Bhuku Rechipiri raSamueri 17:1-29

  • Hushai anovhiringidza zano raAhitoferi (1-14)

  • Dhavhidhi anonyeverwa; anotiza Absaromu (15-29)

    • Bhazirai nevamwe vanouya nezvinhu zvekushandisa (27-29)

17  Ahitoferi akabva ati kuna Absaromu: “Ndapota, rega ndisarudze varume 12 000, kuti nditevere Dhavhidhi usiku huno.  Ndichamusvikira paanenge aneta uye asisina simba,*+ ndomuvhundutsa; uye vanhu vese vaainavo vachatiza, uye ndichauraya mambo chete.+  Ndichabva ndadzosa vanhu vese kwauri. Zvichaitika kumurume wauri kutsvaga ndizvo zvichaita kuti vanhu vese vadzoke. Vanhu vese vachabva vava nerugare.”  Zvaakataura zvakafadza Absaromu nevakuru vese vaIsraeri.  Asi Absaromu akati: “Shevedzai Hushai+ muAki tinzwe kuti iye anotiwo kudii.”  Saka Hushai akapinda maiva naAbsaromu. Absaromu akabva ati kwaari: “Iri ndiro zano rataurwa naAhitoferi. Tiite zvaataura here? Kana zvisingaiti, tiudze iwewe zvekuita.”  Hushai akabva ati kuna Absaromu: “Panyaya iyi zano rataurwa naAhitoferi harina kunaka!”+  Hushai akaenderera mberi achiti: “Imi munonyatsoziva kuti baba venyu nevarume vavainavo vane simba+ uye vane shungu semhuka inonzi bheya yarasa vana vayo musango.+ Pamusoro paizvozvo, baba venyu murwi,+ uye havazorari panorara vanhu vavainavo.  Iye zvino vakatohwanda mubako* kana kuti mune imwewo nzvimbo;+ uye kana vakatanga ndivo kurwisa, vaya vachazvinzwa vachati, ‘Vanhu vari kutevera Absaromu vakundwa!’ 10  Kunyange murume akashinga ane mwoyo wakaita seweshumba+ achati rukutu nekutya, nekuti vaIsraeri vese vanoziva kuti baba venyu murume ane simba+ uye kuti varume vavainavo vakashinga. 11  Ini ndinopa zano iri: VaIsraeri vese, kubva kuDhani kusvika kuBheeri-shebha+ ngavaungane kwamuri, vakawanda sejecha riri pedyo negungwa,+ uye imi munofanira kuvatungamirira kunorwa. 12  Tichanomurwisa chero kwaanenge awanika, uye tichasvika paari sezvinoita dova rinowira pasi. Hapana kana mumwe wavo achapona, iye nevarume vese vaainavo. 13  Kana akatizira muguta, vaIsraeri vese vachaenda netambo kuguta iroro, uye ticharikwevera kurwizi kusvikira pasisina kunyange kadombo kanosara.” 14  Absaromu nevarume vese veIsraeri vakabva vati: “Zano raHushai muAki rakanaka+ kupfuura raAhitoferi!” Nekuti Jehovha akanga asarudza* kuti zano rakanaka raAhitoferi+ risabudirira, kuti Jehovha aunzire Absaromu dambudziko.+ 15  Gare gare Hushai akati kuvapristi Zadhoki naAbhiyatari:+ “Ahitoferi apa Absaromu nevakuru vaIsraeri zano iri, asi ini ndapa zano iri. 16  Zvino kurumidzai kutumira shoko kuna Dhavhidhi mumuudze kuti: ‘Musarara pamazambuko* ekurenje usiku huno, asi ivai nechokwadi chekuti mayambuka, nekuti mambo nevanhu vese vaainavo vangaparadzwa.’”*+ 17  Jonatani+ naAhimaazi+ vakanga vachigara paEni-rogeri+ nekuti vakanga vasingatombodi kuonekwa vachipinda muguta; saka mumwe murandasikana akaenda akanovaudza zvese uye vakabva vaenda kunoudza Mambo Dhavhidhi. 18  Zvisinei, pane jaya rakavaona rikanoudza Absaromu. Saka vaviri vacho vakakurumidza kuenda, vakasvika pamba pemumwe murume kuBhahurimu,+ uyo aiva netsime pachivanze chake. Vakapinda mariri, 19  uye mudzimai wemurume wacho akabva awaridza chinhu pamuromo wetsime racho akaparadzira zviyo* zvakadzvurwa pamusoro; uye hapana akaziva nezvazvo. 20  Varanda vaAbsaromu vakasvika pamba pemukadzi wacho, vakamubvunza kuti: “Ahimaazi naJonatani vari kupi?” Mukadzi wacho akapindura kuti: “Vapfuura nepano vakananga kumvura.”+ Varume vacho vakabva vavatsvaga, asi vakavashaya, saka vakadzokera kuJerusarema. 21  Varume vacho pavakaenda, ivo vakabva vabuda mutsime racho, vakanosvitsa shoko kuna Mambo Dhavhidhi. Vakati kwaari: “Simukai mukurumidze kuyambuka mvura, nekuti Ahitoferi apa zano iri rakakuipirai.”+ 22  Dhavhidhi akabva angosimuka nevanhu vese vaaiva navo, vakayambuka Jodhani. Kunze kwakazotanga kuchena vanhu vese vatopedza kuyambuka Jodhani. 23  Ahitoferi paakaona kuti zano rake rakanga risina kuteererwa, akatasva dhongi akaenda kumba kwake, muguta rekumusha kwake.+ Pashure pekunge aronga nyaya dzemhuri yake,+ akazvisungirira.+ Saka akafa akavigwa munzvimbo yemakuva yemadzitateguru ake. 24  Munguva iyi, Dhavhidhi akaenda kuMahanaimu,+ uye Absaromu akayambuka Jodhani nevarume vese veIsraeri. 25  Absaromu akagadza Amasa+ kuva mutungamiriri weuto achitsiva Joabhi;+ Amasa aiva mwanakomana wemurume wechiIsraeri ainzi Itra, uyo akarara naAbhigairi+ mwanasikana waNahashi, munin’ina waZeruya, amai vaJoabhi. 26  VaIsraeri naAbsaromu vakadzika musasa munyika yeGiriyedhi.+ 27  Dhavhidhi paakangosvika kuMahanaimu, Shobhi mwanakomana waNahashi wekuRabha+ yevaAmoni, naMakiri+ mwanakomana waAmieri wekuRo-dhebhari, naBhazirai+ muGiriyedhi wekuRogerimu 28  vakauya nemibhedha, mabheseni, hari, gorosi, bhari, furawa, zviyo zvakakangwa, bhinzi, nyemba, zviyo zvakaomeswa, 29  uchi, ruomba, makwai, nechizi.* Vakauya nezvinhu zvese izvi kuti Dhavhidhi nevanhu vaakanga ainavo vadye,+ nekuti vakati: “Vanhu vava nenzara, vaneta, uye vava nenyota murenje.”+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “maoko ake asisina simba.”
Kana kuti “mugomba; mugoronga.”
Kana kuti “arayira.”
ChiHeb., “vangamedzwa.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “mapani akaita gwenga.”
Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
ChiHeb., “nemukaka wemombe wakakora.”