Bhuku Rechipiri raSamueri 24:1-25

  • Chivi chaDhavhidhi chekuverenga vanhu (1-14)

  • Denda rinouraya vanhu 70 000 (15-17)

  • Dhavhidhi anovaka atari (18-25)

    • Hapana zvibayiro zvinopiwa pasina mutengo (24)

24  Jehovha akatsamwirazve vaIsraeri zvikuru,+ Dhavhidhi paakafurirwa kuti avaitire zvakaipa, achinzi: “Enda unoverenga+ vaIsraeri nevaJudha.”+  Saka mambo akati kuna Joabhi+ mukuru weuto waaiva naye: “Tendererai mumadzinza ese aIsraeri, kubva kuDhani kusvika kuBheeri-shebha,+ muverenge vanhu, kuti ndizive kuti vangani.”  Asi Joabhi akati kuna mambo: “Jehovha Mwari wenyu ngaawedzere vanhu zvakapetwa kazana uye maziso ashe wangu mambo ngaazvione, asi nei ishe wangu mambo ari kuda kuita zvakadai?”  Asi shoko ramambo rakakunda raJoabhi nevakuru veuto. Saka Joabhi nevakuru veuto vakabva pamberi pamambo kuti vanoverenga vaIsraeri.+  Vakayambuka Jodhani, vakadzika musasa paAroeri+ kurudyi rweguta* riri pakati pebani, uye vakaenda vakananga kunyika yevaGadhi, ndokupfuurira vachienda kuJazeri.+  Pashure paizvozvo vakaenda kuGiriyedhi+ nenyika yeTatimu-hodhishi, vakapfuurira vachienda kuDhani-jaani, vachibva vapoterera vachienda kuSidhoni.+  Vakabva vaenda kunhare yeTire+ nemaguta ese evaHivhi+ neevaKenani, vakazopedzisira vasvika muNegebhu+ yeJudha kuBheeri-shebha.+  Saka vakatenderera munyika yese vakasvika kuJerusarema papera mwedzi 9 nemazuva 20.  Joabhi akabva apa mambo nhamba yevanhu vakanga vaverengwa. VaIsraeri vakasvika varwi 800 000 vaiva nemapakatwa, uye varume veJudha vaiva 500 000.+ 10  Asi hana yaDhavhidhi yakatanga kunetseka chaizvo+ pashure pekunge averenga vanhu. Dhavhidhi akabva ati kuna Jehovha: “Ndatadza+ chaizvo nezvandaita izvi. Saka ndapota Jehovha, regererai mhosva yemushumiri wenyu,+ nekuti ndaita zveupenzi chaizvo.”+ 11  Dhavhidhi paakamuka mangwanani, shoko raJehovha rakasvika kumuprofita Gadhi,+ muoni waDhavhidhi, richiti: 12  “Enda unoti kuna Dhavhidhi, ‘Zvanzi naJehovha: “Ndiri kukupa zvinhu zvitatu. Sarudza chimwe chete chaunoda kuti ndiunze pauri.”’”+ 13  Saka Gadhi akapinda maiva naDhavhidhi akati kwaari: “Unoda kuti munyika yako muve nenzara kwemakore 7 here?+ Kana kuti unoda kutiza vavengi vako vachikudzingirira kwemwedzi mitatu here?+ Kana kuti unoda here kuti munyika yako muite denda kwemazuva matatu?+ Zvino nyatsofungisisa zvandinofanira kunopindura kune andituma.” 14  Saka Dhavhidhi akati kuna Gadhi: “Nyaya iyi iri kunditambudza chaizvo. Regai henyu tiwire muruoko rwaJehovha,+ nekuti ane tsitsi huru;+ musandirega ndichiwira muruoko rwemunhu.”+ 15  Jehovha akabva aunza denda+ pavaIsraeri kubva mangwanani kusvika panguva yakanga yasarudzwa, zvekuti pakafa vanhu 70 000,+ kubva kuDhani kusvika kuBheeri-shebha.+ 16  Ngirozi payakatambanudzira ruoko rwayo kuJerusarema kuti iriparadze, Jehovha akazvidemba* pamusoro pedambudziko racho,+ uye akati kungirozi yakanga ichiparadza vanhu: “Zvakwana! Chidzikisa ruoko rwako.” Ngirozi yaJehovha yaiva pedyo neburiro* remuJebhusi+ anonzi Arauna.+ 17  Dhavhidhi paakaona ngirozi yakanga ichiuraya vanhu, akati kuna Jehovha: “Ndini ndakatadza uye ndini ndakakanganisa; asi makwai+ aya akaitei? Ndapota, ruoko rwenyu ngarundirove ini neimba yababa vangu.”+ 18  Saka Gadhi akapinda maiva naDhavhidhi zuva iroro akati kwaari: “Enda ugadzirire Jehovha atari paburiro* raArauna muJebhusi.”+ 19  Dhavhidhi akaenda akanoita zvakanga zvataurwa naGadhi, uyo akanga arayirwa naJehovha. 20  Arauna paakatarisa zasi ndokuona mambo nevaranda vake vachiuya kwaari, Arauna akabva akurumidza kubuda akaenda kuna mambo akakotama pamberi pake. 21  Arauna akabvunza kuti: “Nei ishe wangu mambo auya kumuranda wake?” Dhavhidhi akati: “Kuzotenga buriro kwauri kuti ndivakire Jehovha atari, kuti denda riri pavanhu rimiswe.”+ 22  Asi Arauna akati kuna Dhavhidhi: “Ishe wangu mambo ngaaritore abayire zvaanoda.* Pano ndine mombe dzechibayiro chinopiswa, nechirei chekupurisa, nemajoko emombe kuti zvive huni. 23  Arauna anopa mambo zvinhu zvese izvi, haiwa mambo.” Arauna akabva ati kuna mambo: “Jehovha Mwari wenyu ngaakukomborerei.” 24  Asi mambo akati kuna Arauna: “Aiwa, ndinofanira kuritenga kwauri. Handisi kuzopa Jehovha Mwari wangu zvibayiro zvinopiswa zvandisina kutenga.” Saka Dhavhidhi akatenga buriro nemombe dzacho nemashekeri* 50 esirivha.+ 25  Dhavhidhi akavakira Jehovha atari+ ipapo, akapa zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zverugare. Jehovha akabva anzwa kuteterera kwavaiita kuti nyika inzwirwe nyasha,+ uye denda raiva pavaIsraeri rakabva rapera.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “kumaodzanyemba kweguta.”
Kana kuti “akashungurudzika.”
ChiHeb., “zvaanoona kuti zvakanaka mumaziso ake.”
Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.