoda.+  Izvi ndizvo zvaiitwa naAbsaromu kuvaIsraeri vese vaiuya kuzotongerwa nyaya dzavo namambo; saka Absaromu akaramba achinyengedza mwoyo yevarume veIsraeri kuti vamufarire.+  Papera makore mana,* Absaromu akati kuna mambo: “Ndinokumbirawo kuenda kuHebroni+ kunozadzisa mhiko yandakapika kuna Jehovha.  Nekuti muranda wenyu akaita mhiko iyi yakasimba+ paaigara kuGeshuri+ muSiriya achiti: ‘Kana Jehovha akandidzosa kuJerusarema, ndichapa mupiro kuna* Jehovha.’”  Saka mambo akati kwaari: “Enda hako, ufambe zvakanaka.”* Akabva asimuka akaenda kuHebroni. 10  Absaromu akabva atuma vanhu* kumadzinza ese aIsraeri achiti: “Pamunongonzwa kurira kwehwamanda, daidzirai muchiti, ‘Absaromu ava mambo muHebroni!’”+ 11  Absaromu akanga aenda ikoko nevarume 200 vekuJerusarema; varume vacho vakashevedzwa vakaenda vasina chavaimbofungira, uye vakanga vasingazivi zvaiitika. 12  Uye paakapa zvibayiro, Absaromu akatumira shoko kuti ashevedze Ahitoferi+ wekuGiro, chipangamazano waDhavhidhi,+ kuti auye kubva kuguta rake reGiro.+ Urongwa hwekupandukira mambo hwakaramba huchisimba, uye vanhu vaitsigira Absaromu vakaramba vachiwanda.+ 13  Nekufamba kwenguva, nhume yakasvika kuna Dhavhidhi ichiti: “Varume veIsraeri vava kutsigira Absaromu.” 14  Dhavhidhi akabva ati kuvaranda vake vese vaaiva navo muJerusarema: “Simukai titize,+ nekuti tese tingaurayiwa naAbsaromu! Ngatikurumidzei kuenda, nekuti angatibata pasina nguva, akatiunzira dambudziko, oparadza guta nebakatwa!”+ 15  Varanda vamambo vakapindura mambo vachiti: “Varanda venyu vachaita chero zvinenge zvasarudzwa naishe wedu mambo.”+ 16  Saka mambo akabuda nevanhu vese veimba yake, asi mambo akasiya varongo 10+ kuti vachengete imba.* 17  Mambo akaramba achienda, vanhu vese vachimutevera uye vakanomira paBheti-mehaki. 18  Varanda vake vese vaaiva navo paaienda,* nevaKereti vese, nevaPereti,+ nevarume 600 vekuGati+ vakanga vamutevera kubva kuGati,+ vaipfuura nepamberi pamambo iye achivaongorora.* 19  Mambo akabva ati kuna Itai+ muGati: “Iwe ungaendereiwo nesu? Dzokera unogara namambo mutsva, nekuti uri mutorwa uye wakatiza kumusha kwako. 20  Hauna nguva wauya, saka nhasi ndingaita kuti uswere uchidzungaira nesu, uchingoenda chero kwandaenda here? Tora hama dzako mudzokere pamwe chete, uye Jehovha ngaakuratidze rudo rusingachinji uye ngaatendeke kwauri!”+ 21  Asi Itai akapindura mambo achiti: “Ndinopika naJehovha mupenyu uye neupenyu hwashe wangu mambo, chero panenge pana ishe wangu mambo, ndipo pachava nemuranda wenyu, kunyange zvikareva upenyu kana kufa!”+ 22  Dhavhidhi akabva ati kuna Itai:+ “Saka yambuka hako.” Itai muGati akabva ayambuka pamwe chete nevarume vake vese nevana. 