Bhuku Rechipiri raSamueri 16:1-23

  • Zibha anochera Mefibhosheti (1-4)

  • Shimei anotuka Dhavhidhi (5-14)

  • Absaromu anogamuchira Hushai (15-19)

  • Zano raAhitoferi (20-23)

16  Dhavhidhi paakangoti pfuurei zvishoma pamusoro pegomo,+ akaona Zibha+ mushandi waMefibhosheti+ uyo akanga auya kuzosangana naye aine madhongi maviri akanga akasungirirwa zvekugarira pamusana, uye akatakudzwa zvingwa 200, nemakeke 100 emazambiringa akaomeswa, nemakeke 100 emichero yemuzhizha,* nechirongo chihombe chewaini.+  Mambo akabva ati kuna Zibha: “Nei wauya nezvinhu izvi?” Zibha akapindura kuti: “Madhongi ndeekuti vanhu veimba yamambo vatasve, chingwa nemichero yemuzhizha ndezvekuti majaya adye, uye waini ndeyekuti vaya vanenge vaneta murenje vanwe.”+  Mambo akabva ati: “Ko mwanakomana* watenzi wako ari kupi?”+ Zibha akabva ati kuna mambo: “Asara kuJerusarema, nekuti ati, ‘Nhasi imba yaIsraeri ichandidzorera umambo hwababa vangu.’”+  Mambo akabva ati kuna Zibha: “Inzwa! Zvinhu zvese zvaMefibhosheti zvava zvako.”+ Zibha akapindura kuti: “Ndinokotama pamberi penyu. Ishe wangu mambo ngaarambe achindinzwira nyasha.”+  Mambo Dhavhidhi paakasvika kuBhahurimu, mumwe murume weimba yaSauro ainzi Shimei,+ mwanakomana waGera, akabuda achienda kwaari achishevedzera mashoko ekutuka.+  Aikanda matombo kuna Dhavhidhi nevaranda vese vaMambo Dhavhidhi, nekuvanhu vese nekuvarume vaiva nesimba vainge vari kurudyi rwamambo nekuruboshwe rwake.  Shimei aituka achiti: “Ibva, ibva iwe murume ane mhosva yekudeura ropa! Murume asingabatsiri!  Jehovha akutsiva mhosva yako yekudeura ropa reimba yaSauro, uyo wawakatorera umambo, zvino Jehovha aisa umambo hwacho muruoko rwaAbsaromu mwanakomana wako. Iye zvino wava munhamo nekuti une mhosva yekudeura ropa!”+  Abhishai mwanakomana waZeruya+ akabva ati kuna mambo: “Imbwa iyi yakafa+ ingatuka ishe wangu mambo here?+ Regai ndimuendere ikoko ndimudimbure musoro.”+ 10  Asi mambo akati: “Ko zvinei nemi nhai vanakomana vaZeruya?+ Musiye andituke,+ nekuti Jehovha amuudza kuti,+ ‘Tuka Dhavhidhi!’ Saka ndiani angati, ‘Uri kuitirei izvozvo?’” 11  Dhavhidhi akati kuna Abhishai nevaranda vake vese: “Kana mwanakomana wangu chaiye wekubereka achida kundiuraya,*+ ndingatarisira chii kubva kumuBhenjamini!+ Musiye andituke, nekuti Jehovha amuudza kuti aite izvozvo! 12  Zvimwe Jehovha achaona dambudziko rangu,+ uye Jehovha achandiitirazve zvakanaka panzvimbo pekutukwa kwandiri kuitwa nhasi.”+ 13  Dhavhidhi nevarume vake vakabva varamba vachidzika nemugwagwa, Shimei achifamba nemujinga megomo achienderana naDhavhidhi, achimutuka+ uye achikanda matombo, achipfumbura guruva rakawanda chaizvo. 14  Mambo nevanhu vese vaaiva navo vakazosvika kwavaienda vaneta chaizvo, uye vakabva vazorora. 15  Munguva iyi, Absaromu nevarume vese veIsraeri vakasvika kuJerusarema uye Ahitoferi+ aivapowo. 16  Hushai+ muAki+ shamwari* yaDhavhidhi, paakapinda maiva naAbsaromu, Hushai akati kuna Absaromu: “Mambo ngaarambe achirarama!+ Mambo ngaarambe achirarama!” 17  Absaromu akabva ati kuna Hushai: “Ndiko kwaunoti kuratidza rudo* kushamwari yako here uku? Wakaregererei kuenda neshamwari yako?” 18  Saka Hushai akati kuna Absaromu: “Aiwa, ndiri kutsigira munhu asarudzwa naJehovha, uye asarudzwa nevanhu ava, nevarume vese veIsraeri. Ndicharamba ndiinaye. 19  Uye ndinotiwo, Ndiani mumwe wandingashandira? Haasi mwanakomana wake here? Ndichakushandirai sekushandira kwandakaita baba venyu.”+ 20  Absaromu akabva ati kuna Ahitoferi: “Ndipewo mazano.+ Toita sei?” 21  Ahitoferi akabva ati kuna Absaromu: “Rara nevarongo* vababa vako,+ vavakasiya kuti vachengete imba.*+ VaIsraeri vese vachanzwa kuti wazvivengesa nababa vako, uye vanhu vanokutsigira vachabva vatosimba.” 22  Saka vakadzikira Absaromu tende pamusoro pedenga reimba,+ uye Absaromu akarara nevarongo vababa vake,+ vaIsraeri vese vachiona.+ 23  Mazuva iwayo, mazano aipiwa naAhitoferi+ aionekwa seshoko raMwari* wechokwadi. Ndiko kuremekedza kwaiita Dhavhidhi naAbsaromu mazano aipiwa naAhitoferi.

Mashoko Emuzasi

Kunyanya maonde uye zvichidawo nemichero yemichindwe.
Kana kuti “muzukuru.”
Kana kuti “achitsvaga mweya wangu.”
Kana kuti “shamwari yepedyo.”
Kana kuti “rudo rusingachinji.”
Kana kuti “muzinda.”
Kana kuti “aionekwa sekutobvunza Mwari.”