Bhuku Rechipiri raSamueri 21:1-22

  • Mhosva yeimba yaSauro kuvaGibhiyoni inotsiviwa (1-14)

  • Hondo nevaFiristiya (15-22)

21  Zvino kwakava nenzara+ mumazuva aDhavhidhi kwemakore matatu akatevedzana, saka Dhavhidhi akabvunza Jehovha nezvazvo, uye Jehovha akati: “Sauro neimba yake vane mhosva yekudeura ropa, nekuti akauraya vaGibhiyoni.”+  Saka mambo akashevedza vaGibhiyoni+ akataura navo. (Zviripo ndezvekuti vaGibhiyoni vakanga vasiri verudzi rwevaIsraeri, asi vaiva vaAmori+ vakanga vasara, uye vaIsraeri vakanga vapika kuti vaisazovauraya,+ asi Sauro akatsvaga kuvauraya paaishingairira vaIsraeri nevaJudha.)  Dhavhidhi akati kuvaGibhiyoni: “Chii chandingakuitirai, uye ndingaitei kuti tiyanane, kuti mukomborere vanhu* vaJehovha?”  VaGibhiyoni vakati kwaari: “Hatidi sirivha kana goridhe+ kubva kuna Sauro neimba yake, uyewo hazviiti kuti tiuraye munhu muIsraeri.” Akabva ati kwavari: “Ndichakuitirai zvese zvamunotaura.”  Vakati kuna mambo: “Nemhaka yekuti murume uya aida kutiparadza, uye akaronga kuti pasambova nemumwe wedu anosara ari mupenyu munharaunda chero ipi zvayo yeIsraeri,+  tipei vanhu 7 pavanakomana vake. Tichaturika zvitunha+ zvavo* pamberi paJehovha muGibhiya+ yaSauro, uyo akasarudzwa naJehovha.”+ Mambo akabva ati: “Ndichavaisa mumaoko enyu.”  Asi mambo akanzwira tsitsi Mefibhosheti+ mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro, nemhaka yemhiko yakaitwa naDhavhidhi naJonatani+ mwanakomana waSauro pamberi paJehovha.  Saka mambo akatora Arimoni naMefibhosheti, vanakomana vaviri vaRizpa+ mwanasikana waAya vaakaberekera Sauro, nevanakomana vashanu vaMikari*+ mwanasikana waSauro, vaakaberekera Adrieri+ mwanakomana waBhazirai wekuMehora.  Akabva avaisa mumaoko evaGibhiyoni, avo vakabva vaturika zvitunha zvavo mugomo pamberi paJehovha.+ Vese vari 7 vakafa pamwe chete; vakaurayiwa mazuva ekukohwa achangotanga, panguva yekutanga kukohwa bhari. 10  Rizpa+ mwanasikana waAya akabva atora saga akariwaridza padombo kubvira pakutanga kwekukohwa kusvikira zvitunha zvacho zvanayiwa nemvura; haana kurega shiri dzedenga dzichimhara pazviri masikati kana mhuka dzesango dzichiuya pedyo usiku. 11  Dhavhidhi akaudzwa zvakanga zvaitwa nemurongo waSauro, Rizpa mwanasikana waAya. 12  Saka Dhavhidhi akaenda kunotora mapfupa aSauro neemwanakomana wake Jonatani kuvatungamiriri* veJabheshi-giriyedhi,+ avo vakanga vaba zvitunha zvavo munzvimbo yaiungana vanhu yeBheti-shani, mazvakanga zvaturikwa nevaFiristiya pazuva rakaurayiwa Sauro muGiribhoa nevaFiristiya.+ 13  Akauya nemapfupa aSauro neemwanakomana wake Jonatani kubva ikoko uye vakaunganidzawo mapfupa evarume vakanga vaurayiwa.*+ 14  Vakabva vaviga mapfupa aSauro neemwanakomana wake Jonatani muguva raKishi+ baba vaSauro, muguta reZiira,+ munyika yaBhenjamini. Pavakaita zvese zvakanga zvarayirwa namambo, Mwari akanzwa kuteterera kwavaiita kuti nyika yacho inzwirwe nyasha.+ 15  Pakaitikazve hondo pakati pevaFiristiya nevaIsraeri.+ Saka Dhavhidhi nevaranda vake vakaenda vakanorwa nevaFiristiya, asi Dhavhidhi akazopedzisira aneta. 16  Mumwe murume wekuvaRefaimu+ ainzi Ishbhi-bhenobhu, uyo aiva nepfumo remhangura rairema mashekeri 300*+ uye aiva nebakatwa idzva, akanga ava kuda kuuraya Dhavhidhi. 17  Abhishai+ mwanakomana waZeruya akabva akurumidza kubatsira+ Dhavhidhi, akawisira muFiristiya wacho pasi, akamuuraya. Panguva iyoyo varume vaDhavhidhi vakaita mhiko kwaari vachiti: “Hamuchafaniri kuenda nesu kuhondo!+ Hamufaniri kudzima rambi raIsraeri!”+ 18  Pashure peizvi, hondo yakamukazve nevaFiristiya+ paGobhu. Panguva iyoyo, Sibhekai+ muHusha akauraya Safi wekuvaRefaimu.+ 19  Hondo yakatangazve nevaFiristiya+ kuGobhu, uye Erihanani mwanakomana waJaare-oregimu wekuBhetrehema akauraya Goriyati wekuGati, uyo aiva nepfumo raiva nemubato wakanga wakaita sedanda revanogadzira machira.+ 20  Hondo yakatangazve kuGati, uko kwaiva nerimwe zirume rainge rakanyanyisa kukura, raiva nemaoko ane zvigunwe 6 paruoko rumwe nerumwe, nezvigunwe 6 patsoka imwe neimwe, zvese pamwe chete zviri 24; uye nairowo raiva rekuvaRefaimu.+ 21  Rakaramba richishora Israeri.+ Saka Jonatani mwanakomana waShimei,+ mukoma waDhavhidhi, akariuraya. 22  Vese vari vana vaiva vekuvaRefaimu vekuGati, uye vakaurayiwa naDhavhidhi nevanhu vake.+

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “nhaka.”
ChiHeb., “Tichavaisa pachena,” kureva kuti maoko avo nemakumbo zvakatyorwa.
Dzimwe shanduro dzinoti, “vaMerabhu.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “kuvaridzi venyika.”
ChiHeb., “vaiswa pachena.”
Makirogiramu anenge 3,42. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.