23  Munhu wese wemunyika yacho aichema achiridza mhere vanhu vese ava pavaiyambuka, uye mambo akanga akamira pedyo neBani reKidroni;+ vanhu vese vakanga vachiyambuka vachienda kumugwagwa unoenda kurenje. 24  Zadhoki+ aivapowo nevaRevhi+ vese vainge vakatakura areka+ yesungano yaMwari wechokwadi;+ uye vakagadzika Areka yaMwari wechokwadi pasi; uye Abhiyatari+ akasvikawo ipapo vanhu vese pavaipedzisa kuyambuka vachibuda muguta. 25  Asi mambo akati kuna Zadhoki: “Dzorera Areka yaMwari wechokwadi kuguta.+ Kana ndikanzwirwa nyasha naJehovha, achaita kuti ndidzoke ndoiona, pamwe chete nenzvimbo yayo yainogara.+ 26  Asi kana akati, ‘Handisi kukufarira,’ ngaaite chero zvaanoona kuti ndizvo zvakanaka.” 27  Mambo akati kumupristi Zadhoki: “Handiti iwe uri muoni here?+ Dzokerai kuguta nerugare, pamwe chete nevanakomana venyu vaviri, Ahimaazi mwanakomana wako naJonatani+ mwanakomana waAbhiyatari. 28  Ndicharamba ndiri pamazambuko ari pedyo nerenje kusvikira shoko rabva kwamuri richindiudza mamiriro akaita zvinhu.”+ 29  Saka Zadhoki naAbhiyatari vakadzokera neAreka yaMwari wechokwadi kuJerusarema, uye vakaramba vari ikoko. 30  Dhavhidhi paakanga achikwira Gomo reMiorivhi,+ akanga achichema; musoro wake wakanga wakafukidzwa, uye aifamba asina shangu. Vanhu vese vaaiva navo vakafukidzawo misoro yavo uye vaikwira gomo vachichema. 31  Dhavhidhi akabva audzwa kuti: “Ahitoferi aripowo pavanhu vari kupanduka+ naAbsaromu.”+ Dhavhidhi akabva ati: “Ndapota haiwa Jehovha,+ itai kuti mazano aAhitoferi ave upenzi!”+ 32  Dhavhidhi paakasvika pamusoro pegomo apo vanhu vaiwanzokotamira Mwari, Hushai+ muAki+ aiva ipapo kuti asangane naye, uye nguo yake refu yakanga yakabvaruka, aine guruva mumusoro. 33  Zvisinei, Dhavhidhi akati kwaari: “Kana ukayambuka neni, uchandiremedza. 34  Asi kana ukadzokera kuguta ukanoti kuna Absaromu, ‘Haiwa Mambo, ndiri muranda wenyu. Ndaimbova muranda wababa venyu, asi iye zvino ndava muranda wenyu,’+ uchabva wakwanisa kuvhiringidza mazano aAhitoferi wondibatsira.+ 35  Handiti vapristi Zadhoki naAbhiyatari vari ikoko newe here? Unofanira kuudza vapristi Zadhoki naAbhiyatari zvinhu zvese zvaunenge wanzwa muimba yamambo.+ 36  Vane vanakomana vavo vaviri ikoko, Ahimaazi+ mwanakomana waZadhoki naJonatani+ mwanakomana waAbhiyatari; muvatume kwandiri nezvese zvamunenge manzwa.” 37  Saka Hushai, shamwari*+ yaDhavhidhi, akapinda muJerusarema panguva yakanga ichipindawo Absaromu muguta racho.

Mashoko Emuzasi

Dzimwe shanduro dzinoti, “makore 40.”
Kana kuti “ndichanamata.” ChiHeb., “ndichashumira.”
ChiHeb., “Enda nerugare.”
Kana kuti “vasori.”
Kana kuti “muzinda.”
Kana kuti “vese avo vaiyambuka vari padivi pake.”
Kana kuti “vaiyambuka mambo akavatarisa.”
Kana kuti “shamwari yepedyo.”