Bhuku Rechipiri raSamueri 22:1-51

  • Dhavhidhi anorumbidza Mwari nekumununura kwaakaita (1-51)

    • “Jehovha ndiye ibwe rangu” (2)

    • Jehovha akavimbika kune vakavimbika (26)

22  Dhavhidhi akaudza Jehovha mashoko erwiyo urwu+ pazuva raakanunurwa naJehovha mumaoko evavengi vake vese+ nemuruoko rwaSauro.+  Akati: “Jehovha ndiye ibwe rangu nenhare*+ yangu uye ndiye anondinunura.+   Mwari wangu ndiye dombo rangu,+ wandinopotera kwaari,Nhoo yangu+ nenyanga* yangu yeruponeso,* nzvimbo yangu yekupotera*+Uye ndiye nzvimbo yangu yekutizira,+ muponesi wangu;+ imi munondiponesa pandinorwiswa.   Ndinoshevedzera kuna Jehovha, uyo akakodzera kurumbidzwa,Uye ndichaponeswa pavavengi vangu.   Mafungu erufu akandikomba kumativi ese;+Mafashamo evarume vasingabatsiri akandityisa.+   Tambo dzeGuva* dzakandikomba;+Rufu rwakateya misungo pamberi pangu.+   Ndakashevedzera kuna Jehovha pandaitambudzika,+Ndakaramba ndichishevedzera kuna Mwari wangu. Akabva anzwa inzwi rangu ari mutemberi yake,Uye kuchemera kwangu kubatsirwa kwakasvika munzeve dzake.+   Nyika yakatanga kuzunguzika uye kudengenyeka, ichienda mberi neshure;+Nheyo dzedenga dzakazununguka,+Uye dzakazunguzikira mberi neshure nekuti iye akanga atsamwiswa.+   Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake,Uye moto unoparadza wakabuda mumuromo make;+Mazimbe emoto akatsvuka aibva paari. 10  Paaiburuka, akakotamisa denga,+Uye pasi petsoka dzake paiva nerima gobvu.+ 11  Akatasva kerubhi+ ndokuuya achibhururuka. Aioneka ari pamapapiro emweya.*+ 12  Akabva aita kuti rima rimupoteredze setende,+Mumakore matema akazara nemvura. 13  Pachiedza chaiva pamberi pake pakatsvuka mazimbe aiva nemoto. 14  Jehovha akabva atanga kutinhira ari kudenga;+Wekumusorosoro akaita kuti inzwi rake rinzwike.+ 15  Akapfura miseve yake+ akaita kuti vapararire;Akatuma mheni, akaita kuti vavhiringidzike.+ 16  Pasi pegungwa pakaoneka;+Nheyo dzenyika dzakaiswa pachena nekutuka kwaJehovha,Nemhepo ine simba yakabuda mumhino dzake.+ 17  Akadzikisa ruoko rwake ari kumusoro;Akandibata, akandibudisa mumvura yakadzika.+ 18  Akandinunura pamuvengi wangu ane simba,+Pavanhu vaindivenga, vaiva nesimba kundipfuura. 19  Vakandivinga pazuva randaiva mudambudziko,+Asi Jehovha akanditsigira. 20  Akandibudisa, akandiisa munzvimbo isina njodzi;*+Akandinunura nekuti aindifarira.+ 21  Jehovha anondipa mubayiro unoenderana nekururama kwangu;+Anondipa mubayiro unoenderana nekuchena* kwemaoko angu.+ 22  Nekuti ndakachengeta nzira dzaJehovha,Uye handina kuita zvakaipa ndichisiya Mwari wangu. 23  Mitongo+ yake yese iri pamberi pangu;Handizotsauki pamirau yake.+ 24  Ndicharamba ndisina mhosva+ pamberi pake,Uye ndichangwarira kuti ndisakanganisa.+ 25  Jehovha ngaandipe mubayiro unoenderana nekururama kwangu,+Maererano nekuchena kwangu pamberi pake.+ 26  Makavimbika kumunhu akavimbika;+Kumunhu* asina mhosva munoratidza kuti hamuna mhosva;+ 27  Kune vakachena munoratidza kuti makachena,+Asi kune vasina kururama munoratidza kuti makachenjera.