Tsamba Yechipiri Kuna Timoti 4:1-22
4 Pamberi paMwari naKristu Jesu, uyo achatonga+ vapenyu nevakafa+ paachazviratidza pachena+ uye paachauya muUmambo hwake,+ ndinokuudza zvakasimba kuti:
2 Paridza shoko;+ paridza uchiita zvekukurumidza panguva dzakanaka nedzakaoma; tsiura,+ rayira, kurudzira nemwoyo murefu neunyanzvi hwekudzidzisa.+
3 Nekuti pachava nenguva yavasingazoteereri kudzidzisa kwakanaka,*+ asi maererano nezvido zvavo, vachazviunganidzira vadzidzisi kuti vafadze nzeve dzavo.*+
4 Vacharamba kuteerera chokwadi vachida kunzwa ngano.
5 Asi iwe, ngwarira zvinhu zvese, tsungirira matambudziko,+ ita basa remuevhangeri,* ita ushumiri hwako zvizere.+
6 Nekuti ndava kutodururwa semupiro wechinwiwa,+ uye nguva yangu yekusunungurwa+ yava pedyo.
7 Ndarwa kurwa kwakanaka,+ ndamhanya kusvika kumagumo,+ ndachengeta kutenda.
8 Kubvira iye zvino, ndakachengeterwa korona yekururama,+ iyo Ishe, mutongi akarurama,+ achandipa semubayiro pazuva iroro,+ asi kwete ini ndega, asiwo vamwe vese vakada kuratidzwa kwake pachena.
9 Ita zvese zvaunogona kuti ukurumidze kuuya kwandiri.
10 Nekuti Dhemasi+ akandisiya nekuti akada nyika ino,* uye akaenda kuTesaronika, Kresenzi akaenda kuGaratiya, Tito kuDharimatiya.
11 Ruka chete ndiye wandasara naye. Muuye mese naMako, nekuti anondibatsira muushumiri.
12 Asi ndatuma Tikiko+ kuEfeso.
13 Paunouya, uuye nejasi randakasiya riina Kapo kuTroasi, nemabhuku,* kunyanya aya ematehwe.
14 Arekizanda mupfuri wemhangura akandiitira zvakaipa chaizvo. Jehovha* achamutsiva zvinoenderana nezvaakaita.+
15 Newewo unofanira kumungwarira, nekuti akapikisa mashoko edu zvakasimba.
16 Pandakatongwa kekutanga hapana akanditsigira, asi vese vakandisiya; ngavarege havo kupiwa mhosva.
17 Asi Ishe akamira pedyo neni akandipa simba, kuti kuburikidza neni kuparidza kunyatsoitwa uye kunzwike nemarudzi ese;+ uye ndakanunurwa pamuromo weshumba.+
18 Ishe achandinunura pamabasa ese akaipa uye achandiponesa nekuda kweUmambo hwake hwekudenga.+ Ngaakudzwe nariini nariini. Ameni.
19 Ndikwazisirewo Priska naAkwira+ neimba yaOnesiforasi.+
20 Erasto+ akasara kuKorinde, asi ndakasiya Trofimo+ kuMireto achirwara.
21 Edza nepaunogona napo kusvika chando chisati chatanga.
Uri kukwaziswa naYubhuro, naPudhenzi, naRino, naKraudhiya, nehama dzese.
22 Ishe ngaave nemafungiro aunoratidza. Nyasha dzake ngadzive nemi.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “kunopa utano; kunobatsira.”
^ Kana kuti “vavaudze zvavanoda kunzwa.”
^ Kana kuti “ramba uchiparidza mashoko akanaka.”
^ Kana kuti “mamiriro ezvinhu epanguva ino.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “nemagwaro.” Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Gwaro.”
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.