Bhuku Rechipiri raSamueri 7:1-29

  • Dhavhidhi haasi iye achavaka temberi (1-7)

  • Sungano yeumambo naDhavhidhi (8-17)

  • Munyengetero waDhavhidhi achitenda (18-29)

7  Mambo paakanga agadzikana muimba yake*+ uye Jehovha amupa zororo pavavengi vake vese vakanga vakamupoteredza,  mambo akati kumuprofita Natani:+ “Onai ini ndiri kugara muimba yemiti yemisidhari+ asi Areka yaMwari wechokwadi iri kugara mumachira etende.”+  Natani akapindura mambo achiti: “Endai munoita chero zviri mumwoyo menyu, nekuti Jehovha anemi.”+  Usiku ihwohwo chaihwo, shoko raJehovha rakauya kuna Natani, richiti:  “Enda unoti kumushumiri wangu Dhavhidhi, ‘Zvanzi naJehovha: “Ungandivakira imba yekuti ndigare here?+  Nekuti handina kugara mumba kubvira pazuva randakabudisa vaIsraeri muIjipiti kusvikira nhasi,+ asi ndanga ndichifamba ndiri mutende uye mutebhenekeri.+  Nguva yese yandakafamba nevaIsraeri* vese, pane here shoko randakambotaura kune mumwe wevakuru vemadzinza aIsraeri wandakagadza kuti afudze vanhu vangu vaIsraeri, ndichiti, ‘Nei musina kundivakira imba yemiti yemisidhari?’”’  Saka udza mushumiri wangu Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha wemauto: “Ndakakutora kumafuro kwawaifudza makwai+ kuti uve mutungamiriri wevanhu vangu vaIsraeri.+  Ndichava newe kwese kwaunoenda,+ uye ndichaparadza* vavengi vako vese pamberi pako;+ ndichaita kuti uve nezita guru,+ rakafanana nerevarume vanokudzwa panyika. 10  Ndichasarudzira vanhu vangu vaIsraeri nzvimbo ndoita kuti vagare mairi, vachagara imomo uye havazonetswi zvakare; varume vakaipa havazovatambudzizve sezvavaimboita kare,+ 11  kubvira pazuva randakagadza vatongi+ pavanhu vangu vaIsraeri. Uye ndichakuzorodza pavavengi vako vese.+ “‘“Uyewo Jehovha akuudza kuti Jehovha achaita kuti uve nemba.*+ 12  Pauchafa,+ woradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ako, ndichaita kuti mwana* wako, mwanakomana wauchabereka,* ave mambo pashure pako, uye ndichasimbisa umambo hwake.+ 13  Ndiye achavaka imba yekuti zita rangu rikudzwe,+ uye ndichasimbisa chigaro chake cheumambo nekusingaperi.+ 14  Ndichava baba vake, uye iye achava mwanakomana wangu.+ Kana akakanganisa, ndichamururamisa neshamhu uye ndichamuranga neshamhu sezvinoita vanakomana vevanhu.*+ 15  Rudo rwangu haruzobvi paari semabvisiro andakaruita pana Sauro,+ uyo wandakabvisa pamberi pako. 16  Imba yako neumambo hwako zvicharamba zviripo nekusingaperi; chigaro chako cheumambo chicharamba chakasimba nekusingaperi.”’”+ 17  Natani akaudza Dhavhidhi mashoko aya ese nezvinhu zvese izvi zvaakaratidzwa.+ 18  Mambo Dhavhidhi akabva apinda akagara pasi pamberi paJehovha, akati: “Nhai Changamire Ishe Jehovha, ndini aniwo zvangu? Uye imba yangu chii zvamandiitira zvese izvi?+ 19  Kuwedzera pane izvozvo, haiwa Changamire Ishe Jehovha, muri kutaurawo kuti imba yemushumiri wenyu ichagara kwenguva refu; uye uyu murayiro* kuvanhu vese, haiwa Changamire Ishe Jehovha. 20  Chii chimwe chingataurwa nemushumiri wenyu Dhavhidhi, imi Changamire Ishe Jehovha muchinyatsondiziva kudaro?+ 21  Maita zvinhu zvese izvi zvikuru nekuti ndizvo zvamunoda* uye ndizvo zvamakavimbisa uye maita kuti mushumiri wenyu azvizive.+ 22  Ndokusaka muri mukuru zvechokwadi,+ haiwa Changamire Ishe Jehovha. Hakuna mumwe akaita semi,+ uye hakuna mumwe Mwari kunze kwenyu;+ zvinhu zvese zvatakanzwa nenzeve dzedu zvinoratidza kuti ichi ichokwadi. 23  Nderupi rumwe rudzi panyika rwakaita sevanhu venyu vaIsraeri?+ Mwari akaenda akanovadzikinura kuti vave vanhu vake,+ akaita kuti zita rake rive nemukurumbira+ paakavaitira zvinhu zvikuru uye zvinoshamisa.+ Makadzinga marudzi navanamwari vawo muchiitira vanhu venyu vamakadzikinura muIjipiti. 24  Makaita kuti vaIsraeri varambe vari vanhu venyu;+ uye imi haiwa Jehovha, makava Mwari wavo.+ 25  “Zvino imi Jehovha Mwari, zadzisai nekusingaperi vimbiso yamaita pamusoro pemuranda wenyu neimba yake uye itai sezvamavimbisa.+ 26  Zita renyu ngarikudzwe nekusingaperi+ kuti vanhu vataure kuti, ‘Jehovha wemauto ndiMwari waIsraeri,’ uye imba yemushumiri wenyu Dhavhidhi ngaisimbiswe pamberi penyu.+ 27  Nekuti imi Jehovha wemauto, Mwari waIsraeri, mazivisa mushumiri wenyu zvichaitika muchiti, ‘Ndichakuvakira imba.’*+ Ndokusaka mushumiri wenyu ashinga kunyengetera kwamuri seizvi. 28  Changamire Ishe Jehovha, ndimi Mwari wechokwadi, uye mashoko enyu ndeechokwadi,+ uye mavimbisa mushumiri wenyu zvinhu izvi zvakanaka. 29  Saka farirai kukomborera imba yemushumiri wenyu, uye ngairambe iri pamberi penyu nekusingaperi;+ nekuti imi Changamire Ishe Jehovha, mavimbisa, uye imba yemushumiri wenyu ngaive nechikomborero chenyu nekusingaperi.”+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “mumuzinda wake.”
ChiHeb., “nevanakomana vaIsraeri.”
ChiHeb., “ndichadimbura.”
Kana kuti “nedzinza remadzimambo.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “uyo achabuda mauri.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “vaAdhamu.”
Kana kuti “mutemo.”
Kana kuti “ndizvo zvinodiwa nemwoyo wenyu.”
Kana kuti “dzinza remadzimambo.”