*+ 28  Nekuti munoponesa vanozvininipisa,+Asi maziso enyu haafariri vanozvikudza, uye munovaderedza.+ 29  Nekuti muri rambi rangu, haiwa Jehovha;+Jehovha ndiye anondivhenekera pandinenge ndiri murima.+ 30  Ndichibatsirwa nemi, ndinogona kumhanya ndichinorwisa boka revapambi;Nesimba raMwari ndinogona kukwira rusvingo.+ 31  Nzira yaMwari wechokwadi yakakwana;+Shoko raJehovha rakachena.+ Iye inhoo kune vese vanopotera kwaari.+ 32  Nekuti ndiani mumwe Mwari kunze kwaJehovha?+ Nderipi rimwe dombo kunze kwaMwari wedu?+ 33  Mwari wechokwadi ndiye nhare yangu yakasimba,+Uye achaita kuti nzira yangu ive muchechetere.+ 34  Anoita kuti tsoka dzangu dziite sedzenondo;Anoita kuti ndimire panzvimbo dzakakwirira.+ 35  Anodzidzisa maoko angu hondo;Maoko angu anogona kukombamisa uta hwemhangura. 36  Munondipa nhoo yenyu yeruponeso,Uye kuzvininipisa kwenyu kunoita kuti ndive mukuru.+ 37  Munoita kuti nzira yandinofamba ive yakafara;Tsoka dzangu hadzizotsvedzi.*+ 38  Ndichadzingirira vavengi vangu ndovaparadza;Handizodzoki kusvikira vatsvairwa vese. 39  Ndichavatsvaira vese uye ndichavapwanya, kuti varege kusimuka;+Vachawira pasi ndovatsika. 40  Muchandipa simba rekurwa hondo;+Muchaita kuti vavengi vangu vadonhe pamberi pangu.+ 41  Muchaita kuti vavengi vangu vanditize;+Ndichaparadza* vaya vanondivenga.+ 42  Vanochemera kubatsirwa, asi hapana anovaponesa;Vanotochema kuna Jehovha, asi haavapinduri.+ 43  Ndichavakuya-kuya votsetseka seguruva renyika;Ndichavakuya ndovatsika-tsika sematope emumigwagwa. 44  Muchandinunura pakutsvagirwa mhosva nevanhu vangu.+ Muchandichengetedza kuti ndive mutungamiriri wemarudzi;+Vanhu vandanga ndisingazivi vachandishandira.+ 45  Vanhu vekune dzimwe nyika vachauya kwandiri vachidedera;+Zvavanonzwa pamusoro pangu zvichaita kuti vanditeerere.* 46  Vanhu vekune dzimwe nyika vachatya;*Vachauya vachibvunda vachibva munhare dzavo. 47  Jehovha mupenyu! Dombo rangu ngarirumbidzwe!+ Mwari weruponeso rwangu ngaakudzwe.+ 48  Mwari wechokwadi anotsiva vavengi vangu;+Anoisa marudzi pasi pangu;+ 49  Anondinunura pavavengi vangu. Munondisimudza+ mondiisa pamusoro pevaya vanondirwisa;Munondinunura pamunhu anoita zvemhirizhonga.+ 50  Ndokusaka ndichakutendai ndiri pakati pemarudzi, haiwa Jehovha,+Uye ndichaimba* ndichirumbidza zita renyu:+ 51  Iye anoitira mambo wake mabasa makuru eruponeso;+Anoratidza rudo rusingachinji kumuzodziwa wake,Kuna Dhavhidhi nekuvana* vake nekusingaperi.”+

Mashoko Emuzasi

Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
Kana kuti “nemununuri wangu ane simba.”
Kana kuti “yakakwirira yakachengeteka.”
Kana kuti “dzeSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “emhepo.”
Kana kuti “munzvimbo yakakura.”
Kana kuti “nekusava nemhosva.”
Kana kuti “Kumurume ane simba.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “munoita sebenzi.”
Kana kuti “Zviziso zvetsoka dzangu hazvizotsvedzi.”
ChiHeb., “Ndichanyararidza.”
ChiHeb., “Nzeve painonzwa, vachanditeerera.”
Kana kuti “vachapera simba.”
Kana kuti “ndicharidza rwiyo.”
ChiHeb., “mbeu.”