Amosi 4:1-13

  • Shoko kumhou dzekuBhashani (1-3)

  • Jehovha anotsvinyira vaIsraeri nekunamata kwavo kwenhema (4, 5)

  • VaIsraeri vanorangwa asi havateereri (6-13)

    • “Gadzirira kusangana naMwari wako” (12)

    • ‘Mwari anoudza munhu pfungwa dzake’ (13)

4  “Inzwai shoko iri imi mhou dzekuBhashaniDziri mugomo reSamariya,+Imi vakadzi vari kubiridzira vanhu vakaderera,+ muchidzvinyirira varombo,Imi muri kuti kuvarume* venyu, ‘Tiunzirei zvekunwa!’   Changamire Ishe Jehovha apika neutsvene hwake achiti,‘“Inzwai! Mazuva achasvika aachakusimudzai nezvinoshandiswa kukochekera nyama nemunhu anouraya mhukaUye vanenge vasara pakati penyu achavasimudza nezvirauro.   Muchabuda nemunzvimbo dzakaputsika rusvingo, mumwe nemumwe nepaanenge akatarisana napo;Uye muchakandwa kuHamoni,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.’   ‘Uyai kuBheteri mutadze,*+Uye uyai kuGirigari mutowedzera kuita zvivi zvenyu!+ Uyai nezvibayiro zvenyu+ mangwanani,Nezvegumi zvenyu+ pazuva rechitatu.   Pisai chibayiro chekuonga chezvingwa zvine mbiriso;+Shevedzerai muchizivisa nezvemipiro yenyu yekungopawo muchizvidira! Nekuti ndizvo zvamunofarira, imi vanhu veIsraeri,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.   ‘Ndakaita kuti mazino enyu achene nekushaya zvekudya mumaguta enyu ese,Uye ndakaita kuti mushayiwe zvekudya mudzimba dzenyu dzese;+Asi hamuna kudzoka kwandiri,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.   ‘Ndakaregawo kukunayisirai mvura kwemwedzi mitatu kukohwa kusati kwasvika;+Ndakaita kuti mvura inaye mune rimwe guta asi mune rimwe musina. Mvura yainaya mune mumwe munda,Asi mumwe waishaya mvura, wobva waoma.   Vanhu vemumaguta maviri kana matatu vaidzedzereka vachienda kuguta rimwe chete kuti vanonwa mvura,+Asi vaisawana mvura inovakwanira;Kunyange zvakadaro, hamuna kudzoka kwandiri,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.   ‘Ndakaita kuti zvirimwa zvenyu zvitsve uye zviore.+ Makava nemapindu akawanda neminda yemizambiringa yakawanda,Asi mhashu dzaiparadza mionde yenyu nemiorivhi yenyu;+Kunyange zvakadaro, hamuna kudzoka kwandiri,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. 10  ‘Ndakakutumirai denda rakafanana neriya rekuIjipiti.+ Ndakauraya majaya enyu nebakatwa,+ ndikatora mabhiza enyu.+ Ndakaita kuti kunhuhwa kwemisasa yenyu kusvike mumhino dzenyu;+Asi hamuna kudzoka kwandiri,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. 11  ‘Ndakakuparadzai,Sekuparadza kwandakaita Sodhomu neGomora.+ Uye makaita sedanda ravhomorwa mumoto;Asi hamuna kudzoka kwandiri,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. 12  Saka ndichakuitira zvakafanana naizvozvo, iwe Israeri. Gadzirira kusangana naMwari wako, iwe Israeri,Nemhaka yekuti ndichakuitira izvozvo. 13  Nekuti ndiye akaumba makomo+ uye akasika mhepo;+Anoudza munhu pfungwa dzake,Anochinja mambakwedza kuti ave rima,+Uye anotsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika;+Iye anonzi Jehovha Mwari wemauto.”

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “kuna vanatenzi.”
Kana kuti “mupanduke.”