Bhuku Rechipiri raSamueri 23:1-39

  • Mashoko ekupedzisira aDhavhidhi (1-7)

  • Zvakaitwa nevarwi vaDhavhidhi vaiva nesimba (8-39)

23  Aya ndiwo mashoko ekupedzisira aDhavhidhi:+ “Shoko raDhavhidhi mwanakomana waJese,+Shoko remurume akakwidziridzwa chaizvo,+Muzodziwa waMwari waJakobho,+Muimbi* anofadza wenziyo+ dzaIsraeri.   Mweya waJehovha wakataura nekwandiri;+Shoko rake raiva parurimi rwangu.+   Mwari waIsraeri akataura;Dombo raIsraeri+ rakati kwandiri: ‘Kana uya anotonga vanhu ari munhu akarurama,+Achitonga achitya Mwari,+   Zvinoita sechiedza chemangwanani zuva parinobuda,+Mangwanani ane denga risina makore. Zvinoita sechiedza chinovapo kana mvura yamira kunaya,Uswa hwobva hwamera panyika.’+   Imba yangu haina kuita saizvozvo pamberi paMwari here? Nekuti akaita neni sungano inogara nekusingaperi,+Sungano yakanyatsorongwa uye isingazochinji. Nekuti ndiyo inoita kuti ndiponeswe uye ndifare kwazvo,Handizvo zvinoita kuti aite kuti ibudirire here?+   Asi varume vese vasingabatsiri vanokandwa kure+ semakwenzi eminzwa,Nekuti haagoni kubatwa neruoko.   Munhu paanoabata,Anofanira kunge aine chombo chesimbi nemubato wepfumo,Uye makwenzi acho anofanira kupiswa nemoto kusvika apera ari paari ipapo.”  Aya ndiwo mazita evarwi vaDhavhidhi vaiva nesimba:+ Joshebhi-bhashebheti muTakemoni uyo aiva mukuru pavarwi vatatu.+ Pane imwe nguva akatora pfumo rake akauraya varume 800.  Aiteverwa naEriyezari+ mwanakomana waDhodho+ mwanakomana waAhohi uyo aiva mumwe wevarwi vatatu vaiva nesimba vakanga vaina Dhavhidhi pavakashora vaFiristiya. VaFiristiya vakanga vaungana ikoko kuti varwe, uye pakatiza varume veIsraeri, 10  iye haana kutiza, akaramba achiuraya vaFiristiya kusvikira ruoko rwake rwaneta uye rwava kurwadza nekuramba akangobata bakatwa.+ Saka Jehovha akaita kuti pave nekukunda kukuru* zuva iroro;+ uye vanhu vakadzoka vakatevera Eriyezari kuti vatore zvipfeko nezvimwe zvinhu zvevanhu vakanga vaurayiwa. 11  Aiteverwa naShamaa mwanakomana waAgee muHarari. VaFiristiya vakaungana paRehi, apo paiva nemunda wakanga wakazara nenyemba; uye vanhu vakatiza vaFiristiya. 12  Asi iye akamira pakati pemunda wacho, akaita kuti usatorwa uye akaramba achiuraya vaFiristiya, zvekuti Jehovha akaita kuti pave nekukunda kukuru.*+ 13  Vakuru vatatu vaibva pavakuru 30 vakaenda kwaiva naDhavhidhi kubako reAdhuramu+ panguva yekukohwa, uye uto revaFiristiya rakanga rakadzika musasa muBani reRefaimu.+ 14  Panguva iyoyo Dhavhidhi aiva munhare,*+ uye boka revarwi vanorinda revaFiristiya raiva muBhetrehema. 15  Dhavhidhi akabva ataura zvaiva pamwoyo pake achiti: “Kudai ndaikwanisa hangu kunwa mvura yemumugodhi uri pedyo negedhi rekuBhetrehema!” 