Amosi 1:1-15

  • Amosi anopiwa mashoko naJehovha (1, 2)

  • Kutongwa nemhaka yekupanduka kakawanda (3-15)

1  Aya ndiwo mashoko aAmosi,* mumwe wevanhu vaipfuya makwai vekuTekoa,+ aakaudzwa muchiratidzo chine chekuita neIsraeri mumazuva aMambo Uziya+ weJudha nemumazuva aJerobhoamu+ mwanakomana waJoashi,+ mambo weIsraeri, makore maviri kudengenyeka kwenyika kusati kwaitika.+  Akati: “Jehovha achadzvova muZiyoni,Uye achakwidza inzwi rake muJerusarema. Mafuro evafudzi achachema,Uye pamusoro peKameri pachaoma.”+   “Zvanzi naJehovha,‘“Handizoregi kuita zvandakasarudza pamusoro pevanhu veDhamasiko nekuti vakapanduka katatu uye kana,*Nekuti vakapura Giriyedhi nezvirei zvesimbi.+   Saka ndichatumira moto paimba yaHazaeri,+Uyo uchaparadza shongwe dzaBheni-hadhadhi dzakavakwa zvakasimba.+   Ndichatyora mazariro* eDhamasiko;+Ndichaparadza vanhu vekuBhikati-avheniNemutongi weBheti-edheni;Uye vanhu vekuSiriya vachatapwa voendeswa kuKiri,”+ anodaro Jehovha.’   Zvanzi naJehovha,‘“Handizoregi kuita zvandakasarudza pamusoro pevanhu veGaza,+ nekuti vakapanduka katatu uye kana,Nekuti vakatapa vanhu vese+ kuti vavaise mumaoko eEdhomu.   Saka ndichatumira moto parusvingo rweGaza,+Uye uchaparadza shongwe dzayo dzakavakwa zvakasimba.   Ndichaparadza vanhu vekuAshdhodhi,+Neuya ari kutonga ari muAshkeroni;+Uye ndicharwisa Ekroni,+Uye vaFiristiya vanosara vachaparara,”+ anodaro Changamire Ishe Jehovha.’   Zvanzi naJehovha,‘Handizoregi kuita zvandakasarudza pamusoro pevanhu vekuTire+ nekuti vakapanduka katatu uye kana,Nekuti vakatapa vanhu vese vakavaisa mumaoko eEdhomu,Uye nekuti havana kuyeuka sungano yehama.+ 10  Saka ndichatumira moto parusvingo rweTire,Uye uchaparadza shongwe dzayo dzakavakwa zvakasimba.’+ 11  Zvanzi naJehovha,‘Handizoregi kuita zvandakasarudza pamusoro paEdhomu+ nekuti akapanduka katatu uye kana,Nekuti akatevera munin’ina wake nebakatwa,+Uye nekuti akaramba kuva netsitsi;Anongoramba achivabvambura-bvambura akatsamwa,Uye anoramba akavatsamwira.+ 12  Saka ndichatumira moto muTemani,+Uye uchaparadza shongwe dzakavakwa zvakasimba dzekuBhozra.’+ 13  Zvanzi naJehovha,‘“Handizoregi kuita zvandakasarudza pamusoro pevaAmoni+ nekuti vakapanduka katatu uye kana,Nekuti vakatumbura vakadzi vaiva nepamuviri vekuGiriyedhi kuti vawedzere nharaunda yavo.+ 14  Saka ndichabatidza moto parusvingo rweRabha,+Uyo uchaparadza shongwe dzayo dzakavakwa zvakasimba,Paine mheremhere yehondo pazuva rekurwa,Nemvura ine simba pazuva redutu. 15  Mambo wavo achatapwa pamwe chete nemachinda ake,”+ anodaro Jehovha.’

Mashoko Emuzasi

Kureva kuti “Kuva Mutoro” kana kuti “Kutakura Mutoro.”
Mashoko aya anoratidza kuti vakapanduka kakawanda.
Aya mapango kana kuti simbi dzaishandiswa sezvihuri.