Amosi 3:1-15

  • Kuzivisa mitongo yaMwari (1-8)

    • Mwari anozivisa zvakavanzika zvake (7)

  • Kutongwa kweSamariya (9-15)

3  “Inzwai shoko iri rataurwa naJehovha pamusoro penyu, imi vanhu veIsraeri, imi mhuri yese yandakabudisa munyika yeIjipiti:   ‘Ndimi chete vandakaziva pamhuri dzese dzepanyika.+ Ndokusaka ndichakutongerai kukanganisa kwenyu kwese.+   Vanhu vaviri vangafamba vese vasina kumborangana here?   Shumba ingadzvova musango isina chayabata here? Shumba yava nezenze* ingahon’a munzvimbo yainogara, iyo isina chayabata here?   Shiri ingabatwa nechiteyeso pasina aiteya here?* Chiteyeso chingaurukira mudenga ipo pasina chachabata here?   Kana hwamanda ikaridzwa muguta, vanhu havadederi here? Kana muguta mukava nedambudziko, Jehovha haasi iye anenge ariunza here?   Nekuti Changamire Ishe Jehovha haaiti chinhuAsina kuzivisa zvakavanzika zvake kuvashumiri vake, ivo vaprofita.+   Shumba yadzvova!+ Ndiani asingazotyi? Changamire Ishe Jehovha ataura! Ndiani asingazoprofiti?’+   ‘Zvizivisei muri pashongwe dzakavakwa zvakasimba dzekuAshdhodhiUye pashongwe dzakavakwa zvakasimba dziri munyika yeIjipiti. Taurai kuti: “Unganai mumakomo eSamariya;+Onai zhowezhowe riri kuitwa mairiNekubiridzira kuri kuitwa mairi.+ 10  Nekuti havazivi kuti kuita zvakarurama kuita sei,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,“Ivo vaya vari kuita kuti mhirizhonga nekuparadza zvitutirane mushongwe dzavo dzakavakwa zvakasimba.”’ 11  Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha,‘Nyika ichakombwa nemuvengi;+Achakusiya usisina kana simba,Uye zvinhu zviri mushongwe dzako dzakavakwa zvakasimba zvichapambwa.’+ 12  Zvanzi naJehovha,‘Sezvinoita mufudzi anongokwanisa kubvuta makumbo maviri chete kana chidimbu chenzeve mukanwa meshumba,Saizvozvowo pavaIsraeri vagere muSamariya pamibhedha yakanaka nepazvigaro zvakanaka,*Pachangopona vashoma.’+ 13  ‘Inzwai, muyambire imba yaJakobho,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha, Mwari wemauto. 14  ‘Nekuti pazuva randicharanga Israeri nemhaka yekupanduka kwese kwaakaita,+Ndichaparadzawo atari dzekuBheteri;+Nyanga dzeatari dzichadimburwa dzowira pasi.+ 15  Ndichaputsa imba yemunguva yechando pamwe chete neimba yemunguva yezhizha.’ ‘Dzimba dzakagadzirwa nenyanga dzenzou dzichaparara+Uye dzimba dzemaoresa* dzichaparara,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Shumba ine simba.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “icho chisina zvinoikwezva here?”
Kana kuti “nepazvigaro zvekuDhamasiko.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Uye dzimba zhinji.”