16  Varwi vacho vatatu vaiva nesimba vakabva vapinda mumusasa wevaFiristiya nechisimba, vakachera mvura mumugodhi waiva pedyo negedhi rekuBhetrehema, vakaenda nayo kuna Dhavhidhi; asi akaramba kuinwa, akaidururira pasi pamberi paJehovha.+ 17  Akati: “Handingambofungi kuita zvakadaro, haiwa Jehovha! Ndinganwa ropa+ revarume vaenda kunochera mvura vachiisa upenyu hwavo* pangozi here?” Saka akaramba kuinwa. Izvi ndizvo zvakaitwa nevarwi vake vatatu vaiva nesimba. 18  Abhishai+ uyo aiva mwanakomana waZeruya,+ amai vaJoabhi, aiva mutungamiriri pavamwe vatatu; akatora pfumo rake akauraya vanhu 300, uye aiva nembiri yakaita seyevatatu vaya.+ 19  Kunyange zvazvo aikudzwa kupfuura vese pavamwe vatatu uye ari mukuru wavo, haana kusvika pachinzvimbo chevatatu vekutanga. 20  Bhenaya+ mwanakomana waJehoyadha aiva murume akashinga* akaita mabasa mazhinji muKabhuzeeri.+ Akauraya vanakomana vaviri vaArieri wekuMoabhi, uye akapinda mugomba mumwe musi kuchinaya chando, akauraya shumba.+ 21  Akaurayawo mumwe murume wekuIjipiti akanga akanyanyisa kukura. Kunyange zvazvo muIjipiti wacho akanga akabata pfumo, akaenda kunorwa naye aine tsvimbo, akabvuta pfumo racho muruoko rwemuIjipiti wacho, akamuuraya nepfumo rake. 22  Izvi ndizvo zvinhu zvakaitwa naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, uye aiva nembiri yakaita seyevarwi vatatu vaiva nesimba. 23  Kunyange zvazvo aikudzwa kutopfuura vane makumi matatu, haana kusvika pachinzvimbo chevatatu vaya. Asi Dhavhidhi akamugadza kuva mukuru wevarindi vake. 24  Asaheri+ uyo aiva wemudumbu rimwe chete naJoabhi aiva mumwe wevane makumi matatu vanoti: Erihanani mwanakomana waDhodho wekuBhetrehema,+ 25  Shamaa muHarodhi, Erika muHarodhi, 26  Herezi+ muPariti, Ira+ mwanakomana waIkeshi muTekoa, 27  Abhi-ezeri+ muAnatoti,+ Mebhunai muHusha, 28  Zarimoni muAhohi, Maharai+ muNetofa, 29  Herebhu mwanakomana waBhaana muNetofa, Itai mwanakomana waRibhai wekuGibhiya yevaBhenjamini, 30  Bhenaya+ muPiratoni, Hidhai wekunzizi* dzeGaashi,+ 31  Abhi-aribhoni muAbhati, Azmavheti muBha-humu, 32  Eriyabha muShaaribhoni, vanakomana vaJasheni, Jonatani, 33  Shamaa muHarari, Ahiyamu mwanakomana waSharari muHarari, 34  Erifereti mwanakomana waAhasibhai mwanakomana wemuMaakati, Eriyamu mwanakomana waAhitoferi+ muGiro, 35  Hezro muKameri, Paarai muAbhi, 36  Igari mwanakomana waNatani wekuZobha, Bhani muGadhi, 37  Zereki muAmoni, Naharai muBheeroti, uyo aiva mutakuri wezvombo zvaJoabhi mwanakomana waZeruya, 38  Ira muItri, Garebhi muItri,+ 39  naUriya+ muHiti, vese pamwe chete vari 37.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Munhu.”
Kana kuti “neruponeso rukuru.”
Kana kuti “neruponeso rukuru.”
Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
Kana kuti “mweya yavo.”
ChiHeb., “mwanakomana wemurume akashinga.”
Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Bani.”