Bhuku Rechipiri raSamueri 2:1-32

  • Dhavhidhi, mambo weJudha (1-7)

  • Ishi-bhosheti, mambo weIsraeri (8-11)

  • Kurwisana kweimba yaDhavhidhi neimba yaSauro (12-32)

2  Pashure paizvozvo Dhavhidhi akabvunza Jehovha+ kuti: “Ndiende kune rimwe remaguta eJudha here?” Jehovha akati kwaari: “Enda.” Dhavhidhi akabva abvunza kuti: “Ndiende kupi?” Iye akati: “KuHebroni.”+  Saka Dhavhidhi akakwidza ikoko nemadzimai ake maviri, Ahinoamu+ wekuJezreeri naAbhigairi+ chirikadzi yakasiyiwa naNabhari wekuKameri.  Dhavhidhi akaendawo nevarume vaaiva navo,+ mumwe nemumwe neimba yake, vakanogara mumaguta akapoteredza Hebroni.  Varume veJudha vakabva vaenda vakazodza Dhavhidhi ikoko kuti ave mambo weimba yaJudha.+ Vakaudza Dhavhidhi kuti: “Varume vekuJabheshi-giriyedhi ndivo vakaviga Sauro.”  Saka Dhavhidhi akatuma nhume kuvarume vekuJabheshi-giriyedhi akati kwavari: “Jehovha ngaakukomborerei, nekuti makaratidza rudo rusingachinji kunashe wenyu Sauro nekumuviga kwamakaita.+  Jehovha ngaakuratidzei rudo rusingachinji uye ngaatendeke kwamuri. Iniwo ndichakuitirai mutsa nemhaka yezvamakaita.+  Simbai muve varume vakashinga, nekuti Sauro ishe wenyu akafa, uye imba yaJudha yandizodza kuti ndive mambo wayo.”  Asi Abhineri+ mwanakomana waNeri, mukuru weuto raSauro, akanga atora Ishi-bhosheti,+ mwanakomana waSauro, akayambuka naye kuMahanaimu+  akamugadza kuti ave mambo weGiriyedhi,+ wevaAshuri, weJezreeri,+ wevanhu vekwaEfremu,+ nevekwaBhenjamini, neIsraeri yese. 10  Ishi-bhosheti mwanakomana waSauro aiva nemakore 40 paakava mambo weIsraeri, uye akatonga kwemakore maviri. Asi imba yaJudha yakatsigira Dhavhidhi.+ 11  Dhavhidhi akaita makore 7 nemwedzi 6 ari mambo muHebroni, achitonga imba yaJudha.+ 12  Nekufamba kwenguva, Abhineri mwanakomana waNeri nevaranda vaIshi-bhosheti, mwanakomana waSauro, vakabuda muMahanaimu+ vakaenda kuGibhiyoni.+ 13  Joabhi+ mwanakomana waZeruya+ nevaranda vaDhavhidhi vakabudawo vakanosangana navo padziva reGibhiyoni; rimwe boka rakagara kune rimwe divi redziva, rimwe rikagara kune rimwe divi redziva racho. 14  Abhineri akazoti kuna Joabhi: “Majaya ngaasimuke arwisane* pamberi pedu.” Joabhi akabva ati: “Ngaasimuke.” 15  Saka majaya akanga asarudzwa akasimuka akayambuka, 12 ekwaBhenjamini naIshi-bhosheti, mwanakomana waSauro, uye 12 kubva kuvaranda vaDhavhidhi. 16  Majaya acho akabatana misoro, uye mumwe nemumwe akabaya parutivi pewaairwa naye nebakatwa, uye vese vakawira pasi pamwe chete. Saka nzvimbo iyoyo iri muGibhiyoni yakatumidzwa kuti Herikati-hazurimu. 17  Pakabva parwiwa zvinotyisa zuva iroro, uye Abhineri nevarume veIsraeri vakazokundwa nevaranda vaDhavhidhi. 18  Vanakomana vatatu vaZeruya+ vaiti: Joabhi,+ Abhishai,+ naAsaheri+ vaivapowo; uye Asaheri aimhanya chaizvo semhara iri kumhanya musango. 19  Asaheri akadzingirira Abhineri, uye akaramba akati name name naAbhineri asingambomusiyi. 20  Abhineri paakacheuka akabvunza kuti: “Ndiwe Asaheri here?” iye akati: “Ehe ndini.” 21  Abhineri akabva ati kwaari: “Rega kunditevera ubate rimwe jaya, utore chero zvinhu zvariinazvo.” Asi Asaheri akanga asingadi kumusiya. 22  Saka Abhineri akatizve kuna Asaheri: “Usaramba uchinditevera. Unodirei kuti ndikuuraye? Ndingazotarisana sei nemukoma wako Joabhi?” 23  Asi akaramba kumira, saka Abhineri akamubaya mudumbu nekunoperera mubato wepfumo,+ uye pfumo racho rakabuda nekumusana; achibva awira pasi, akafira ipapo. Munhu wese aisvika panzvimbo yakanga yafira Asaheri aimbomira ipapo. 24  Joabhi naAbhishai vakadzingirira Abhineri. Zuva parakanga rava kudoka, vakasvika pachikomo cheAma, chiri pakatarisana neGiya, panzira inoenda kurenje reGibhiyoni. 25  VaBhenjamini vakaungana vari shure kwaAbhineri, vakamira vari boka rimwe chete pamusoro pechikomo. 26  Abhineri akabva ashevedzera kuna Joabhi achiti: “Bakatwa richaramba richingoparadza here? Hauzivi here kuti zvichangoguma nekurwadziwa? Saka uchasvika riini usingaudzi vanhu kuti vachirega kudzingirira hama dzavo?” 27  Joabhi akabva ati: “NaMwari wechokwadi mupenyu, kudai wanga usina kutaura, vanhu vangadai varamba vachidzingirira hama dzavo kusvikira mangwana mangwanani.” 28  Joabhi akabva aridza hwamanda, uye varume vake vakarega kudzingirira vaIsraeri, uye kurwisana kwakabva kwamira. 29  Abhineri nevarume vake vakabva vafamba nemuArabha+ usiku ihwohwo hwese, vakayambuka Jodhani, vakaramba vachitevedza goronga,* kusvikira vasvika kuMahanaimu.+ 30  Joabhi paakadzoka kubva kunodzingirira Abhineri, akaunganidza vanhu vese. Pavaranda vaDhavhidhi, pakashayikwa vanhu 19, kuwedzera pana Asaheri. 31  Asi varanda vaDhavhidhi vakanga vakunda vaBhenjamini nevarume vaAbhineri, uye vakauraya varume vavo 360. 32  Vakatakura Asaheri,+ vakamuviga muguva rababa vake riri kuBhetrehema.+ Joabhi nevarume vake vakabva vafamba usiku hwese, vakasvika kuHebroni+ kwava kuedza.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “akwikwidzane.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “vakafamba nemuBhitironi yese.”