Bhuku Rechipiri raSamueri 8:1-18

  • Kukunda kwaDhavhidhi (1-14)

  • Umambo hwaDhavhidhi (15-18)

8  Nekufamba kwenguva, Dhavhidhi akarwisa vaFiristiya+ akavakunda,+ uye Dhavhidhi akatorera vaFiristiya Metegi-ama.  Akakunda vaMoabhi,+ akaita kuti varare pasi vari mumutsara. Akayera mutsara wacho netambo kuti zvikamu zviviri pazvitatu zvevanhu vaiva pamutsara wacho zviurayiwe uye kuti chikamu chimwe chete chisaurayiwa.+ Uye vaMoabhi vakava varanda vaDhavhidhi, vachibhadhariswa mutero.+  Dhavhidhi akakunda Hadhadhezeri mwanakomana waRehobhu mambo weZobha+ uyo aiva munzira kuti anotangazve kutonga kuRwizi rwaYufratesi.+  Dhavhidhi akamutorera vatasvi vemabhiza 1700 nevarwi vaifamba netsoka 20 000. Uye Dhavhidhi akadimbura marunda* emakumbo emabhiza ese aidhonza ngoro, akasiya mabhiza 100.+  VaSiriya vekuDhamasiko+ pavakauya kuzobatsira Mambo Hadhadhezeri weZobha, Dhavhidhi akauraya vaSiriya 22 000.+  Dhavhidhi akabva aisa mapoka evarwi muSiriya yekuDhamasiko, uye vaSiriya vakava varanda vaDhavhidhi, vachibhadhara mutero kwaari. Jehovha aiita kuti Dhavhidhi akunde* kwese kwaaienda.+  Dhavhidhi akatorawo nhoo dzegoridhe dzeraundi dzevaranda vaHadhadhezeri, akaenda nadzo kuJerusarema.+  Mambo Dhavhidhi akatora mhangura yakawanda kwazvo kuBheta nekuBherotai, maguta aHadhadhezeri.  Zvino Mambo Toi weHamati+ akanzwa kuti Dhavhidhi akanga akunda uto rese raHadhadhezeri.+ 10  Saka Toi akatuma mwanakomana wake Joramu kuna Mambo Dhavhidhi kunomubvunza kuti akadii nekumukorokotedza kuti akanga arwa naHadhadhezeri akamukunda (nekuti Hadhadhezeri akanga amborwisana naToi kakawanda), uye akauya nezvinhu zvesirivha, zvegoridhe, nezvemhangura. 11  Mambo Dhavhidhi akatsaura* zvinhu izvi kuti zvive zvaJehovha, pamwe chete nesirivha negoridhe zvaakanga atora kumarudzi ese aakanga akunda,+ 12  kureva zvaakatora kuvaSiriya nekuMoabhi,+ kuvaAmoni, vaFiristiya,+ vaAmareki,+ uye pazvinhu zvakapambwa kuna Hadhadhezeri+ mwanakomana waRehobhu mambo weZobha. 13  Dhavhidhi akaitawo mukurumbira paakadzoka kubva kunouraya vaEdhomu 18 000 muBani reMunyu.+ 14  Akaisa mapoka evarwi muEdhomu. Akaisa mapoka acho muEdhomu yese, uye vaEdhomu vese vakava varanda vaDhavhidhi.+ Jehovha aiita kuti Dhavhidhi akunde* kwese kwaaienda.+ 15  Dhavhidhi akaramba achitonga vaIsraeri vese,+ uye Dhavhidhi aiitira vanhu vake vese zvakarurama,+ achiita kuti nyaya dzavo dzitongwe zvakanaka.+ 16  Joabhi+ mwanakomana waZeruya ndiye aiva mukuru weuto, uye Jehoshafati+ mwanakomana waAhirudhi aiva munyori wezvaiitika. 17  Zadhoki+ mwanakomana waAhitubhu naAhimereki mwanakomana waAbhiyatari vaiva vapristi, uye Seraya aiva munyori. 18  Bhenaya+ mwanakomana waJehoyadha ndiye aitungamirira vaKereti nevaPereti.+ Uye vanakomana vaDhavhidhi vakava machinda makuru.*

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “madzira.”
Kana kuti “apone.”
Kana kuti “akatsvenesa.”
Kana kuti “apone.”
ChiHeb., “vakava vapristi.”