Amosi 2:1-16
2 “Zvanzi naJehovha,‘“Handizoregi kuita zvandakasarudza pamusoro paMoabhi+ nekuti akapanduka katatu uye kana,Nekuti akapisa mapfupa amambo weEdhomu akaita madota.
2 Saka ndichatumira moto muMoabhi,Uye uchaparadza shongwe dzakavakwa zvakasimba dzekuKeriyoti;+Pachafa Moabhi pachange paine ruzha rukuru,Nemheremhere yehondo, uye pachange pachiridzwa hwamanda.+
3 Ndichabvisa mutungamiriri* ari maariNdomuuraya pamwe chete nemachinda ake ese,”+ anodaro Jehovha.’
4 Zvanzi naJehovha,‘Handizoregi kuita zvandakasarudza pamusoro pevanhu veJudha+ nekuti vakapanduka katatu uye kana,Nekuti vakaramba mutemo waJehovha,Uye havana kuchengeta mirau yake;+Asi nhema dzakateverwa nemadzitateguru avo ndidzo dzavatsausa.+
5 Saka ndichatumira moto muJudha,Uye uchaparadza shongwe dzakavakwa zvakasimba muJerusarema.’+
6 Zvanzi naJehovha,‘Handizoregi kuita zvandakasarudza pamusoro pevaIsraeri+ nekuti vakapanduka katatu uye kana,Nekuti vari kutengesa vanhu vakarurama vachipiwa sirivha,Uye vari kuchinjanisa varombo neshangu mbiri.+
7 Vanotsika-tsika misoro yevanhu vakaderera muguruva,+Uye vanovhara nzira yevanyoro.+
Baba nemwanakomana wavo vanorara nemusikana mumwe chete,Vachisvibisa zita rangu dzvene.
8 Vanozvambarara pedyo neatari dzese+ vari panguo dzavakatora sechibatiso kune vaya vavakakweretesa;+Uye waini yavanonwa muimba* yavanamwari vavo vakaiwana kuvanhu vavakaripisa.’
9 ‘Asi ndini ndakaparadza muAmori pamberi pavo,+Uyo akanga akareba semisidhari, uye akanga akasimba semiti yemioku;Ndakaparadza michero yake nemidzi yake.+
10 Ndakakubudisai munyika yeIjipiti,+Uye ndakakufambisai murenje kwemakore 40,+Kuti mutore nyika yemuAmori.
11 Ndakaita kuti vamwe vanakomana venyu vave vaprofita+Uye kuti mamwe majaya enyu ave vaNaziri.+
Ndiri kunyepa here nhai vaIsraeri?’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
12 ‘Asi makaramba muchipa vaNaziri waini,+Uye makati kuvaprofita: “Hamufaniri kuprofita.”+
13 Saka ndichakupwanyai muri pamuri ipapo,Sekupwanywa kunoitwa zvinhu zvinotsikwa nengoro izere nezvirimwa zvachekwa.
14 Uya anomhanya kwazvo achashaya kwekutizira,+Uya ane simba achapera simba;Kunyange murwi ane simba haazoponi.
15 Uya anopfura neuta haazokwanisi kuzvirwira,Uya anomhanya kwazvo haazokwanisi kutiza,Uye hapana mutasvi webhiza achapukunyuka.
16 Kunyange murwi akashinga kupfuura vamwe veseAchatiza asina kupfeka pazuva iroro,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”