Amosi 2:1-16

  • Kutongwa nemhaka yekupanduka kakawanda (1-16)

2  “Zvanzi naJehovha,‘“Handizoregi kuita zvandakasarudza pamusoro paMoabhi+ nekuti akapanduka katatu uye kana,Nekuti akapisa mapfupa amambo weEdhomu akaita madota.   Saka ndichatumira moto muMoabhi,Uye uchaparadza shongwe dzakavakwa zvakasimba dzekuKeriyoti;+Pachafa Moabhi pachange paine ruzha rukuru,Nemheremhere yehondo, uye pachange pachiridzwa hwamanda.+   Ndichabvisa mutungamiriri* ari maariNdomuuraya pamwe chete nemachinda ake ese,”+ anodaro Jehovha.’   Zvanzi naJehovha,‘Handizoregi kuita zvandakasarudza pamusoro pevanhu veJudha+ nekuti vakapanduka katatu uye kana,Nekuti vakaramba mutemo waJehovha,Uye havana kuchengeta mirau yake;+Asi nhema dzakateverwa nemadzitateguru avo ndidzo dzavatsausa.+   Saka ndichatumira moto muJudha,Uye uchaparadza shongwe dzakavakwa zvakasimba muJerusarema.’+   Zvanzi naJehovha,‘Handizoregi kuita zvandakasarudza pamusoro pevaIsraeri+ nekuti vakapanduka katatu uye kana,Nekuti vari kutengesa vanhu vakarurama vachipiwa sirivha,Uye vari kuchinjanisa varombo neshangu mbiri.+   Vanotsika-tsika misoro yevanhu vakaderera muguruva,+Uye vanovhara nzira yevanyoro.+ Baba nemwanakomana wavo vanorara nemusikana mumwe chete,Vachisvibisa zita rangu dzvene.   Vanozvambarara pedyo neatari dzese+ vari panguo dzavakatora sechibatiso kune vaya vavakakweretesa;+Uye waini yavanonwa muimba* yavanamwari vavo vakaiwana kuvanhu vavakaripisa.’   ‘Asi ndini ndakaparadza muAmori pamberi pavo,+Uyo akanga akareba semisidhari, uye akanga akasimba semiti yemioku;Ndakaparadza michero yake nemidzi yake.+ 10  Ndakakubudisai munyika yeIjipiti,+Uye ndakakufambisai murenje kwemakore 40,+Kuti mutore nyika yemuAmori. 11  Ndakaita kuti vamwe vanakomana venyu vave vaprofita+Uye kuti mamwe majaya enyu ave vaNaziri.+ Ndiri kunyepa here nhai vaIsraeri?’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. 12  ‘Asi makaramba muchipa vaNaziri waini,+Uye makati kuvaprofita: “Hamufaniri kuprofita.”+ 13  Saka ndichakupwanyai muri pamuri ipapo,Sekupwanywa kunoitwa zvinhu zvinotsikwa nengoro izere nezvirimwa zvachekwa. 14  Uya anomhanya kwazvo achashaya kwekutizira,+Uya ane simba achapera simba;Kunyange murwi ane simba haazoponi. 15  Uya anopfura neuta haazokwanisi kuzvirwira,Uya anomhanya kwazvo haazokwanisi kutiza,Uye hapana mutasvi webhiza achapukunyuka. 16  Kunyange murwi akashinga kupfuura vamwe veseAchatiza asina kupfeka pazuva iroro,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “mutongi.”
Kana kuti “mutemberi.”